Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Ruka 11:37-54

Ruka 11:37-54 SUB1949

Wakati acataura, mumŋe muFarise akakumbira kwaari kuti aȿuȿure naye; akapinda, akagara pakudya. Ɀino muFarise akashamiswa, aciʋona kuti haana‐kumboshamba asati aȿusura. Ishe akati kwaari: Ɀino imi ʋaFarise, munosuka kunze kwomukombe nendiro, asi mukati menyu muzere nokukara nokuipa. Imi mapenzi! Ko uyo wakaita ɀiri kunze, haazi iye wakaita ɀiri mukati ʋo here? Asi ipai iɀo ɀiri mukati ɀiʋe ɀipo; ipapo tarirai ɀose ɀicaʋa ɀakanaka kwamuri. Asi munenhamo, imi ʋaFarise, nokuti munopa cegumi ceminte neruyi nemiriʋo yose, mucirega kururamisira mhaka noruɗo kunaMŋari; maifanira kuɀiita iɀi, nokusarega kuita iɀoɀo. Munenhamo, imi ʋaFarise, nokuti munoɗa ɀigaro ɀapamberi mumasinagoge, nokukwaziswa paɗare. Munenhamo, imi, nokuti makaita samarinda asiŋgaʋonekwi; ʋanhu ʋanofamba pamsoro pawo, ʋasiŋgaziʋi. Ɀino mumŋe waʋaɗudziri ʋomurairo wakapindura, akati kwaari: Mudzidzisi, kana mucitaura iɀoɀo, munotituka nesu ʋo. Iye akati: Munenhamo nemi ʋo, ʋaɗudziri ʋomurairo; nokuti munotakudza ʋanhu mitoro inorema, inotambudza kutakura, asi imi mumene hamuɓati mitoro iyo kunyaŋge nomunwe wenyu mumŋe. Munenhamo, imi, nokuti munoʋaka marinda aʋaprofita ʋakaʋurawa namadziɓaɓa enyu. Naiɀoɀo muri ɀapupu, mucitenderana ʋo namaɓasa amadziɓaɓa enyu; nokuti iʋo ʋakaʋaʋuraya, nemi munoʋaka marinda aʋo. Saka nokucenjera kwaMŋari ʋo kwakati: Ndicatumira kwaʋari ʋaprofita naʋaapostora, ʋacaʋuraya ʋamŋe ʋaʋo, nokuʋatambudza; kuti mhosa yeropa raʋaprofita ʋose, rakateʋurwa kubva pakuʋambga kwenyika, itȿakwe parudzi urwu; kubva paropa raAberi, kuȿikira paropa raZakaria, wakaʋurawa pakati peartari neImba yaMŋari; hoŋo, ndinoti kwamuri, mhoȿa icatȿakwa parudzi urwu. Munenhamo, imi ʋadudziri ʋomurairo; nokuti makabvisa kiyi yokuziʋa; hamuna‐kupinda mumene, ʋuye makadziʋisa aʋo ʋakaŋga ʋacipinda. Wakati acibva’po, ʋanyori naʋaFarise ʋakataŋga kumumanikidza kwaɀo, nokumubvunzisisa pamsoro peɀimŋe ɀizhinji, ʋacimurindira, kuti ʋamuɓate pashoko rinoɓuɗa mumuromo make.

Verenga chikamu Ruka 11