Zvakaitika kuti Jesu ainamata pane imwe nzvimbo. Paakapedza kunamata, mumwe wavadzidzi vake akati kwaari, “Tenzi tidzidziseiwo kunamata sokudzidzisa kwaiita Johani vadzidzi vake.” Iye akavati, “Kana mava kunamata, itii, “ ‘Baba zita renyu ngariyereswe umambo hwenyu ngahuuye.’ Tipeiwo chokudya chedu chezuva nezuva. Mutiregerereiwo zvitadzo zvedu. Nokuti isu pachedu tinoregererawo vose vanotitadzira. Musatitungamirire mukuedzwa.” Jesu akati kwavari, “Ndiani wenyu ane shamwari inouya kwaari pakati pousiku yoti kwaari, ‘Shamwari, ndikweretesewo zvingwa zvitatu nokuti imwe shamwari yangu iri parwendo yasvika, zvino handina chokumuperekera.’ Achapindura nechomukati achiti, ‘Usandinetse, gonhi rakiiwa; vana vangu neni tatovata; handichagoni kumuka kuti ndiwane chokukupa.’ Ndinokuudzai kuti angarege zvake kumuka achimupa chinhu pamusana pokuti ishamwari yake asi pamusana pokugwavarira kwake anotomuka achimupa zvose zvaanoda. Ndinokutaurirai kuti, “ ‘Kumbirai muchapiwa Tsvakai muchawana Gogodzai muchazarurirwa nokuti wose anokumbira anopiwa anotsvaka anowana uye anogogodza achazarurirwa.’ “Ndibaba vapi pakati penyu vanoti kana mwana wavo avakumbira hove vanomupa nyoka panze pokumupa hove. Uye kuti kana akumbira zai vomupa rize. Zvino kana imi vaipi kudai muchiziva kupa zvipo zvakanaka kuvana venyu; ko kutozoti Baba vokudenga, vanopa zvakadii Mweya Mutsvene kuna vanomukumbira.” Jesu paaidzinga mumwe mweya wakaipa waiva mbeveve mweya wakaipa uya pawakabuda, mbeveve iya yakataura uye vanhu vakashamiswa. Asi vamwe vavo vakati anodzinga mweya yakaipa naBherizebhuru jinda romweya yakaipa. Vamwewo vachida kumuedza vaitsvaka kwaari chiratidzo chinobva kudenga. Asi iye pamusana pokuziva zvaiva mupfungwa dzavo akati kwavari, “Umambo hupi nohupi hunenge huchizvirwisa hunoparara. Imba inenge ichizvirwisa inoputsika. Zvino kana Satani achizvirwisa, umambo hwake hunopamira sei. Nokuti imi murikuti ndinodzinga mweya yakaipa naBherizebhuru. Kana ndichidzinga mweya yakaipa naBherizebhuru ko, vanhu venyu vanoidzinga nesimba raani. Ivo ndivo vachakukonesai. Zvino kana ndichidzinga mweya yakaipa nomunwe waMwari umambo hwaMwari hwasvika pamuri. “Kana murume akasimba achichengetedza muzinda wake, zvinhu zvake zvinochengetedzeka. Asi mumwe ane simba kukunda iye akamurwisa akamukurira anomutorera zvombo zvake zvokurwisa zvaaivimba nazvo achigova zvaanenge apamba. “Asineni ari kurwisana neni uyo asingaunganidzi neni anoparadza. “Kana mweya wakaipa wabuda mumunhu unopfuura nomunzvimbo dzisina mvura uchitsvaka pokuzororera. Kana washaya nzvimbo unoti, ndichadzokera kumba kwangu kwandakabva. Kana wasvika unowana yakatsvairwa yakanyatsorongedzwa. Ipapo unobva waenda wondounza mimwe mweya minomwe yakaipa kupinda iwo. Inopinda yogaramo. Mhedziso yomunhu iyeyo inoipa kupinda pokutanga.” Paaitaura izvi mumwe mukadzi akadaidzira gungano ravanhu achiti kwaari, “Yakakomborerwa zvayo nhumbu yakakuberekai namazamu amakayamwa.” Asi Jesu akati, “Ehe zvazvo, asi vakanyanyokomborerwa avo vanonzwa Shoko raMwari vachirichengeta.”
Verenga chikamu Ruka 11
Pakurirana nevamwe
Enzanisa mhando yose: Ruka 11:1-28
Chengetedza mavhesi, verenga usiri pamasaisai, wona mavhidhiyo ezvidzidzo uye zvakawanda!
Pekutangira
Bhaibheri
Zvirongwa
Mavideo