Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Ruka 17:1-19

Ruka 17:1-19 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)

Jesu akati kuvadzidzi vake, “Zvinokonzera vamwe kuita zvakaipa hazvimborega kuvapo. Asi zvichamuwana iye anozviunza. Zvaitova nani kuti asungirirwe guyo mumutsipa make achindokandwa munyanza panze pokuti akonzere mumwe wavaduku ava kuti atadzire Mwari. Zvichenjererei imi pachenyu; kana hama yako ikakutadzira, itsiure. Kana ikapfidza iregerere. Uye kana akakutadzira kanomwe pazuva akauya kwauri kanomwe achiti ndapfidza. Unofanira kumuregerera.” Vapositori vakati kuna Tenzi, “Tiwedzereiwo chitendero chedu.” Tenzi akati, “Dai muine chitendero chakaita setsanga yemasitadhi, maigona kuti kumuonde uyu dzipuka undosimwa mugungwa uchikuteererai. “Pane mumwe wenyu here ano muranda anenge achirima kana kufudza hwai, angati kwaari kana abva kumunda, ‘Chibva wauya ugare pakudya?’ Haasi anototi here, ‘Ndigadzirire chokudya chamanheru upfeke undiperekere, kusvikira ndadya ndikanwa, iwe wozodyawo nokunwa mushure macho?’ Anotenda muranda here nokuti aita zvaaudzwa? Nemiwo, kana maita zvamunenge maudzwa itii, ‘Tiri varanda vasingakodzeri. Tangoita zvatinofanira kuita.’ ” Ari parwendo rwokuenda kuJerusaremu akapfuura napakati peSamaria neGarirea. Paakapinda mune mumwe musha, akasangana navanhu gumi vaiva namaperembudzi vakamira nechekure vakadaidzira vachiti, “Jesu, Tenzi tinzwireiwo tsitsi.” Paakavaona akati kwavari, “Endai mundozviratidza kuvapristi.” Pavaienda vakabva vaporeswa. Zvino mumwechete wavo paakaona kuti arapwa, akadzoka achirumbidza Mwari nezwi riri pamusoro. Akazviwisira pasi nouso patsoka dzaJesu achimutenda. Zvino murume uyu aiva muSamaria. Jesu akati, “Ko vanatswa havasi gumi here? Ko vamwe vapfumbamwe varipi? Hapana kuwanikwa adzoka kuzorumbidza Mwari kusiya mutorwa uyu oga.” Akati kwaari, “Chisimuka uenda zvako. Chitendero chako chakuponesa.”

Pakurirana nevamwe
Verenga chikamu Ruka 17

Ruka 17:1-19 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)

Zvino akati kuvadzidzi vake, “Hazvingaitiki kuti zvigumbuso zvisauya. Asi ane nhamo iye azvinouya naye. Zvaiva nani kwaari, kuti guyo risungirirwe mumutsipa wake, awisirwe mugungwa, pakuti agumbuse mumwe wavaduku ava. “Chenjerai; kana hama yako ikatadza, umurayire; kana akatendeuka, umukanganwire. Kunyange akutadzira kanomwe nezuva rimwe, akadzokera kwauri kanomwe, achiti, ‘Ndatendeuka;’ umukanganwire.” Zvino vapostori vakati kuna Ishe, “Tiwedzerei kutenda kwedu.” Ishe akati, “Kana maiva nokutenda kwakaita setsanga yemasitadhi, maiti kumuonde uyu, ‘Dzurwa, usimwe mugungwa!’ Uchakuteererai. “Ndiani kwamuri angava nomuranda anorima, kana anofudza makwai, akati kwaari, achibva kumunda, Uya, ugare pakudya? “Handiti angati kwaari, ‘Ndigadzirire zvokudya, uzvisunge chiuno, undishandire, kusvikira ini ndadya, ndikanwa; iwe ugozodya, nokunwa?’ Ko angatenda muranda, zvaaita zvakanga zvarayirwa here? “Saizvozvo nemiwo, kana maita zvose zvamarayirwa, muti, ‘Tiri varanda pasina, takaita sezvataifanira kuita.’ ” Zvino vakati vachienda Jerusaremu, akapfuura napaSamaria neGariria. Zvino achipinda munomumwe musha, akasangana navarume vane gumi vaiva namaperembudzi, vamire kure. Vakadanidzira, vachiti, “Jesu, Tenzi, tinzwirei ngoni!” Zvino akati achivaona, akati kwavari, “Endai mundozviratidza kuvapristi.” Vakati vachienda, vakapora. Zvino mumwe wavo, akati achiona kuti ndaporeswa, akadzoka, achikudza Mwari nezwi guru; akawira pasi nechiso patsoka dzake, akamuvonga. Zvino iye akanga ari muSamaria. Ipapo Jesu akapindura, akati, “Havana kuporeswa vane gumi here? Vapfumbamwe varipiko? Hapana akawanikwa adzokera kuzokudza Mwari, asi uyu mutorwa here?” Ipapo akati kwaari, “Simuka, uende; kutenda kwako kwakuponesa.”

Pakurirana nevamwe
Verenga chikamu Ruka 17

Ruka 17:1-19 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)

Jesu akati kuvadzidzi vake, “Zvinhu zvinoita kuti vanhu vatadze zvinototi zviuye, asi ane nhamo munhu uyo anouya nazvo. Zvaiva nani kwaari kuti guyo risungirirwe pamutsipa wake agokandwa mugungwa pano kuti atadzise mumwe wavaduku ava. Saka zvingwarirei. “Kana hama yako ichitadza, itsiure, uye kana akatendeuka, umuregerere. Kana akakutadzira kanomwe pazuva, uye akadzoka kwauri kanomwe achiti, ‘Ndatendeuka,’ muregerere.” Vapostori vakati kuna She, “Tiwedzereiwo kutenda kwedu!” Iye akati, “Kana muno kutenda kuduku duku setsanga yemasitadhi, munogona kuti kumuti womuonde uyu, ‘Dzurwa usimwe mugungwa,’ uye uchakuteererai. “Ngatitii mumwe wenyu anga aine muranda anorima kana kuti anofudza makwai. Angati here kumuranda paanopinda achibva kumunda, ‘Uya pano iye zvino ugare pasi udye’? Ko, haangati here, ‘Ndigadzirire chokudya changu, uzvigadzirire iwe ugondimirira pandinenge ndichidya nokunwa; shure kwaizvozvo iwe ungazodya hako nokunwa’? Ko, angavonga muranda nokuda kwokuti akaita zvaakaudzwa here? Saka nemiwo, pamunenge maita zvose zvamakaudzwa kuti muite, munofanira kuti, ‘Tiri varanda vasina maturo; tangoita zvatanga tichifanira kuita.’ ” Zvino ari munzira achienda kuJerusarema, Jesu akafamba achitevedza muganhu waiva pakati peSamaria neGarirea. Paakanga opinda mumusha, varume gumi vaiva namaperembudzi vakasangana naye. Vakamira vari nechokure uye vakadanidzira nenzwi guru vachiti, “Jesu, Tenzi, tinzwireiwo ngoni!” Akati achivaona, akati kwavari, “Endai munozviratidza kuvaprista.” Uye pavaienda, vakabva vanatswa. Mumwe wavo akati aona kuti akanga aporeswa, akadzoka achirumbidza Mwari nenzwi guru. Akazviwisira patsoka dzaJesu akamuvonga. Uye akanga ari muSamaria. Jesu akati, “Ko, havasi vose gumi vakaporeswa here? Ko, vamwe vapfumbamwe varipi? Kwashayikwa mumwe woga adzoka akazorumbidza Mwari kunze kwouyu mutorwa here?” Ipapo akati kwaari, “Simuka uende; kutenda kwako kwakuporesa.”

Pakurirana nevamwe
Verenga chikamu Ruka 17

Ruka 17:1-19 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)

Zvino akati kuvadzidzi vake, “Hazvingaitiki kuti zvigumbuso zvisauya. Asi ane nhamo iye azvinouya naye. Zvaiva nani kwaari, kuti guyo risungirirwe mumutsipa wake, awisirwe mugungwa, pakuti agumbuse mumwe wavaduku ava. “Chenjerai; kana hama yako ikatadza, umurayire; kana akatendeuka, umukanganwire. Kunyange akutadzira kanomwe nezuva rimwe, akadzokera kwauri kanomwe, achiti, ‘Ndatendeuka;’ umukanganwire.” Zvino vapostori vakati kuna Ishe, “Tiwedzerei kutenda kwedu.” Ishe akati, “Kana maiva nokutenda kwakaita setsanga yemasitadhi, maiti kumuonde uyu, ‘Dzurwa, usimwe mugungwa!’ Uchakuteererai. “Ndiani kwamuri angava nomuranda anorima, kana anofudza makwai, akati kwaari, achibva kumunda, Uya, ugare pakudya? “Handiti angati kwaari, ‘Ndigadzirire zvokudya, uzvisunge chiuno, undishandire, kusvikira ini ndadya, ndikanwa; iwe ugozodya, nokunwa?’ Ko angatenda muranda, zvaaita zvakanga zvarayirwa here? “Saizvozvo nemiwo, kana maita zvose zvamarayirwa, muti, ‘Tiri varanda pasina, takaita sezvataifanira kuita.’ ” Zvino vakati vachienda Jerusaremu, akapfuura napaSamaria neGariria. Zvino achipinda munomumwe musha, akasangana navarume vane gumi vaiva namaperembudzi, vamire kure. Vakadanidzira, vachiti, “Jesu, Tenzi, tinzwirei ngoni!” Zvino akati achivaona, akati kwavari, “Endai mundozviratidza kuvapristi.” Vakati vachienda, vakapora. Zvino mumwe wavo, akati achiona kuti ndaporeswa, akadzoka, achikudza Mwari nezwi guru; akawira pasi nechiso patsoka dzake, akamuvonga. Zvino iye akanga ari muSamaria. Ipapo Jesu akapindura, akati, “Havana kuporeswa vane gumi here? Vapfumbamwe varipiko? Hapana akawanikwa adzokera kuzokudza Mwari, asi uyu mutorwa here?” Ipapo akati kwaari, “Simuka, uende; kutenda kwako kwakuponesa.”

Pakurirana nevamwe
Verenga chikamu Ruka 17

Ruka 17:1-19 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)

Jesu akati kuvadzidzi vake, “Zvinokonzera vamwe kuita zvakaipa hazvimborega kuvapo. Asi zvichamuwana iye anozviunza. Zvaitova nani kuti asungirirwe guyo mumutsipa make achindokandwa munyanza panze pokuti akonzere mumwe wavaduku ava kuti atadzire Mwari. Zvichenjererei imi pachenyu; kana hama yako ikakutadzira, itsiure. Kana ikapfidza iregerere. Uye kana akakutadzira kanomwe pazuva akauya kwauri kanomwe achiti ndapfidza. Unofanira kumuregerera.” Vapositori vakati kuna Tenzi, “Tiwedzereiwo chitendero chedu.” Tenzi akati, “Dai muine chitendero chakaita setsanga yemasitadhi, maigona kuti kumuonde uyu dzipuka undosimwa mugungwa uchikuteererai. “Pane mumwe wenyu here ano muranda anenge achirima kana kufudza hwai, angati kwaari kana abva kumunda, ‘Chibva wauya ugare pakudya?’ Haasi anototi here, ‘Ndigadzirire chokudya chamanheru upfeke undiperekere, kusvikira ndadya ndikanwa, iwe wozodyawo nokunwa mushure macho?’ Anotenda muranda here nokuti aita zvaaudzwa? Nemiwo, kana maita zvamunenge maudzwa itii, ‘Tiri varanda vasingakodzeri. Tangoita zvatinofanira kuita.’ ” Ari parwendo rwokuenda kuJerusaremu akapfuura napakati peSamaria neGarirea. Paakapinda mune mumwe musha, akasangana navanhu gumi vaiva namaperembudzi vakamira nechekure vakadaidzira vachiti, “Jesu, Tenzi tinzwireiwo tsitsi.” Paakavaona akati kwavari, “Endai mundozviratidza kuvapristi.” Pavaienda vakabva vaporeswa. Zvino mumwechete wavo paakaona kuti arapwa, akadzoka achirumbidza Mwari nezwi riri pamusoro. Akazviwisira pasi nouso patsoka dzaJesu achimutenda. Zvino murume uyu aiva muSamaria. Jesu akati, “Ko vanatswa havasi gumi here? Ko vamwe vapfumbamwe varipi? Hapana kuwanikwa adzoka kuzorumbidza Mwari kusiya mutorwa uyu oga.” Akati kwaari, “Chisimuka uenda zvako. Chitendero chako chakuponesa.”

Pakurirana nevamwe
Verenga chikamu Ruka 17

Ruka 17:1-19 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)

Ɀino wakati kuʋadzidzi ʋake: Haɀiŋgaitiki kuti ɀigumbuso ɀisaʋuya. Asi unenhamo iye waɀinoʋuya naye. Ɀaiʋa nani kwaari, kuti guyo risuŋgirirwe pamutsipa wake, awisirwe muguŋgwa, pakuti agumbuse mumŋe waʋaɗuku aʋa. Cenjerai; kana hama yako ikatadza, umuraire; kana akatendeʋuka, umukaŋganwire. Kunyaŋge akutadzira kanomŋe nezuʋa rimŋe, akadzokera kwauri kanomŋe, aciti: Ndatendeʋuka; umukaŋganwire. Ɀino ʋaapostora ʋakati kunaShe: Tiwedzerei kutenda kweɗu. Ishe akati: Kana maiʋa nokutenda kwakaita setsaŋga yemastarda, maiti kumuʋonde uyu: Dzurwa, usimŋe muguŋgwa! ucakutererai. Ndiani kwamuri uŋgaʋa nomuranda unorima, kana unofudza makwai, akati kwaari, acibva kumunda: Ʋuya, ugare pakudya? Handiti uŋgati kwaari: Ndigadzirire ɀokudya, uɀisuŋge ciʋuno, undishandire, kuȿikira ini ndadya, ndikanwa; iwe ugozodya, nokunwa? Ko uŋgatenda muranda, ɀaaita ɀakaŋga ɀarairwa here? Saiɀoɀo nemi ʋo, kana maita ɀose ɀamarairwa, muti: Tiri ʋaranda pasina, takaita seɀataifanira kuita. Ɀino ʋakati ʋacienda Jerusarema, akapfuʋura napaSamaria neGarirea. Ɀino acipinda munomumŋe musha, akasoŋgana naʋarume ʋanegumi ʋaiʋa namaperembudzi, ʋamire kure. Ʋakaɗanidzira, ʋaciti: Jesu, Tenzi, tinzwirei ŋgoni! Ɀino wakati aciʋaʋona, akati kwaʋari: Endai mundoɀiratidza kuʋaprista. Ʋakati ʋacienda, ʋakapora. Ɀino mumŋe waʋo, wakati aciʋona kuti ndaporeswa, akadzoka, acikudza Mŋari nenzwi guru; akawira pasi neciso patsoka dzake, akamuʋoŋga. Ɀino iye wakaŋga ari muSamaria. Ipapo Jesu akapindura, akati: Haʋana‐kuporeswa ʋanegumi here? Ʋapfumbamŋe ʋaripiko? Hapanawakawanikwa wadzokera kuzokudza Mŋari, asi uyu mutorwa here? Ipapo akati kwaari: Simuka, uende; kutenda kwako kwakuponesa.