Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Ruka 12:1-34

Ruka 12:1-34 SCLB

Panguva yose iyoyo; pakanga paungana zviuru zvakati kuti zvegungano ravanhu zvokutotsikirirana, akatanga kutaura kuvadzidzi vake achiti, “Chenjererai mbiriso yavaFarisei, zvinoreva unyengedzi. Hapana chakafukidzwa chisingazoburitswi pachena kana chakavanzika chisingazozivikanwi. Naizvozvo zvose zvamunotaura murima zvichanzwikwa pachena uye zvamakataura nakazevezeve mudzimba dzomukati muchivande, zvichaparidzirwa pamatenga edzimba. “Ndinokutaurirai shamwari dzangu kuti, ‘Musatye avo vanouraya muviri asi mushure macho vasina chavanokwanisa kuita.’ Asi ndichakuyambirai wamunofanira kutya. Ityai uyo anoti kana auraya ane simba rokukanda munhu mugehena. Zvechokwadi, ndinokutaurirai kuti mutyei. Tushiri tudiki tushanu hatutengeswi namasendi maviri here? Asi hapana kana kamwe katwo kanokanganikwa naMwari? Inga wani kunyange vhudzi romusoro wenyu rakaverengwa. Musatye. Munokosha kupinda tushiri tuzhinji. “Ndinokutaurira kuti, ‘Munhu wose anondibvuma pamberi pavanhu, Mwanakomana womunhu achamubvumawo pamberi pavatumwa vaMwari.’ Asi uyo anondiramba pamberi pavanhu, acharambwawo pamberi pavatumwa vaMwari. Munhu wose anotaura zvakaipa nezveMwanakomana womunhu acharegererwa. Asi uyo anoshonha Mweya Mutsvene haaregererwi. “Kana vakakukwidzai matare omumasinagogu kana kumatare enyika kana kuvakuru vakuru venyika, musazvitambudze kuti muchapindura sei kana kuti muchapindurei kana kuti muchataurei; nokuti mweya Mutsvene achakudzidzisai panguva iyoyo zvamunofanira kutaura.” Mumwe wegungano riya ravanhu akati kwaari, “Mudzidzisi taurirai mukoma wangu kuti agovane nhaka neni.” Asi Jesu akati kwaari, “Nhaiwe, ndiani akandiita mutongi kana mugovanisi wenyu?” Akavati, “Chenjerai mungwarire ruchiva rwose nokuti upenyu womunhu hausi mukuwanda kwezvaanazvo.” Akazobva ovataurira mumwe muenzaniso achiti, “Munda womumwe mupfumi wakapa zvakawanda kwazvo.” Akafunga nechomumwoyo make achiti, “Ndichaita sei nokuti handina mokuchengetera mbesa dzangu.” Akati, “Zvandichaita ndezvizvi. Ndichapaza matura angu ndivake makuru ndigochengetera mbesa dzangu dzose imomo nezviro zvangu. Ipapo ndichazviti kumweya wangu, mweya une zvinhu zvakawanda zvichachengeteka kwamakore mazhinji. Nyatsogara zvako udye uchinwa uchinyatsofara zvako.” Asi Mwari akati kwaari, “Iwe benzi, ihwo usiku huno uchanzi tipe kuno mweya wako. Zvinhu zvawakazvigadzirira zvacho zvichava zvaani. Ndizvozvo zvina munhu anozvichengetera upfumi iye asiri mupfumi kuna Mwari.” Jesu akati kuvadzidzi vake nezvo ndinokutaurirai kuti, “Musazvidye mwoyo nezvoupenyu hwenyu kuti muchadyei kana nezvomuviri wenyu kuti muchapfekei nokuti upenyu hukuru pane chokudya uye muviri mukuru pane chokupfeka. Chimbofungai nezvamakunguwo. Haadyari kana kukohwa. Haana hozi kana dura asi Mwari anoapa chokudya. Ko imi munokosha zvakadii kupfuura shiri? Iye ndiani wenyu angarebese upenyu hwake nechidimbu pamusana pokuzvidya mwoyo. Zvino kana musingakwanisi kuita kanhu kadikidiki kakadai ko, munozvidyirei mwoyo nezvimwe zvose izvi? Chimbofungai nezvamaruva amariri kuti anokura sei. Haabinduki nebasa kana kuruka; asi ndinokutaurirai kuti kunyange Soromoni nembiri yake yose iya akanga asina kushongedzwa serimwe raiwaya. Zvino kana Mwari achipfekedza uswa hupenyu musango nhasi uno asi mangwana acho huchikandwa muchoto, ko kutozoti imi! Anokupfekedzai zvakadii, inga muri vanhu vechitendero chidiki! “Regai kuti mwoyo yenyu irambe iri pakutsvaka zvokudya, kuti muchadyei kana kuti muchanwei kana kuzvitambudza mwoyo. Marudzi ose apasi pano ndizvo zvavanotsvaka izvozvo. Baba venyu vanozviziva kuti munozvida. Asi imi tsvakai umambo hwake zvinhu izvozvi zvichavawo zvenyu. “Musatye henyu imi veboka diki nokuti Baba venyu vanotoda kwazvo kukupai umambo. Tengesai zvamuinazvo mupe zvipo kuvarombo. Zviitirei zvikwama zvisingasakari noupfumi kudenga husingaperi kusina mbavha inosvika kana chipfukuto chinoparadza, nokuti panenge pane upfumi hwako ndipo pane mwoyo wakowo.

Verenga chikamu Ruka 12