Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Ruka 11:1-28

Ruka 11:1-28 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)

Zvakaitika kuti Jesu ainamata pane imwe nzvimbo. Paakapedza kunamata, mumwe wavadzidzi vake akati kwaari, “Tenzi tidzidziseiwo kunamata sokudzidzisa kwaiita Johani vadzidzi vake.” Iye akavati, “Kana mava kunamata, itii, “ ‘Baba zita renyu ngariyereswe umambo hwenyu ngahuuye.’ Tipeiwo chokudya chedu chezuva nezuva. Mutiregerereiwo zvitadzo zvedu. Nokuti isu pachedu tinoregererawo vose vanotitadzira. Musatitungamirire mukuedzwa.” Jesu akati kwavari, “Ndiani wenyu ane shamwari inouya kwaari pakati pousiku yoti kwaari, ‘Shamwari, ndikweretesewo zvingwa zvitatu nokuti imwe shamwari yangu iri parwendo yasvika, zvino handina chokumuperekera.’ Achapindura nechomukati achiti, ‘Usandinetse, gonhi rakiiwa; vana vangu neni tatovata; handichagoni kumuka kuti ndiwane chokukupa.’ Ndinokuudzai kuti angarege zvake kumuka achimupa chinhu pamusana pokuti ishamwari yake asi pamusana pokugwavarira kwake anotomuka achimupa zvose zvaanoda. Ndinokutaurirai kuti, “ ‘Kumbirai muchapiwa Tsvakai muchawana Gogodzai muchazarurirwa nokuti wose anokumbira anopiwa anotsvaka anowana uye anogogodza achazarurirwa.’ “Ndibaba vapi pakati penyu vanoti kana mwana wavo avakumbira hove vanomupa nyoka panze pokumupa hove. Uye kuti kana akumbira zai vomupa rize. Zvino kana imi vaipi kudai muchiziva kupa zvipo zvakanaka kuvana venyu; ko kutozoti Baba vokudenga, vanopa zvakadii Mweya Mutsvene kuna vanomukumbira.” Jesu paaidzinga mumwe mweya wakaipa waiva mbeveve mweya wakaipa uya pawakabuda, mbeveve iya yakataura uye vanhu vakashamiswa. Asi vamwe vavo vakati anodzinga mweya yakaipa naBherizebhuru jinda romweya yakaipa. Vamwewo vachida kumuedza vaitsvaka kwaari chiratidzo chinobva kudenga. Asi iye pamusana pokuziva zvaiva mupfungwa dzavo akati kwavari, “Umambo hupi nohupi hunenge huchizvirwisa hunoparara. Imba inenge ichizvirwisa inoputsika. Zvino kana Satani achizvirwisa, umambo hwake hunopamira sei. Nokuti imi murikuti ndinodzinga mweya yakaipa naBherizebhuru. Kana ndichidzinga mweya yakaipa naBherizebhuru ko, vanhu venyu vanoidzinga nesimba raani. Ivo ndivo vachakukonesai. Zvino kana ndichidzinga mweya yakaipa nomunwe waMwari umambo hwaMwari hwasvika pamuri. “Kana murume akasimba achichengetedza muzinda wake, zvinhu zvake zvinochengetedzeka. Asi mumwe ane simba kukunda iye akamurwisa akamukurira anomutorera zvombo zvake zvokurwisa zvaaivimba nazvo achigova zvaanenge apamba. “Asineni ari kurwisana neni uyo asingaunganidzi neni anoparadza. “Kana mweya wakaipa wabuda mumunhu unopfuura nomunzvimbo dzisina mvura uchitsvaka pokuzororera. Kana washaya nzvimbo unoti, ndichadzokera kumba kwangu kwandakabva. Kana wasvika unowana yakatsvairwa yakanyatsorongedzwa. Ipapo unobva waenda wondounza mimwe mweya minomwe yakaipa kupinda iwo. Inopinda yogaramo. Mhedziso yomunhu iyeyo inoipa kupinda pokutanga.” Paaitaura izvi mumwe mukadzi akadaidzira gungano ravanhu achiti kwaari, “Yakakomborerwa zvayo nhumbu yakakuberekai namazamu amakayamwa.” Asi Jesu akati, “Ehe zvazvo, asi vakanyanyokomborerwa avo vanonzwa Shoko raMwari vachirichengeta.”

Pakurirana nevamwe
Verenga chikamu Ruka 11

Ruka 11:1-28 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)

Mumwe musi Jesu akanga achinyengetera ari pane imwe nzvimbo. Akati apedza, mumwe wavadzidzi vake akati kwaari, “Ishe, tidzidzisei kunyengetera, saJohani akadzidzisa vadzidzi vake.” Iye akati kwavari, “Kana muchinyengetera, muti: “ ‘Baba vedu vari kudenga, zita renyu ngarikudzwe noutsvene. Umambo hwenyu ngahuuye. Kuda kwenyu ngakuitwe panyika sezvinoitwa kudenga. Tipei zuva nezuva chingwa chedu chamazuva namazuva. Uye mutiregerere zvivi zvedu; nokuti nesuwo tinoregerera vose vanotitadzira. Musatitungamirira mukuedzwa; uye mutinunure pane zvakaipa.’ ” Ipapo akati kwavari, “Kana mumwe wenyu ane shamwari, uye akaenda kwaari pakati pousiku akati, ‘Shamwari, ndikweretesewo zvingwa zvitatu, nokuti shamwari yangu iri parwendo yasvika kwangu, uye ini handina chandingamupa.’ “Ipapo uya ari mukati akati, ‘Rega kundinetsa. Mukova wangu watopfigwa, uye vana vangu neni tavata. Handikwanisi kumuka kuti ndikupe kana chinhu.’ Ndinokuudzai, kuti kunyange asingazomuki kuti amupe chingwa nokuda kwokuti ishamwari yake, asi nokuda kwokushingirira kwomunhu uyu, achamuka agomupa zvose zvaanoda. “Saka ndinoti kwamuri: Kumbirai, muchapiwa, tsvakai, muchawana; gogodzai, muchazarurirwa mukova. Nokuti ani naani anokumbira achapiwa; anotsvaka achawana; anogogodza, achazarurirwa mukova. “Ndiani pakati penyu vanababa, angati, kana mwanakomana wake amukumbira hove, omupa nyoka pachinzvimbo chehove? Kana kuti akakumbira zai, angamupa chinyavada here? Zvino kana imi, kunyange makaipa zvenyu, muchiziva kupa zvipo zvakanaka kuvana venyu, Baba venyu vari kudenga vachapa zvikuru sei Mweya Mutsvene kuna vanomukumbira!” Jesu akanga achidzinga dhimoni raiva mbeveve. Dhimoni rakati rabva, munhu uya akanga ari mbeveve akataura, uye vazhinji vakashamiswa nazvo. Asi vamwe vavo vakati, “Anodzinga dhimoni naBheerizebhubhi, muchinda mukuru wamadhimoni.” Vamwewo vakamuedza nokumukumbira chiratidzo. Jesu akaziva ndangariro dzavo akati kwavari, “Umambo hupi zvahwo hunozvipesanisa huchaparadzwa, uye imba inozvipesanisa ichawa. Kana Satani achizvipesanisa, umambo hwake hungamira seiko? Ndinotaura izvi nokuti munonditi ndinobudisa madhimoni naBheerizebhubhi. Zvino kana ndichibudisa madhimoni naBheerizebhubhi, ko, vanakomana venyu vanoabudisa naani? Saka zvino, ivo vachava vatongi venyu. Asi kana ndichidzinga madhimoni nomunwe waMwari, ipapo umambo hwaMwari hwasvika kwamuri. “Kana munhu ane simba, akanyatsoshonga nhumbi dzake dzokurwa, akachengeta imba yake, pfuma yake inochengetedzeka. Asi kana mumwe ane simba akamurwisa uye akamukunda, anomutorera nhumbi dzokurwa dzaanga achivimba nadzo agogova zvaanenge apamba. “Ani naani asiri kudivi rangu anorwa neni, uye asingaunganidzi pamwe chete neni, anoparadzira. “Kana mweya wakaipa ukabuda mumunhu, unopinda nomunzvimbo dzakaoma uchitsvaka zororo ugorishayiwa. Ipapo unoti, ‘Ndichadzokera kumba kwandakabva.’ Paunosvika, unowana imba yakatsvairwa, yanaka uye igere zvakanaka. Ipapo unobuda wondotsvaka mimwe mweya minomwe yakaipa kupfuura iwo, igopinda yondogaramo. Uye magumo omunhu uyo akaipa kupfuura okutanga.” Jesu akati achiri kutaura zvinhu izvi, mumwe mukadzi aiva pakati pavanhu vazhinji akadanidzira achiti, “Vakaropafadzwa mai vakakuzvarai vakakuyamwisai.” Akapindura akati, “Asi vakaropafadzwa avo vanonzwa shoko raMwari uye vachiriteerera.”

Pakurirana nevamwe
Verenga chikamu Ruka 11

Ruka 11:1-28 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)

Zvino akati achinyengetera pane imwe nzvimbo, apedza, mumwe wavadzidzi vake akati kwaari, “Ishe, tidzidzisei kunyengeterawo Johani sezvaakadzidzisa vadzidzi vakewo.” Akati kwavari, “Kana muchinyengetera, muti, ‘Baba, zita renyu ngarikudzwe nohutsvene; ushe hwenyu ngahuuye; mutipe zuva rimwe nerimwe zvokudya zvedu zvinotiringana; mutikanganwire zvivi zvedu, nokuti nesu tinokanganwira vose vane mhosva nesu; musatiisa mukuedzwa.’ ” Akati kwavari, “Ndianiko kwamuri angava neshamwari; akaenda kwaari pakati pousiku, akati kwaari, ‘Shamwari ndiposewo zvingwa zvitatu; nokuti shamwari yangu iri parwendo yakasvika kwandiri, zvino handina chandingamupakurira.’ Ari mukati akapindura, akati, ‘Usandinetsa; musuo watopfigwa, navana vangu vava neni panhoo; handingamuki ndikakupa.’ “Ndinoti kwamuri, kunyange asingamuki akamupa, nokuda kwokuti ishamwari yake, achamuka, akamupa zvose zvaanoshaiwa nokusa kwokutsungirira kwake. Ndinoti kwamuri, kumbirai, muchapiwa; tsvakai, muchawana; gogodzai, muchazarurirwa. “Nokuti mumwe nomumwe anokumbira, anopiwa; anotsvaka, anowana; neanogogodza, anozarurirwa. Ndavapiko baba pakati penyu, kana mwanakomana achikumbira chingwa, vangamupa ibwe here? Kana hove, vangamupa nyoka panzvimbo yehove here? Kana akakumbira zai, vangamupa chinyavada here? Naizvozvo kana imi makaipa muchiziva kupa vana venyu zvipo zvakanaka, Baba venyu vari kudenga vachapa zvikuru sei Mweya Mutsvene vanokumbira kwaari.” Zvino akanga achibudisa mweya wakaipa, waiva mbeveve; mweya wakaipa ukati wabva, mbeveve ikataura, vanhu vazhinji vakashamiswa. Asi vamwe vavo vakati, “Anobudisa mweya yakaipa naBheerizebhuri, mukuru wemweya yakaipa.” Asi vamwe vakamuedza, vakakumbira chiratidzo kwaari chinobva kudenga. Zvino iye akati achiziva kufunga kwavo, akati kwavari, “Ushe humwe nohumwe hunozvipesanisa, hunoparadzwa; neimba inopesana neimba, inowa. NaSatani, kana achizvipesanisa, ushe hwake hungamiri seiko, zvamunoti, ndinobudisa mweya yakaipa naBheerizebhuri? Kana ini ndichibudisa mweya yakaipa naBheerizebhuri, ko vanakomana venyu vanoibudisa nani? Naizvozvo ivo vachava vatongi venyu. “Asi kana ndichibudisa mweya yakaipa nomunwe waMwari, ipapo ushe hwaMwari hwasvika kwamuri. “Kana munhu ane simba, akashonga nhumbi dzokurwa, achirinda imba yake, nhumbi dzake dzinochengeteka. Asi kana mumwe anomupfuura nesimba akamuvamba, akamukunda, ipapo achamutorera nhumbi dzose dzokurwa, dzaakanga achivimba nadzo, ndokugovera izvo zvaapamba. “Asi neni, anopesana neni, noasingaunganidzi neni, anoparadza. “Mweya wakaipa kana wabuda kumunhu, anopota nenzvimbo dzakaoma, achitsvaka zororo; kana ukashaiwa, unoti, ‘Ndichadzokera kumba kwangu kwandabuda.’ Kana wasvika, unoiwana yatsvairwa, yanatswa. Ipapo unoenda, ndokundotora mimwe mweya minomwe inoukunda nokuipa, ndokupinda, ndokugaramo; kuguma kwomunhu uyo kwakaipa kupfuura kutanga kwake.” Akati areva izvozvo, mumwe mukadzi pakati pavanhu vazhinji akadanidzira, akati kwaari, “Rakaropafadzwa dumbu rakakutakurai, namazamu amakayamwa.” Asi iye akati, “Hongu, zvikuru vakaropafadzwa vanonzwa shoko raMwari, vachirichengeta.”

Pakurirana nevamwe
Verenga chikamu Ruka 11

Ruka 11:1-28 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)

Zvakaitika kuti Jesu ainamata pane imwe nzvimbo. Paakapedza kunamata, mumwe wavadzidzi vake akati kwaari, “Tenzi tidzidziseiwo kunamata sokudzidzisa kwaiita Johani vadzidzi vake.” Iye akavati, “Kana mava kunamata, itii, “ ‘Baba zita renyu ngariyereswe umambo hwenyu ngahuuye.’ Tipeiwo chokudya chedu chezuva nezuva. Mutiregerereiwo zvitadzo zvedu. Nokuti isu pachedu tinoregererawo vose vanotitadzira. Musatitungamirire mukuedzwa.” Jesu akati kwavari, “Ndiani wenyu ane shamwari inouya kwaari pakati pousiku yoti kwaari, ‘Shamwari, ndikweretesewo zvingwa zvitatu nokuti imwe shamwari yangu iri parwendo yasvika, zvino handina chokumuperekera.’ Achapindura nechomukati achiti, ‘Usandinetse, gonhi rakiiwa; vana vangu neni tatovata; handichagoni kumuka kuti ndiwane chokukupa.’ Ndinokuudzai kuti angarege zvake kumuka achimupa chinhu pamusana pokuti ishamwari yake asi pamusana pokugwavarira kwake anotomuka achimupa zvose zvaanoda. Ndinokutaurirai kuti, “ ‘Kumbirai muchapiwa Tsvakai muchawana Gogodzai muchazarurirwa nokuti wose anokumbira anopiwa anotsvaka anowana uye anogogodza achazarurirwa.’ “Ndibaba vapi pakati penyu vanoti kana mwana wavo avakumbira hove vanomupa nyoka panze pokumupa hove. Uye kuti kana akumbira zai vomupa rize. Zvino kana imi vaipi kudai muchiziva kupa zvipo zvakanaka kuvana venyu; ko kutozoti Baba vokudenga, vanopa zvakadii Mweya Mutsvene kuna vanomukumbira.” Jesu paaidzinga mumwe mweya wakaipa waiva mbeveve mweya wakaipa uya pawakabuda, mbeveve iya yakataura uye vanhu vakashamiswa. Asi vamwe vavo vakati anodzinga mweya yakaipa naBherizebhuru jinda romweya yakaipa. Vamwewo vachida kumuedza vaitsvaka kwaari chiratidzo chinobva kudenga. Asi iye pamusana pokuziva zvaiva mupfungwa dzavo akati kwavari, “Umambo hupi nohupi hunenge huchizvirwisa hunoparara. Imba inenge ichizvirwisa inoputsika. Zvino kana Satani achizvirwisa, umambo hwake hunopamira sei. Nokuti imi murikuti ndinodzinga mweya yakaipa naBherizebhuru. Kana ndichidzinga mweya yakaipa naBherizebhuru ko, vanhu venyu vanoidzinga nesimba raani. Ivo ndivo vachakukonesai. Zvino kana ndichidzinga mweya yakaipa nomunwe waMwari umambo hwaMwari hwasvika pamuri. “Kana murume akasimba achichengetedza muzinda wake, zvinhu zvake zvinochengetedzeka. Asi mumwe ane simba kukunda iye akamurwisa akamukurira anomutorera zvombo zvake zvokurwisa zvaaivimba nazvo achigova zvaanenge apamba. “Asineni ari kurwisana neni uyo asingaunganidzi neni anoparadza. “Kana mweya wakaipa wabuda mumunhu unopfuura nomunzvimbo dzisina mvura uchitsvaka pokuzororera. Kana washaya nzvimbo unoti, ndichadzokera kumba kwangu kwandakabva. Kana wasvika unowana yakatsvairwa yakanyatsorongedzwa. Ipapo unobva waenda wondounza mimwe mweya minomwe yakaipa kupinda iwo. Inopinda yogaramo. Mhedziso yomunhu iyeyo inoipa kupinda pokutanga.” Paaitaura izvi mumwe mukadzi akadaidzira gungano ravanhu achiti kwaari, “Yakakomborerwa zvayo nhumbu yakakuberekai namazamu amakayamwa.” Asi Jesu akati, “Ehe zvazvo, asi vakanyanyokomborerwa avo vanonzwa Shoko raMwari vachirichengeta.”

Pakurirana nevamwe
Verenga chikamu Ruka 11

Ruka 11:1-28 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)

Ɀino wakati acinyeŋgetera paneimŋe nɀimbo, apedza, mumŋe waʋadzidzi ʋake akati kwaari: Ishe, tidzidzisei kunyeŋgetera, Johane seɀaakadzidzisa ʋadzidzi ʋake ʋo. Akati kwaʋari: Kana mucinyeŋgetera, muti: Ƃaɓa, zita renyu ŋgarikudzwe noʋutȿene; ʋushe bgenyu ŋgabguʋuye; mutipei zuʋa rimŋe nerimŋe ɀokudya ɀeɗu ɀinotiriŋgana; mutikaŋganwirei ɀiʋi ɀeɗu, nokuti nesu tinokaŋganwira ʋose ʋanemhoȿa nesu; musatiisa pakuidzwa. Akati kwaʋari: Ndianiko kwamuri uŋgaʋa neshamŋari, akaenda kwaari pakati poʋusiku, akati kwaari: Shamŋari, ndipose ʋo ɀiŋgwa ɀitatu; nokuti shamŋari yaŋgu iri parwendo yakaȿika kwandiri, ɀino handina‐candiŋgamupakurira. Uri mukati akapindura, akati: Usandinetsa; mukoʋa watopfigwa, naʋana ʋaŋgu ʋaʋa neni panhoʋo; handiŋgamuki ndikakupa. Ndinoti kwamuri: Kunyaŋge asiŋgamuki akamupa, nokuɗa kwokuti ishamŋari yake, kunyaŋge ɀakaɗaro, nokuɗa kwokutsuŋgirira kwake, ucamuka, akamupa ɀose ɀaanoshaiwa. Ndinoti kwamuri: Kumbirai, mucapiwa; tȿakai, mucawana; gogodzai, mucazarurirwa. Nokuti mumŋe nomumŋe unokumbira, unopiwa; unotȿaka, unowana; nounogogodza, unozarurirwa. Ndaʋapiko ɓaɓa pakati penyu, kana mŋanakomana acikumbira ciŋgwa, ʋaŋgamupa ibge here? Kana hoʋe, ʋaŋgamupa nyoka panɀimbo yehoʋe here? Kana akakumbira zai, ʋaŋgamupa cinyaʋaɗa here? Naiɀoɀo kana imi makaipa muciziʋa kupa ʋana ʋenyu ɀipo ɀakanaka, Ƃaɓa ʋenyu ʋari kuɗeŋga ʋacapa ɀikuru sei Mŋeya Mutȿene ʋanokumbira kwaari. Ɀino wakaŋga aciɓuɗisa mŋeya wakaipa, waiʋa mbeʋeʋe; mŋeya wakaipa ukati wabva, mbeʋeʋe ikataura, ʋanhu ʋazhinji ʋakashamiswa. Asi ʋamŋe ʋaʋo ʋakati: Unoɓuɗisa mŋeya yakaipa naBeerzeburi, mukuru wemŋeya yakaipa. Asi ʋamŋe ʋakamuidza, ʋakakumbira ciratidzo kwaari cinobva kuɗeŋga. Ɀino iye wakati aciziʋa kufuŋga kwaʋo, akati kwaʋari: Ʋushe bgumŋe nobgumŋe bgunoɀipesanisa, bgunoparadzwa; neimba inopesana neimba, inowa. NaSatani, kana aciɀipesanisa, ʋushe bgake bguŋgamira seiko, ɀamunoti, ndinoɓuɗisa mŋeya yakaipa naBeerzeburi? Kana ini ndiciɓuɗisa mŋeya yakaipa naBeerzeburi, ko ʋanakomana ʋenyu ʋanoiɓuɗisa nani? Naiɀoɀo iʋo ʋacaʋa ʋatoŋgi ʋenyu. Asi kana ndiciɓuɗisa mŋeya yakaipa nomunwe waMŋari, ipapo ʋushe bgaMŋari bgaȿika kwamuri. Kana munhu unesimba, wakashoŋga nhumbi dzokurwa, acirinda imba yake, nhumbi dzake dzinoceŋgeteka. Asi kana mumŋe unomupfuʋura nesimba akamuʋamba, akamukunda, ipapo ucamutorera nhumbi dzose dzokurwa, dzaakaŋga aciʋimba nadzo, ndokugoʋera iɀo ɀaapamba. Usi neni, unopesana neni, nousiŋgaʋuŋganidzi neni, unoparadza. Mŋeya wetȿina kana waɓuɗa kumunhu, unopota nenɀimbo dzakawoma, ucitȿaka zororo; kana ukashaiwa, unoti: Ndicadzokera kumba kwaŋgu kwandaɓuɗa. Kana waȿika, unoiwana yatȿairwa, yanatswa. Ipapo unoenda, ndokundotora mimŋe mŋeya minomŋe inoukunda nokuipa, ndokupinda, ndokugara’mo; kuguma kwomunhu uyo kwakaipa kupfuʋura kutaŋga kwake. Wakati areʋa iɀoɀo, mumŋe mukadzi pakati paʋanhu ʋazhinji akaɗanidzira, akati kwaari: Rakaropafadzwa ɗumbu rakakutakurai, namazamu amakamŋa. Asi iye akati: Hoŋo, ɀikuru ʋakaropafadzwa ʋanonzwa shoko raMŋari, ʋaciriceŋgeta.