Jesu akatiwo kuvadzidzi vake. “Kwaiva nomumwe murume mupfumi aiva nomutariri. Akacherwa kwaari kuti murume uyu akanga achimuparadzira zvinhu zvake. Akamudaidza akamuti, ‘Chii ichi chandiri kunzwa nezvako? Ndipire nezveutariri hwako ndinzwe nokuti hauchavi mutaririzve.’ Mutariri uya akazviti ndichaita sei Tenzi wangu zvaava kundibvisa pautariri? Simba rokutimba handina uye kukumbira ndinonyara. Ndafunga zvokuita kuti vanhu vazondigamuchira mudzimba dzavo pandinenge ndabviswa pautariri. Akadaidza vaiva nezvikwereti naTenzi wake mumwechete mumwechete. Akati kune wokutanga, ‘Une chikwereti chakadii kuna Tenzi wangu?’ Iye akati, ‘Ndine zana remigomo yamafuta.’ Akati kwaari, ‘Tora katsamba kechikwereti chako ugare pasi nokuchimbidza unyore makumi mashanu.’ Akatiwo kune mumwe, ‘Ko iwe unechikwereti chakadii?’ Iye akati, ‘Mabhagidhi zana ekoroni.’ Akamuti, ‘Tora katsamba kako kechikwereti unyore makumi masere.’ Tenzi akarumbidza mutariri asina kutendeka uya nokuti vanhu vapanyika pano vanoziva mano avanoitirana nevechizvarwa chavo kukunda vana vechiedza. Ndinokutii, ‘Itai ushamwari muchishandisa mari isina zvayo kururama kuti kana yopera vakugamuchirei mudzimba dzokugara nokusingaperi. Munhu anovimbika mune zvidiki anovimbika mune zvikuru. Uyowo asingavimbiki mune zvidiki haavimbikiwo mune zvikuru. Zvino kana usingavimbiki munezvemari isina kururama zvayo, ndiani angakuchengetese upfumi hwechokwadi? Zvino kana usina kuvimbika nechinhu chomumwe ndiani angakupe zvako pachako?’ “Hapana muranda anogona kushandira vatenzi vaviri nokuti anogona kuvenga mumwe achida mumwe kana kuti kwati kwati nomumwe achishora mumwe wacho. Haugoni kushandira Mwari uye mari.” VaFarisei vaidisa mari, vakanzwa zvose izvi vakamuseka. Asi akati kwavari, “Imika ndimi munozviita vakanaka pamberi pavanhu asi Mwari anoziva mwoyo yenyu nokuti chinorumbidzwa navanhu chinosemesa pana Mwari. “Mutemo navaporofita zvaivapo kusvikira pana Johani. Kubvirawo ipapo Shoko Rakanaka roumambo hwaMwari rinoparidzwa, munhu wosewo ari kuita zvokumanikidzira kupindamo. Asi zviri nyore kuti denga napasi zvipfuure panokuti kabhii kadikidiki zvako koMutemo kashaye basa. Ani naani anoramba mukadzi wake achiroora mumwe anoita upombwe. Nouyowo anoroora mukadzi akarambwa nomurume wake anoita upombwe.
Verenga chikamu Ruka 16
Pakurirana nevamwe
Enzanisa mhando yose: Ruka 16:1-18
Chengetedza mavhesi, verenga usiri pamasaisai, wona mavhidhiyo ezvidzidzo uye zvakawanda!
Pekutangira
Bhaibheri
Zvirongwa
Mavideo