Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Ruka 11:37-54

Ruka 11:37-54 SCLB

Paakanga achiri kutaura, mumwe muFarisei akamukoka kundodya naye. Naizvozvo akaenda akandogara naye pakudya. MuFarisei akashamiswa kuona kuti Jesu haana kutanga ashamba asati adya. Tenzi akati kwaari, “Imi vaFarisei, munosuka mukombe nendiro kunze asi mukati menyu muine upambi nouipi. Imi mapenzi, iye akaita kunze haana kuitawo mukati here? Ipai zvipo zvenyu zvichibva mukati menyu, zvose zvichava zvakachena kwamuri. Asi zvichakuwanai imi vaFarisei nokuti munobvisa chegumi patunhuwo zvatwo twakaita semindi neru netumirio asi imi musina hanya noruenzaniso norudo naMwari. Izvi ndizvo zvamaifanira kunge muchiita musingarege zvenyu kuita zvimwe. Zvichakuwanai zvenyu imi vaFarisei nokuti munoda chigaro chapamusoro mumasinagogu uye kukwaziswa pamisika. Zvichakuwanai zvenyu nokuti makaita samakuva asingaoneki, vanhu vanofamba pamusoro pawo vasingazivi.” Rimwe gweta rakati kwaari, “Mudzidzisi mukutaura izvi muri kutotitukawo.” Iye akati, “Zvichakuwanaiwo iyemi nyanzvi dzomutemo nokuti munotakudza vanhu mitoro inorema kutakura asi imi pachenyu hamutakuri mitoro iyoyo kunyange nomunwe wenyu chaiwo. Zvichakuwanai zvenyu nokuti munovaka makuva avaporofita vakauraiwa namadzibaba enyu. Nezvo muri zvapupu uye munobvumirana nezvakaitwa namadzibaba enyu nokuti ivo vakavauraya; imi munovaka makuva avo. Saizvozvo, Mwari, noungwaru hwake, akati, ‘Ndichavatumira vaporofita navapositori.’ Vamwe vachavauraya vachivatambudza kuti ropa ravaporofita vose rakadeurwa kubvira pamavambo enyika ripfukire chizvarwa chino, kubvira kuropa raAbhero kusvika kuropa raZakariya akauraiwa pakati peatari nenzvimbo inoera. Ndizvozvo chaizvo, zvandinokutaurirai, richapfukira chizvarwa chino. Zvichakuwanai imi magweta nokuti makabvisa kii yoruzivo. Imi hamuna kupinda uye makadziviridza vaida kupinda.” Paakanga ava kubva ipapo nyanzvi dzomutemo navaFarisei vakatanga kumuomesera kuti vamunzwe mukanwa panezvinhu zvakawanda, vakamuhwandira kuti vamubate pane chimwe chezveanenge ataura.

Verenga chikamu Ruka 11