Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Ruka 12:1-34

Ruka 12:1-34 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)

Zvichakadaro, zviuru nezviuru zvakati zvaungana, zvokuti vakanga vava kutsikirirana, Jesu akatanga kutaura kuvadzidzi vake achiti, “Chenjererai mbiriso yavaFarisi, kunyengera. Hakuna chinhu chakavanzika chisingazobudiswi pachena, kana chakavigwa chisingazozivikanwi. Zvamakataura murima zvichanzwika masikati machena, uye zvamakazevezera munzeve mudzimba dzomukati zvichadanidzirwa pamusoro pamatenga edzimba. “Ndinokuudzai, shamwari dzangu, musatya vaya vanouraya muviri mushure mezvo vasingazogoni kuita chimwe chinhu. Asi ndichakuratidzai wamunofanira kutya: Ityai uyo, anoti mushure mokunge auraya muviri, ane simbawo rokuukanda mugehena. Hongu, ndinoti, mutye iyeye. Ko, shiri shanu duku hadzitengeswi namasendi maviri here? Asi hakuna imwe yadzo inokanganwiwa naMwari. Zvirokwazvo, bvudzi chairo romumusoro menyu rakaverengwa. Musatya, imi munopfuura shiri duku zhinji. “Ndinokuudzai kuti, ani naani anondipupura pamberi pavanhu, Mwanakomana woMunhu achamupupurawo pamberi pavatumwa vaMwari. Asi uyo anondiramba pamberi pavanhu acharambwawo pamberi pavatumwa vaMwari. Uye mumwe nomumwe anotaura shoko rakaipa pamusoro poMwanakomana woMunhu, acharegererwa, asi ani naani anomhura Mweya Mutsvene haazombokanganwirwi. “Mukange mamiswa pamberi pesinagoge, vatongi navane simba, musafunganya pamusoro pokuti muchapindura sei kana kuti muchazvidzivirira sei, nokuti panguva iyoyo Mweya Mutsvene achakudzidzisai zvamunofanira kutaura.” Mumwe pakati pavazhinji akati kwaari, “Mudzidzisi, udzai mukoma wangu kuti agovane nhaka neni.” Jesu akapindura akati, “Iwe murume, ndianiko akandigadza kuti ndive mutongi kana mugoveri pakati penyu?” Ipapo akati kwavari, “Chenjerai! Muchenjerere marudzi ose okuchiva; upenyu hwomunhu hahuzi pazvizhinji zhinji zvaanazvo.” Uye akavaudza mufananidzo uyu akati, “Ivhu romumwe mupfumi rakabereka zvibereko zvakanaka. Akafunga mumwoyo make akati, ‘Ndichaita seiko? Handina nzvimbo yokuchengetera zviyo zvangu.’ “Ipapo akati, ‘Hezvino zvandichaita. Ndichaputsa matura angu ndigovaka makuru, uye imomo ndimo mandichaunganidza zviyo zvangu nezvinhu zvangu. Uye ndichati kumweya wangu, “Iwe une zvinhu zvakawanda zvakanaka zvawakaunganidzirwa makore mazhinji. Zorora, udye, unwe uye ufare.” ’ “Asi Mwari akati kwaari, ‘Iwe benzi, usiku huno chaihwo upenyu hwako huchatorwa kubva kwauri. Zvino ndianiko achatora zvawanga wazvigadzirira?’ “Ndizvo zvichaitika kuna ani zvake anozviunganidzira pfuma asi asina kupfuma kuna Mwari.” Ipapo Jesu akati kuvadzidzi vake, “Naizvozvo ndinoti kwamuri, musafunganya pamusoro poupenyu hwenyu, kuti muchadyei, kana pamusoro pomuviri wenyu, kuti muchapfekei. Upenyu hunopfuura zvokudya, uye muviri unopfuura zvokufuka. Fungai nezvamakunguo nokuti haadyari kana kucheka, haana tsapi kana dura, asi Mwari anoapa zvokudya. Uye imi munopfuura shiri sei! Ndianiko kwamuri angawedzera awa imwe chete kuupenyu hwake nokufunganya? Sezvo musingagoni kuita chinhu chiduku ichi, seiko muchifunganya pamusoro pezvimwe? “Fungai maruva kuti anomera sei. Haabati kana kuruka, asi ndinoti kwamuri, kunyange naSoromoni mukubwinya kwake kwose haana kuzvipfekedza serimwe raaya. Kana ariwo mashongedzero anoita Mwari uswa hwesango, huripo nhasi, uye mangwana huchikandwa mumoto, achakupfekedzai zvikuru sei, imi vokutenda kuduku! Musaisa mwoyo yenyu pane zvamuchadya kana kunwa; musafunganya pamusoro pazvo. Nokuti vedzimwe ndudzi vanomhanyira zvinhu zvose zvakadaro, uye Baba venyu vanoziva kuti munoshayiwa izvozvo. Asi tsvakai umambo hwavo, uye zvinhu zvose izvi zvichapiwawo kwamuri. “Musatya henyu, imi kaboka kaduku, nokuti Baba venyu vakafadzwa nokukupai umambo. Tengesai zvamunazvo mugopa varombo. Zviitirei zvikwama zvisingasakari, nepfuma isingaperi kudenga, kusina mbavha inoswedera pedyo uye kusina zvipfukuto zvinoparadza. Nokuti pane pfuma yako, ndipo pachava nomwoyo wakowo.

Pakurirana nevamwe
Verenga chikamu Ruka 12

Ruka 12:1-34 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)

Zvino vanhu vane zviuru zvizhinji vakati vaunganira pamwechete kusvikira votsikirirana, akavamba kutaura kuvadzidzi vake pakutanga, achiti, “Chenjerai mbiriso yavaFarisi, ndiko kunyengera. Hakuna chinhu chakafukidzwa, chisingazozarurwi; kana chakavanzika, chisingazozikanwi. “Saka zvose zvamakataura murima, zvichanzwika muchiedza; nezvamakataura munzeve mudzimba dzomukati, zvichaparidzwa pamusoro pedzimba. “Ndinoti kwamuri, hama dzangu, musatya vanouraya muviri, vasingazogoni kuita chimwe chinhu shure kwaizvozvo. Asi ndichakuratidzai wamunofanira kutya; mumutye iye, anoti kana auraya, ane simbawo rokukandira muGehena. Hongu, ndinoti kwamuri, mutyei iye. Ko shiri duku shanu hadzitengeswi nepeni here? Hakuna imwe yadzo inokanganikwa pamberi paMwari. “Asi nevhudzi romusoro wenyu rakaverengwa rose. Musatya, munopfuura shiri duku zhinji. “Ndinoti kwamuri, mumwe nomumwe anondipupura pamberi pavanhu, Mwanakomana womunhu achamupupurawo pamberi pavatumwa vaMwari. Asi anondiramba pamberi pavanhu, acharambwawo pamberi pavatumwa vaMwari. “Mumwe nomumwe anoreva shoko rakaipa pamusoro poMwanakomana womunhu, achakanganwirwa, asi anoshonha Mweya Mutsvene haangakanganwirwi. “Kana vachikuisai pamberi pamasinagoge navatongi navakuru vakuru, musafunganya kuti tichapindura sei, kana tichapindurei, kana tichataurei. Nokuti Mweya Mutsvene achakudzidzisai nenguva iyo zvamunofanira kutaura.” Zvino mumwe pakati pavazhinji akati kwaari, “Mudzidzisi, udzai munun'una wangu kuti agovane nhaka neni.” Iye akati kwaari, “Iwe munhu, ndianiko akandiita mutongi kana mugoveri pakati penyu?” Akati kwavari, “Chenjerai, muzvichengete pakuchiva kwose, nokuti upenyu hwomunhu hahuzi pazvinhu zvakawanda zvaanazvo.” Akavataurira mufananidzo, akati, “Munda womumwe mupfumi wakanga wabereka kwazvo; akafunga mumwoyo make, akati, ‘Ndichaita seiko? Nokuti handina pandingaunganidzira mbesanwa dzangu.’ Akati, ‘Ndichaita kudai, ndichaputsa matura angu, ndikavaka makuru; ndichaunganidzirapo zviyo zvangu, nezvose zvangu zvakanaka zvandinazvo, ndigoti kumweya wangu, Mweya, une zvakawanda zvakanaka, zvakavigirwa makore mazhinji, zorora, udye, unwe, ufare.’ Asi Mwari akati kwaari, ‘Iwe benzi, nousiku uhwu vachakutorera mweya wako; izvo zvawagadzira, zvichagova zvaani?’ “Ndizvo zvakaita munhu anozviunganidzira pfuma, asingapfumi kuna Mwari.” Zvino akati kuvadzidzi vake, “Naizvozvo ndinoti kwamuri, musafunganya pamusoro poupenyu hwenyu, kuti muchadyei, kana pamusoro pomuviri wenyu, kuti muchapfekei? Nokuti upenyu hunopfuura zvokudya, nomuviri unopfuwura zvokupfeka. Fungai makunguo, kuti haadyari, haacheki, haane tsapi kana dura; asi Mwari anoapa zvokudya. Imi munokunda shiri zvikuru sei! Ndianiko kwamuri angawedzera kubhiti rimwe pahurefu hwake nokufunganya? Zvino kana imi musingagoni kuita chinhu chiduku, munofunganyireiko pamusoro pezvimwe? “Fungai maruva, kumera kwawo; haabati, haaruki; asi ndinoti kwamuri, kunyange naSoromoni pakubwinya kwake kwose, haana kushongedzwa serimwe rawo. Zvino kana Mwari achipfekedza saizvozvo uswa hwenyika, huripo nhasi, mangwana hwokandirwa muchoto, haangakupfekedzi nokupfuurisa, imi vokutenda kuduku here? “Imi musatsvaka zvamuchadya, nezvamuchanwa; musazvidya mwoyo. Nokuti zvinhu izvozvi zvose zvinotsvakwa navahedheni; asi Baba venyu vanoziva kuti munoshayiwa izvozvi. Asi tsvakai ushe hwavo, naizvozvo zvose muchazviwedzerwa. “Musatya henyu, imi veboka duku, nokuti Baba venyu vanofara kukupai ushe. Tengesai zvamunazvo, mupe zvipo; muzviitire zvikwama zvisingasakari, pfuma isingaperi kudenga, pasingasviki mbavha, pasingaparadzi zvipfunho. “Nokuti pane pfuma yenyu, nomwoyo wenyu uchavapowo.

Pakurirana nevamwe
Verenga chikamu Ruka 12

Ruka 12:1-34 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)

Panguva yose iyoyo; pakanga paungana zviuru zvakati kuti zvegungano ravanhu zvokutotsikirirana, akatanga kutaura kuvadzidzi vake achiti, “Chenjererai mbiriso yavaFarisei, zvinoreva unyengedzi. Hapana chakafukidzwa chisingazoburitswi pachena kana chakavanzika chisingazozivikanwi. Naizvozvo zvose zvamunotaura murima zvichanzwikwa pachena uye zvamakataura nakazevezeve mudzimba dzomukati muchivande, zvichaparidzirwa pamatenga edzimba. “Ndinokutaurirai shamwari dzangu kuti, ‘Musatye avo vanouraya muviri asi mushure macho vasina chavanokwanisa kuita.’ Asi ndichakuyambirai wamunofanira kutya. Ityai uyo anoti kana auraya ane simba rokukanda munhu mugehena. Zvechokwadi, ndinokutaurirai kuti mutyei. Tushiri tudiki tushanu hatutengeswi namasendi maviri here? Asi hapana kana kamwe katwo kanokanganikwa naMwari? Inga wani kunyange vhudzi romusoro wenyu rakaverengwa. Musatye. Munokosha kupinda tushiri tuzhinji. “Ndinokutaurira kuti, ‘Munhu wose anondibvuma pamberi pavanhu, Mwanakomana womunhu achamubvumawo pamberi pavatumwa vaMwari.’ Asi uyo anondiramba pamberi pavanhu, acharambwawo pamberi pavatumwa vaMwari. Munhu wose anotaura zvakaipa nezveMwanakomana womunhu acharegererwa. Asi uyo anoshonha Mweya Mutsvene haaregererwi. “Kana vakakukwidzai matare omumasinagogu kana kumatare enyika kana kuvakuru vakuru venyika, musazvitambudze kuti muchapindura sei kana kuti muchapindurei kana kuti muchataurei; nokuti mweya Mutsvene achakudzidzisai panguva iyoyo zvamunofanira kutaura.” Mumwe wegungano riya ravanhu akati kwaari, “Mudzidzisi taurirai mukoma wangu kuti agovane nhaka neni.” Asi Jesu akati kwaari, “Nhaiwe, ndiani akandiita mutongi kana mugovanisi wenyu?” Akavati, “Chenjerai mungwarire ruchiva rwose nokuti upenyu womunhu hausi mukuwanda kwezvaanazvo.” Akazobva ovataurira mumwe muenzaniso achiti, “Munda womumwe mupfumi wakapa zvakawanda kwazvo.” Akafunga nechomumwoyo make achiti, “Ndichaita sei nokuti handina mokuchengetera mbesa dzangu.” Akati, “Zvandichaita ndezvizvi. Ndichapaza matura angu ndivake makuru ndigochengetera mbesa dzangu dzose imomo nezviro zvangu. Ipapo ndichazviti kumweya wangu, mweya une zvinhu zvakawanda zvichachengeteka kwamakore mazhinji. Nyatsogara zvako udye uchinwa uchinyatsofara zvako.” Asi Mwari akati kwaari, “Iwe benzi, ihwo usiku huno uchanzi tipe kuno mweya wako. Zvinhu zvawakazvigadzirira zvacho zvichava zvaani. Ndizvozvo zvina munhu anozvichengetera upfumi iye asiri mupfumi kuna Mwari.” Jesu akati kuvadzidzi vake nezvo ndinokutaurirai kuti, “Musazvidye mwoyo nezvoupenyu hwenyu kuti muchadyei kana nezvomuviri wenyu kuti muchapfekei nokuti upenyu hukuru pane chokudya uye muviri mukuru pane chokupfeka. Chimbofungai nezvamakunguwo. Haadyari kana kukohwa. Haana hozi kana dura asi Mwari anoapa chokudya. Ko imi munokosha zvakadii kupfuura shiri? Iye ndiani wenyu angarebese upenyu hwake nechidimbu pamusana pokuzvidya mwoyo. Zvino kana musingakwanisi kuita kanhu kadikidiki kakadai ko, munozvidyirei mwoyo nezvimwe zvose izvi? Chimbofungai nezvamaruva amariri kuti anokura sei. Haabinduki nebasa kana kuruka; asi ndinokutaurirai kuti kunyange Soromoni nembiri yake yose iya akanga asina kushongedzwa serimwe raiwaya. Zvino kana Mwari achipfekedza uswa hupenyu musango nhasi uno asi mangwana acho huchikandwa muchoto, ko kutozoti imi! Anokupfekedzai zvakadii, inga muri vanhu vechitendero chidiki! “Regai kuti mwoyo yenyu irambe iri pakutsvaka zvokudya, kuti muchadyei kana kuti muchanwei kana kuzvitambudza mwoyo. Marudzi ose apasi pano ndizvo zvavanotsvaka izvozvo. Baba venyu vanozviziva kuti munozvida. Asi imi tsvakai umambo hwake zvinhu izvozvi zvichavawo zvenyu. “Musatye henyu imi veboka diki nokuti Baba venyu vanotoda kwazvo kukupai umambo. Tengesai zvamuinazvo mupe zvipo kuvarombo. Zviitirei zvikwama zvisingasakari noupfumi kudenga husingaperi kusina mbavha inosvika kana chipfukuto chinoparadza, nokuti panenge pane upfumi hwako ndipo pane mwoyo wakowo.

Pakurirana nevamwe
Verenga chikamu Ruka 12

Ruka 12:1-34 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)

Ɀino ʋanhu ʋaneɀuru ɀizhinji ʋakati ʋaʋuŋganira pamŋe cete kuȿikira ʋotsikirirana, akaʋamba kutaura kuʋa dzidzi ʋake pakutaŋga, aciti: Cenjerai mbiriso yaʋaFarise, ndiko kunyeŋgera. Hakunecinhu cakafukidzwa, cisiŋgazozarurwi; kana cakaʋanzika, cisiŋgazozikanwi. Saka ɀose ɀamakataura murima, ɀicanzwika muciedza; neɀamakataura munzeʋe mudzimba dzomukati, ɀicaparidzwa pamsoro pedzimba. Ndinoti kwamuri, hama dzaŋgu: Musatya ʋanoʋuraya muʋiri, ʋasiŋgazogoni kuita cimŋe cinhu shure kwaiɀoɀo. Asi ndicakuratidzai wamunofanira kutya; mumutyei iye, unoti kana aʋuraya, unesimba ʋo rokukandira muGehena. Hoŋo, ndinoti kwamuri: Mumutyei iye. Ko shiri ɗuku shanu hadziteŋgeswi nepeni here? Hakunaimŋe yadzo inokaŋganikwa pamberi paMŋari. Asi nevudzi romusoro wenyu rakaʋereŋgwa rose. Musatya, munopfuʋura shiri ɗuku zhinji. Ndinoti kwamuri: Mumŋe nomumŋe unondipupura pamberi paʋanhu, Mŋanakomana womunhu ucamupupura ʋo pamberi paʋatumŋa ʋaMŋari. Asi unondiramba pamberi paʋanhu, ucarambga ʋo pamberi paʋatumŋa ʋaMŋari. Mumŋe nomumŋe unoreʋa shoko rakaipa pamsoro poMŋanakomana womunhu, ucakaŋganwirwa, asi unomhura Mŋeya Mutȿene haaŋgakaŋganwirwi. Kana ʋacikuisai pamberi pamasinagoge naʋatoŋgi naʋakuru, musafuŋganya kuti mucapindura sei, kana inyiko, kana mucataurei. Nokuti Mŋeya Mutȿene ucakudzidzisai neŋguʋa iyo ɀamunofanira kutaura. Ɀino mumŋe pakati paʋazhinji wakati kwaari: Mudzidzisi, ʋudzai munuŋuna waŋgu kuti agoʋane nhaka neni. Iye akati kwaari: Iwe munhu, ndianiko wakandiita mutoŋgi kana mugoʋeri pakati penyu? Akati kwaʋari: Cenjerai, muɀiceŋgete pakuciʋa kwose, nokuti ʋupenyu bgomunhu habguzi paɀinhu ɀakawanda ɀaanaɀo. Akaʋataurira mufananidzo, akati: Nyika yomumŋe mufumi yakaŋga yaɓereka kwaɀo; akafuŋga mumŋoyo make, akati: Ndicaita seiko? Nokuti handina‐pandiŋgaʋuŋganidzira ɀiɓereko ɀaŋgu. Akati: Ndicaita kuɗai: Ndicaputsa matura aŋgu, ndikaʋaka makuru; ndicaʋuŋganidzira’po ɀiyo ɀaŋgu, neɀose ɀaŋgu ɀakanaka, ndigoti kumŋeya waŋgu: Mŋeya, uneɀakawanda ɀakanaka, ɀakaʋigirwa makore mazhinji; zorora, udye, unwe, ufare. Asi Mŋari akati kwaari: Iwe ɓenzi, noʋusiku ubgu ʋacakutorera mŋeya wako; iɀo ɀawagadzira, ɀicagoʋa ɀani? Ndiɀo ɀakaita munhu unoɀiʋuŋganidzira fuma, asiŋgafumi kunaMŋari. Ɀino wakati kuʋadzidzi ʋake: Naiɀoɀo ndinoti kwamuri: Musafuŋganya pamsoro poʋupenyu bgenyu, kuti mucadyei, kana pamsoro pomuʋiri wenyu, kuti mucapfekei? Nokuti ʋupenyu bgunopfuʋura ɀokudya, nomuʋiri unopfuʋura ɀokupfeka. Fuŋgai makuŋguʋu, kuti haadɀari, haaceki, haanetsapi kana ɗura; asi Mŋari unoapa ɀokudya. Imi munokunda shiri ɀikuru sei! Ndianiko kwamuri uŋgawedzera kubiti rimŋe paʋurefu bgake nokufuŋganya? Ɀino kana imi musiŋgagoni kuita cinhu ciɗuku, munofuŋganyireiko pamsoro peɀimŋe? Fuŋgai maruʋa, kumera kwawo; haaɓati, haaruki; asi ndinoti kwamuri: Kunyaŋge naSoromoni pakubginya kwake kwose, haana‐kushoŋgedzwa serimŋe rawo. Ɀino kana Mŋari acipfekedza saiɀoɀo ʋuswa bgenyika, bguri’po nhasi, maŋgwana bgokandirwa mucoto, haaŋgakupfekedziyi nokupfuʋurisa, imi ʋokutenda kuɗuku here? Imi musatȿaka ɀamucadya, neɀamucanwa; musaɀidya mŋoyo. Nokuti ɀinhu iɀoɀi ɀose ɀinotȿakwa naʋahedeni; asi Ƃaɓa ʋenyu ʋanoziʋa kuti munoshaiwa iɀoɀi. Asi tȿakai ʋushe bgaʋo, naiɀoɀo ɀose mucaɀiwedzerwa. Musatya henyu, imi kapoka kaɗuku, nokuti Ƃaɓa ʋenyu ʋanofara nokukupai ʋushe. Teŋgesai ɀamunaɀo, mupe ɀipo; muɀiitire ɀikwama ɀisiŋgasakari, fuma isiŋgaperi kuɗeŋga, pasiŋgaȿiki mbava, pasiŋgaparadzi ɀipfunho. Nokuti panefuma yenyu, nomŋoyo wenyu ucaʋa’po ʋo.

Pakurirana nevamwe
Verenga chikamu Ruka 12

Ruka 12:1-34 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)