Ɀino ʋanhu ʋaneɀuru ɀizhinji ʋakati ʋaʋuŋganira pamŋe cete kuȿikira ʋotsikirirana, akaʋamba kutaura kuʋa dzidzi ʋake pakutaŋga, aciti: Cenjerai mbiriso yaʋaFarise, ndiko kunyeŋgera. Hakunecinhu cakafukidzwa, cisiŋgazozarurwi; kana cakaʋanzika, cisiŋgazozikanwi. Saka ɀose ɀamakataura murima, ɀicanzwika muciedza; neɀamakataura munzeʋe mudzimba dzomukati, ɀicaparidzwa pamsoro pedzimba. Ndinoti kwamuri, hama dzaŋgu: Musatya ʋanoʋuraya muʋiri, ʋasiŋgazogoni kuita cimŋe cinhu shure kwaiɀoɀo. Asi ndicakuratidzai wamunofanira kutya; mumutyei iye, unoti kana aʋuraya, unesimba ʋo rokukandira muGehena. Hoŋo, ndinoti kwamuri: Mumutyei iye. Ko shiri ɗuku shanu hadziteŋgeswi nepeni here? Hakunaimŋe yadzo inokaŋganikwa pamberi paMŋari. Asi nevudzi romusoro wenyu rakaʋereŋgwa rose. Musatya, munopfuʋura shiri ɗuku zhinji. Ndinoti kwamuri: Mumŋe nomumŋe unondipupura pamberi paʋanhu, Mŋanakomana womunhu ucamupupura ʋo pamberi paʋatumŋa ʋaMŋari. Asi unondiramba pamberi paʋanhu, ucarambga ʋo pamberi paʋatumŋa ʋaMŋari. Mumŋe nomumŋe unoreʋa shoko rakaipa pamsoro poMŋanakomana womunhu, ucakaŋganwirwa, asi unomhura Mŋeya Mutȿene haaŋgakaŋganwirwi. Kana ʋacikuisai pamberi pamasinagoge naʋatoŋgi naʋakuru, musafuŋganya kuti mucapindura sei, kana inyiko, kana mucataurei. Nokuti Mŋeya Mutȿene ucakudzidzisai neŋguʋa iyo ɀamunofanira kutaura.
Ɀino mumŋe pakati paʋazhinji wakati kwaari: Mudzidzisi, ʋudzai munuŋuna waŋgu kuti agoʋane nhaka neni. Iye akati kwaari: Iwe munhu, ndianiko wakandiita mutoŋgi kana mugoʋeri pakati penyu? Akati kwaʋari: Cenjerai, muɀiceŋgete pakuciʋa kwose, nokuti ʋupenyu bgomunhu habguzi paɀinhu ɀakawanda ɀaanaɀo. Akaʋataurira mufananidzo, akati: Nyika yomumŋe mufumi yakaŋga yaɓereka kwaɀo; akafuŋga mumŋoyo make, akati: Ndicaita seiko? Nokuti handina‐pandiŋgaʋuŋganidzira ɀiɓereko ɀaŋgu. Akati: Ndicaita kuɗai: Ndicaputsa matura aŋgu, ndikaʋaka makuru; ndicaʋuŋganidzira’po ɀiyo ɀaŋgu, neɀose ɀaŋgu ɀakanaka, ndigoti kumŋeya waŋgu: Mŋeya, uneɀakawanda ɀakanaka, ɀakaʋigirwa makore mazhinji; zorora, udye, unwe, ufare. Asi Mŋari akati kwaari: Iwe ɓenzi, noʋusiku ubgu ʋacakutorera mŋeya wako; iɀo ɀawagadzira, ɀicagoʋa ɀani? Ndiɀo ɀakaita munhu unoɀiʋuŋganidzira fuma, asiŋgafumi kunaMŋari.
Ɀino wakati kuʋadzidzi ʋake: Naiɀoɀo ndinoti kwamuri: Musafuŋganya pamsoro poʋupenyu bgenyu, kuti mucadyei, kana pamsoro pomuʋiri wenyu, kuti mucapfekei? Nokuti ʋupenyu bgunopfuʋura ɀokudya, nomuʋiri unopfuʋura ɀokupfeka. Fuŋgai makuŋguʋu, kuti haadɀari, haaceki, haanetsapi kana ɗura; asi Mŋari unoapa ɀokudya. Imi munokunda shiri ɀikuru sei! Ndianiko kwamuri uŋgawedzera kubiti rimŋe paʋurefu bgake nokufuŋganya? Ɀino kana imi musiŋgagoni kuita cinhu ciɗuku, munofuŋganyireiko pamsoro peɀimŋe? Fuŋgai maruʋa, kumera kwawo; haaɓati, haaruki; asi ndinoti kwamuri: Kunyaŋge naSoromoni pakubginya kwake kwose, haana‐kushoŋgedzwa serimŋe rawo. Ɀino kana Mŋari acipfekedza saiɀoɀo ʋuswa bgenyika, bguri’po nhasi, maŋgwana bgokandirwa mucoto, haaŋgakupfekedziyi nokupfuʋurisa, imi ʋokutenda kuɗuku here? Imi musatȿaka ɀamucadya, neɀamucanwa; musaɀidya mŋoyo. Nokuti ɀinhu iɀoɀi ɀose ɀinotȿakwa naʋahedeni; asi Ƃaɓa ʋenyu ʋanoziʋa kuti munoshaiwa iɀoɀi. Asi tȿakai ʋushe bgaʋo, naiɀoɀo ɀose mucaɀiwedzerwa. Musatya henyu, imi kapoka kaɗuku, nokuti Ƃaɓa ʋenyu ʋanofara nokukupai ʋushe. Teŋgesai ɀamunaɀo, mupe ɀipo; muɀiitire ɀikwama ɀisiŋgasakari, fuma isiŋgaperi kuɗeŋga, pasiŋgaȿiki mbava, pasiŋgaparadzi ɀipfunho. Nokuti panefuma yenyu, nomŋoyo wenyu ucaʋa’po ʋo.