Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Ruka 16:1-18

Ruka 16:1-18 SNA2002

Zvino wakatiwo kuvadzidzi vake, “Kwakanga kuno mupfumi, aiva nomutariri; iye akacherwa kwaari, zvichinzi anoparadza pfuma yake. Ipapo akamudana, akati kwaari, ‘Izvi zvandinonzwa pamusoro pako ndezveiko? Chizvidavirira pamusoro pohutariri hwako; nokuti haungazovi mutariri.’ Zvino mutariri akati mumwoyo make, ‘Ndichaiteiko, ishe wangu zvaanditorera hutariri hwangu? Handina simba rokurima naro; kukumbira ndinonyara. Ndinoziva zvandichaita, kuti kana ndabudiswa pahutariri, vandigamuchire mudzimba dzavo.’ Zvino akadana mumwe nomumwe akanga ane chikwerete nashe wake, akati kune wokutanga, ‘Une chikwerete chakadiniko kuna ishe wangu?’ Iye akati, ‘Makate ane zana amafuta.’ Akati kwaari, ‘Tora runyoro rwako, gara pasi pakarepo, unyore makumi mashanu.’ Akati kuno mumwe, ‘Ko iwe, une chikwerete chakadiniko?’ Iye akati, ‘Matengu ane zana ezviyo.’ Akati kwaari, ‘Tora runyoro rwako, unyore makumi masere.’ Ishe wake akarumbidza mutariri asakarurama, nokuti akanga aita nokuchenjera; nokuti vana venyika ino vakachenjera parudzi rwavo kukunda vana vechiedza.” Ndinoti kwamuri, “Muzviitire shamwari nepfuma isakarurama, kuti, kana yapera, vakugamuchirei mudzimba dzisingaperi. Akatendeka pazvinhu zviduku-duku, akatendekawo pazvikuru; asi asakarurama pazvinhu zviduku-duku, haangaruramiwo pazvikuru. Naizvozvo kana musina kuva vakatendeka papfuma isakarurama, ndianiko achakutendai nepfuma yechokwadi? Kana musina kuva vakatendeka pazvinhu zvomumwe, ndianiko achakupai zvenyu? “Hakuna muranda angagona kushandira vatenzi vaviri, nokuti achavenga mumwe, akada mumwe; kana achinamatira mumwe, akazvidza mumwe; hamungashandirii Mwari nePfuma.” Zvino vaFarisi, vakanga vachida mari, vakanzwa izvozvo zvose, vakamuseka. Akati kwavari, “Imi munozviruramisa pamberi pavanhu, asi Mwari anoziva mwoyo yenyu; nokuti izvo zvinokudzwa pakati pavanhu, zvinonyangadza pamberi paMwari. “Murayiro navaporofita zvakanga zviripo kusvikira kuna Johani; kubva panguva iyo ushe hwaMwari hunoparidzwa, mumwe nomumwe anopinda mahuri nesimba. Asi zvakareruka kuti denga nenyika zvipfuure, pakuti tsanga imwe yomurayiro ikoneswe. “Mumwe nomumwe anoramba mukadzi wake, akawana mumwe, anoita upombwe; uye mumwe nomumwe anowana wakarambwa nomurume, anoita upombwe.

Verenga chikamu Ruka 16