Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Ruka 16

16
1Jesu akatiwo kuvadzidzi vake. “Kwaiva nomumwe murume mupfumi aiva nomutariri. Akacherwa kwaari kuti murume uyu akanga achimuparadzira zvinhu zvake. 2Akamudaidza akamuti, ‘Chii ichi chandiri kunzwa nezvako? Ndipire nezveutariri hwako ndinzwe nokuti hauchavi mutaririzve.’ 3Mutariri uya akazviti ndichaita sei Tenzi wangu zvaava kundibvisa pautariri? Simba rokutimba handina uye kukumbira ndinonyara. 4Ndafunga zvokuita kuti vanhu vazondigamuchira mudzimba dzavo pandinenge ndabviswa pautariri. 5Akadaidza vaiva nezvikwereti naTenzi wake mumwechete mumwechete. 6Akati kune wokutanga, ‘Une chikwereti chakadii kuna Tenzi wangu?’ Iye akati, ‘Ndine zana remigomo yamafuta.’ Akati kwaari, ‘Tora katsamba kechikwereti chako ugare pasi nokuchimbidza unyore makumi mashanu.’ 7Akatiwo kune mumwe, ‘Ko iwe unechikwereti chakadii?’ Iye akati, ‘Mabhagidhi zana ekoroni.’ Akamuti, ‘Tora katsamba kako kechikwereti unyore makumi masere.’ 8Tenzi akarumbidza mutariri asina kutendeka uya nokuti vanhu vapanyika pano vanoziva mano avanoitirana nevechizvarwa chavo kukunda vana vechiedza. 9Ndinokutii, ‘Itai ushamwari muchishandisa mari isina zvayo kururama kuti kana yopera vakugamuchirei mudzimba dzokugara nokusingaperi. 10Munhu anovimbika mune zvidiki anovimbika mune zvikuru. Uyowo asingavimbiki mune zvidiki haavimbikiwo mune zvikuru. 11Zvino kana usingavimbiki munezvemari isina kururama zvayo, ndiani angakuchengetese upfumi hwechokwadi? 12Zvino kana usina kuvimbika nechinhu chomumwe ndiani angakupe zvako pachako?’
13“Hapana muranda anogona kushandira vatenzi vaviri nokuti anogona kuvenga mumwe achida mumwe kana kuti kwati kwati nomumwe achishora mumwe wacho. Haugoni kushandira Mwari uye mari.”
Umambo hwedenga nomutemo nomuchato
(Mat 11:12–13; 5:31–32; Mak 10:11–12)
14VaFarisei vaidisa mari, vakanzwa zvose izvi vakamuseka. 15Asi akati kwavari, “Imika ndimi munozviita vakanaka pamberi pavanhu asi Mwari anoziva mwoyo yenyu nokuti chinorumbidzwa navanhu chinosemesa pana Mwari.
16“Mutemo navaporofita zvaivapo kusvikira pana Johani. Kubvirawo ipapo Shoko Rakanaka roumambo hwaMwari rinoparidzwa, munhu wosewo ari kuita zvokumanikidzira kupindamo. 17Asi zviri nyore kuti denga napasi zvipfuure panokuti kabhii kadikidiki zvako koMutemo kashaye basa. 18Ani naani anoramba mukadzi wake achiroora mumwe anoita upombwe. Nouyowo anoroora mukadzi akarambwa nomurume wake anoita upombwe.
Mupfumi naRazaro
19“Kwaiva nomumwe murume mupfumi aipfeka hanzu dzoruvara rwehute nedzerineni yakanakisisa achidyiririra zvikuru zuva nezuva. 20Asi pasuo rake guru paigara pakanzi rabada nomumwe murume murombo ainzi, Razaro akanga ari maronda oga oga. 21Aida kudya zvaidonha pateburu yomupfumi, uye imbwawo dzaiuya dzichimunanzva maronda ake. 22Murombo uya akafa akatakurwa navatumwa kunzvimbo yepedyo pedyo nechipfuva chaAbhurahamu. 23Mupfumi uya akafawo akandovigwa. Ari munzvimbo yavakafa achirwadziwa, akasimudza musoro akaona Abhurahamu ari kure kure aina Razaro pedyo pedyo nechipfuva chake. 24Akadanidzira achiti, ‘Baba Abhurahamu ndinzwirei tsitsi mutume Razaro kundonyika muromo womunwe wake mumvura atonhodze rurimi rwangu nokuti ndiri kurwadziwa murimi iri romoto.’ 25Abhurahamu akati, ‘Mwanangu yeuka kuti panguva youpenyu hwako wakagamuchira zvinhu zvakanaka. Ndizvozvowo zvimwechetezvo naRazaro, akawana zvakaipa; asi zvino ari kunyaradzwa kuno iwe uri mukurwadziwa. 26Handizvo chete, pakati pedu nemi pakaiswa zigoronga kuti vanoda kuyambukira kwamuri vachibva kuno vakundike uye kuti pashaye anoyambuka achibva ikoko achiuya kwatiri.’ 27Akati, ‘Saka ndinokukumbirai baba, kuti mutume Razaro kumba kwababa vangu 28nokuti ndine vakoma navanun'una vashanu kuti andovayambira nokuti vangadaro vakauyawo kunzvimbo ino yokurwadziwa.’ 29Abhurahamu akati, ‘Vana Mosesi navaporofita, ngavateerere ivavo.’ 30Iye akati, ‘Kwete Baba, Abhurahamu. Asi kana mumwe munhu akaenda kwavari achibva kune vakafa vanopinduka.’ 31Abhurahamu akati kwaari, ‘Kana vakarega kunzwa Mosesi navaporofita havambotendi kana mumwe munhu akamuka achibva kuvafi.’ ”

Zvasarudzwa nguva ino

Ruka 16: SCLB

Sarudza vhesi

Pakurirana nevamwe

Sarudza zvinyorwa izvi

None

Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda

Vhidhiyo re Ruka 16