Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Ruka 11:37-54

Ruka 11:37-54 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)

Jesu akati apedza kutaura, mumwe muFarisi akamukoka kuti azodya naye; saka akaenda, akapinda akagara naye pakudya. Asi muFarisi akaona kuti Jesu akanga asina kutanga ageza asati adya, zvikamushamisa. Ipapo Ishe akati kwaari, “Zvino, imi vaFarisi munosuka kunze kwomukombe nendiro, asi mukati menyu muzere nokukara nokuipa. Imi mapenzi avanhu! Ko, akaita kunze haaziye akaitawo nomukati here? Asi ipai zviri mukati mendiro sezvipo kuvarombo, uye ipapo zvose zvichava zvakachena kwamuri. “Mune nhamo imi vaFarisi, nokuti munopa kuna Mwari chegumi chemindi, nerui nezvimwe zvirimwa zvomubindu romuriwo, asi muchirega kururamisira, norudo rwaMwari. Maifanira kuzviita izvi musingasiyi zvokutanga zvisati zvaitwa. “Mune nhamo imi vaFarisi, nokuti munoda zvigaro zvapamusoro mumasinagoge nokukwaziswa pamisika.” “Mune nhamo imi, nokuti makaita samakuva asina mucherechedzo, vanhu vanofamba napamusoro pawo vasingazvizivi.” Mumwe wavadudziri vomurayiro akamupindura akati, “Mudzidzisi, kana muchitaura izvi, munotuka nesuwo.” Jesu akapindura akati, “Mune nhamo nemiwo vadudziri vomurayiro, nokuti munoremedza vanhu nemitoro yavasingagoni kutakura, asi imi pachenyu hamutongosimudzi munwe wenyu kuti muvabatsire. “Mune nhamo imi, nokuti munovaka marinda avaprofita, uye madzitateguru enyu ariwo akavauraya. Saka muri kupupura kuti munotenderana nezvakaitwa namadzitateguru enyu; vakauraya vaprofita uye imi munovaka marinda avo. Nokuda kwaizvozvo, Mwari muuchenjeri hwake akati, ‘Ndichatumira vaprofita navapostori, vamwe vavo vachavauraya uye vachatambudza vamwe.’ Naizvozvo rudzi urwu ruchava nemhosva yeropa ravaprofita vose, rakadeurwa kubva pakuvamba kwenyika, kubva paropa raAbheri kusvikira kuropa raZekaria, uyo akaurayiwa pakati pearitari neimba tsvene. Hongu, ndinoti kwamuri, rudzi urwu ruchava nemhosva yezvinhu izvi zvose. “Mune nhamo imi, vadudziri vomurayiro, nokuti makabvisa kiyi yokuziva. Imi pachenyu hamuna kupinda, uye makadzivisa vaya vakanga vachipinda.” Jesu akati abva ipapo, vaFarisi navadzidzisi vomurayiro vakatanga kumupikisa zvikuru nokumubvunza mibvunzo yakawanda, vachimirira kuti vamubate pane zvaaizotaura.

Pakurirana nevamwe
Verenga chikamu Ruka 11

Ruka 11:37-54 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)

Akati achataura, mumwe muFarisi akakumbira kwaari kuti adye naye; akapinda, akagara pakudya. Zvino muFarisi akashamiswa, achiona kuti haana kumboshamba asati adya. Ishe akati kwaari, “Zvino imi vaFarisi, munosuka kunze kwomukombe nendiro, asi mukati menyu muzere nokukara nokuipa. Imi mapenzi! Ko uyo akaita zviri kunze, haazi iye akaita zviri mukatiwo here? Asi ipai izvo zviri mukati zvive zvipo; ipapo tarirai zvose zvichava zvakanaka kwamuri. “Asi mune nhamo, imi vaFarisi, nokuti munopa chegumi chemindi neruyi nemiriwo yose, muchirega kururamisira mhaka norudo kuna Mwari; maifanira kuzviita izvi, nokusarega kuita izvozvo. “Mune nhamo, imi vaFarisi, nokuti munoda zvigaro zvapamberi mumasinagoge, nokukwaziswa padare. Mune nhamo, imi, nokuti makaita samakuva asingaonekwi; vanhu vanofamba pamusoro pawo, vasingazivi.” Zvino mumwe wavadudziri womurayiro akapindura, akati kwaari, “Mudzidzisi, kana muchitaura izvozvo, munotituka nesuo.” Iye akati, “Mune nhamo nemiwo, vadudziri vomurayiro; nokuti munotakudza vanhu mitoro inorema, inotambudza kutakura, asi imi mumene hamubati mitoro iyo kunyange nomunwe wenyu mumwechete. “Mune nhamo, imi, nokuti munovaka marinda avaporofita vakaurawa namadzibaba enyu. Naizvozvo muri zvapupu, muchitenderanawo namabasa amadzibaba enyu; nokuti ivo vakavauraya, nemi munovaka marinda avo. Saka nokuchenjera kwaMwariwo kwakati, ‘Ndichatumira kwavari vaporofita navapostori, vachauraya vamwe vavo, nokuvatambudza;’ kuti mhosva yeropa ravaporofita vose, rakateurwa kubva pakuvambwa kwenyika, itsvakwe parudzi urwu; kubva paropa raAbheri, kusvikira paropa raZekariya, akaurawa pakati pearitari neImba yaMwari; hongu, ndinoti kwamuri, mhosva ichatsvakwa parudzi urwu. “Mune nhamo, imi vadudziri vomurayiro; nokuti makabvisa kiyi yokuziva; hamuna kupinda pachenyu, uye makadzivisa avo vakanga vachipinda.” Akati achibvapo, vanyori navaFarisi vakatanga kumumanikidza kwazvo, nokumubvunzisisa pamusoro pezvimwe zvizhinji, vachimurindira, kuti vamubate pashoko rinobuda mumuromo make.

Pakurirana nevamwe
Verenga chikamu Ruka 11

Ruka 11:37-54 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)

Paakanga achiri kutaura, mumwe muFarisei akamukoka kundodya naye. Naizvozvo akaenda akandogara naye pakudya. MuFarisei akashamiswa kuona kuti Jesu haana kutanga ashamba asati adya. Tenzi akati kwaari, “Imi vaFarisei, munosuka mukombe nendiro kunze asi mukati menyu muine upambi nouipi. Imi mapenzi, iye akaita kunze haana kuitawo mukati here? Ipai zvipo zvenyu zvichibva mukati menyu, zvose zvichava zvakachena kwamuri. Asi zvichakuwanai imi vaFarisei nokuti munobvisa chegumi patunhuwo zvatwo twakaita semindi neru netumirio asi imi musina hanya noruenzaniso norudo naMwari. Izvi ndizvo zvamaifanira kunge muchiita musingarege zvenyu kuita zvimwe. Zvichakuwanai zvenyu imi vaFarisei nokuti munoda chigaro chapamusoro mumasinagogu uye kukwaziswa pamisika. Zvichakuwanai zvenyu nokuti makaita samakuva asingaoneki, vanhu vanofamba pamusoro pawo vasingazivi.” Rimwe gweta rakati kwaari, “Mudzidzisi mukutaura izvi muri kutotitukawo.” Iye akati, “Zvichakuwanaiwo iyemi nyanzvi dzomutemo nokuti munotakudza vanhu mitoro inorema kutakura asi imi pachenyu hamutakuri mitoro iyoyo kunyange nomunwe wenyu chaiwo. Zvichakuwanai zvenyu nokuti munovaka makuva avaporofita vakauraiwa namadzibaba enyu. Nezvo muri zvapupu uye munobvumirana nezvakaitwa namadzibaba enyu nokuti ivo vakavauraya; imi munovaka makuva avo. Saizvozvo, Mwari, noungwaru hwake, akati, ‘Ndichavatumira vaporofita navapositori.’ Vamwe vachavauraya vachivatambudza kuti ropa ravaporofita vose rakadeurwa kubvira pamavambo enyika ripfukire chizvarwa chino, kubvira kuropa raAbhero kusvika kuropa raZakariya akauraiwa pakati peatari nenzvimbo inoera. Ndizvozvo chaizvo, zvandinokutaurirai, richapfukira chizvarwa chino. Zvichakuwanai imi magweta nokuti makabvisa kii yoruzivo. Imi hamuna kupinda uye makadziviridza vaida kupinda.” Paakanga ava kubva ipapo nyanzvi dzomutemo navaFarisei vakatanga kumuomesera kuti vamunzwe mukanwa panezvinhu zvakawanda, vakamuhwandira kuti vamubate pane chimwe chezveanenge ataura.

Pakurirana nevamwe
Verenga chikamu Ruka 11

Ruka 11:37-54 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)

Wakati acataura, mumŋe muFarise akakumbira kwaari kuti aȿuȿure naye; akapinda, akagara pakudya. Ɀino muFarise akashamiswa, aciʋona kuti haana‐kumboshamba asati aȿusura. Ishe akati kwaari: Ɀino imi ʋaFarise, munosuka kunze kwomukombe nendiro, asi mukati menyu muzere nokukara nokuipa. Imi mapenzi! Ko uyo wakaita ɀiri kunze, haazi iye wakaita ɀiri mukati ʋo here? Asi ipai iɀo ɀiri mukati ɀiʋe ɀipo; ipapo tarirai ɀose ɀicaʋa ɀakanaka kwamuri. Asi munenhamo, imi ʋaFarise, nokuti munopa cegumi ceminte neruyi nemiriʋo yose, mucirega kururamisira mhaka noruɗo kunaMŋari; maifanira kuɀiita iɀi, nokusarega kuita iɀoɀo. Munenhamo, imi ʋaFarise, nokuti munoɗa ɀigaro ɀapamberi mumasinagoge, nokukwaziswa paɗare. Munenhamo, imi, nokuti makaita samarinda asiŋgaʋonekwi; ʋanhu ʋanofamba pamsoro pawo, ʋasiŋgaziʋi. Ɀino mumŋe waʋaɗudziri ʋomurairo wakapindura, akati kwaari: Mudzidzisi, kana mucitaura iɀoɀo, munotituka nesu ʋo. Iye akati: Munenhamo nemi ʋo, ʋaɗudziri ʋomurairo; nokuti munotakudza ʋanhu mitoro inorema, inotambudza kutakura, asi imi mumene hamuɓati mitoro iyo kunyaŋge nomunwe wenyu mumŋe. Munenhamo, imi, nokuti munoʋaka marinda aʋaprofita ʋakaʋurawa namadziɓaɓa enyu. Naiɀoɀo muri ɀapupu, mucitenderana ʋo namaɓasa amadziɓaɓa enyu; nokuti iʋo ʋakaʋaʋuraya, nemi munoʋaka marinda aʋo. Saka nokucenjera kwaMŋari ʋo kwakati: Ndicatumira kwaʋari ʋaprofita naʋaapostora, ʋacaʋuraya ʋamŋe ʋaʋo, nokuʋatambudza; kuti mhosa yeropa raʋaprofita ʋose, rakateʋurwa kubva pakuʋambga kwenyika, itȿakwe parudzi urwu; kubva paropa raAberi, kuȿikira paropa raZakaria, wakaʋurawa pakati peartari neImba yaMŋari; hoŋo, ndinoti kwamuri, mhoȿa icatȿakwa parudzi urwu. Munenhamo, imi ʋadudziri ʋomurairo; nokuti makabvisa kiyi yokuziʋa; hamuna‐kupinda mumene, ʋuye makadziʋisa aʋo ʋakaŋga ʋacipinda. Wakati acibva’po, ʋanyori naʋaFarise ʋakataŋga kumumanikidza kwaɀo, nokumubvunzisisa pamsoro peɀimŋe ɀizhinji, ʋacimurindira, kuti ʋamuɓate pashoko rinoɓuɗa mumuromo make.

Pakurirana nevamwe
Verenga chikamu Ruka 11

Ruka 11:37-54 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)