Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Ruka 11:37-54

Ruka 11:37-54 SNA2002

Akati achataura, mumwe muFarisi akakumbira kwaari kuti adye naye; akapinda, akagara pakudya. Zvino muFarisi akashamiswa, achiona kuti haana kumboshamba asati adya. Ishe akati kwaari, “Zvino imi vaFarisi, munosuka kunze kwomukombe nendiro, asi mukati menyu muzere nokukara nokuipa. Imi mapenzi! Ko uyo akaita zviri kunze, haazi iye akaita zviri mukatiwo here? Asi ipai izvo zviri mukati zvive zvipo; ipapo tarirai zvose zvichava zvakanaka kwamuri. “Asi mune nhamo, imi vaFarisi, nokuti munopa chegumi chemindi neruyi nemiriwo yose, muchirega kururamisira mhaka norudo kuna Mwari; maifanira kuzviita izvi, nokusarega kuita izvozvo. “Mune nhamo, imi vaFarisi, nokuti munoda zvigaro zvapamberi mumasinagoge, nokukwaziswa padare. Mune nhamo, imi, nokuti makaita samakuva asingaonekwi; vanhu vanofamba pamusoro pawo, vasingazivi.” Zvino mumwe wavadudziri womurayiro akapindura, akati kwaari, “Mudzidzisi, kana muchitaura izvozvo, munotituka nesuo.” Iye akati, “Mune nhamo nemiwo, vadudziri vomurayiro; nokuti munotakudza vanhu mitoro inorema, inotambudza kutakura, asi imi mumene hamubati mitoro iyo kunyange nomunwe wenyu mumwechete. “Mune nhamo, imi, nokuti munovaka marinda avaporofita vakaurawa namadzibaba enyu. Naizvozvo muri zvapupu, muchitenderanawo namabasa amadzibaba enyu; nokuti ivo vakavauraya, nemi munovaka marinda avo. Saka nokuchenjera kwaMwariwo kwakati, ‘Ndichatumira kwavari vaporofita navapostori, vachauraya vamwe vavo, nokuvatambudza;’ kuti mhosva yeropa ravaporofita vose, rakateurwa kubva pakuvambwa kwenyika, itsvakwe parudzi urwu; kubva paropa raAbheri, kusvikira paropa raZekariya, akaurawa pakati pearitari neImba yaMwari; hongu, ndinoti kwamuri, mhosva ichatsvakwa parudzi urwu. “Mune nhamo, imi vadudziri vomurayiro; nokuti makabvisa kiyi yokuziva; hamuna kupinda pachenyu, uye makadzivisa avo vakanga vachipinda.” Akati achibvapo, vanyori navaFarisi vakatanga kumumanikidza kwazvo, nokumubvunzisisa pamusoro pezvimwe zvizhinji, vachimurindira, kuti vamubate pashoko rinobuda mumuromo make.

Verenga chikamu Ruka 11