Zvino vanhu vane zviuru zvizhinji vakati vaunganira pamwechete kusvikira votsikirirana, akavamba kutaura kuvadzidzi vake pakutanga, achiti, “Chenjerai mbiriso yavaFarisi, ndiko kunyengera. Hakuna chinhu chakafukidzwa, chisingazozarurwi; kana chakavanzika, chisingazozikanwi.
“Saka zvose zvamakataura murima, zvichanzwika muchiedza; nezvamakataura munzeve mudzimba dzomukati, zvichaparidzwa pamusoro pedzimba.
“Ndinoti kwamuri, hama dzangu, musatya vanouraya muviri, vasingazogoni kuita chimwe chinhu shure kwaizvozvo. Asi ndichakuratidzai wamunofanira kutya; mumutye iye, anoti kana auraya, ane simbawo rokukandira muGehena. Hongu, ndinoti kwamuri, mutyei iye. Ko shiri duku shanu hadzitengeswi nepeni here? Hakuna imwe yadzo inokanganikwa pamberi paMwari.
“Asi nevhudzi romusoro wenyu rakaverengwa rose. Musatya, munopfuura shiri duku zhinji.
“Ndinoti kwamuri, mumwe nomumwe anondipupura pamberi pavanhu, Mwanakomana womunhu achamupupurawo pamberi pavatumwa vaMwari. Asi anondiramba pamberi pavanhu, acharambwawo pamberi pavatumwa vaMwari.
“Mumwe nomumwe anoreva shoko rakaipa pamusoro poMwanakomana womunhu, achakanganwirwa, asi anoshonha Mweya Mutsvene haangakanganwirwi.
“Kana vachikuisai pamberi pamasinagoge navatongi navakuru vakuru, musafunganya kuti tichapindura sei, kana tichapindurei, kana tichataurei. Nokuti Mweya Mutsvene achakudzidzisai nenguva iyo zvamunofanira kutaura.”
Zvino mumwe pakati pavazhinji akati kwaari, “Mudzidzisi, udzai munun'una wangu kuti agovane nhaka neni.” Iye akati kwaari, “Iwe munhu, ndianiko akandiita mutongi kana mugoveri pakati penyu?” Akati kwavari, “Chenjerai, muzvichengete pakuchiva kwose, nokuti upenyu hwomunhu hahuzi pazvinhu zvakawanda zvaanazvo.”
Akavataurira mufananidzo, akati, “Munda womumwe mupfumi wakanga wabereka kwazvo; akafunga mumwoyo make, akati, ‘Ndichaita seiko? Nokuti handina pandingaunganidzira mbesanwa dzangu.’ Akati, ‘Ndichaita kudai, ndichaputsa matura angu, ndikavaka makuru; ndichaunganidzirapo zviyo zvangu, nezvose zvangu zvakanaka zvandinazvo, ndigoti kumweya wangu, Mweya, une zvakawanda zvakanaka, zvakavigirwa makore mazhinji, zorora, udye, unwe, ufare.’ Asi Mwari akati kwaari, ‘Iwe benzi, nousiku uhwu vachakutorera mweya wako; izvo zvawagadzira, zvichagova zvaani?’
“Ndizvo zvakaita munhu anozviunganidzira pfuma, asingapfumi kuna Mwari.”
Zvino akati kuvadzidzi vake, “Naizvozvo ndinoti kwamuri, musafunganya pamusoro poupenyu hwenyu, kuti muchadyei, kana pamusoro pomuviri wenyu, kuti muchapfekei? Nokuti upenyu hunopfuura zvokudya, nomuviri unopfuwura zvokupfeka. Fungai makunguo, kuti haadyari, haacheki, haane tsapi kana dura; asi Mwari anoapa zvokudya. Imi munokunda shiri zvikuru sei! Ndianiko kwamuri angawedzera kubhiti rimwe pahurefu hwake nokufunganya? Zvino kana imi musingagoni kuita chinhu chiduku, munofunganyireiko pamusoro pezvimwe?
“Fungai maruva, kumera kwawo; haabati, haaruki; asi ndinoti kwamuri, kunyange naSoromoni pakubwinya kwake kwose, haana kushongedzwa serimwe rawo. Zvino kana Mwari achipfekedza saizvozvo uswa hwenyika, huripo nhasi, mangwana hwokandirwa muchoto, haangakupfekedzi nokupfuurisa, imi vokutenda kuduku here?
“Imi musatsvaka zvamuchadya, nezvamuchanwa; musazvidya mwoyo. Nokuti zvinhu izvozvi zvose zvinotsvakwa navahedheni; asi Baba venyu vanoziva kuti munoshayiwa izvozvi. Asi tsvakai ushe hwavo, naizvozvo zvose muchazviwedzerwa.
“Musatya henyu, imi veboka duku, nokuti Baba venyu vanofara kukupai ushe. Tengesai zvamunazvo, mupe zvipo; muzviitire zvikwama zvisingasakari, pfuma isingaperi kudenga, pasingasviki mbavha, pasingaparadzi zvipfunho.
“Nokuti pane pfuma yenyu, nomwoyo wenyu uchavapowo.