Ɀino wakati acinyeŋgetera paneimŋe nɀimbo, apedza, mumŋe waʋadzidzi ʋake akati kwaari: Ishe, tidzidzisei kunyeŋgetera, Johane seɀaakadzidzisa ʋadzidzi ʋake ʋo. Akati kwaʋari: Kana mucinyeŋgetera, muti: Ƃaɓa, zita renyu ŋgarikudzwe noʋutȿene; ʋushe bgenyu ŋgabguʋuye; mutipei zuʋa rimŋe nerimŋe ɀokudya ɀeɗu ɀinotiriŋgana; mutikaŋganwirei ɀiʋi ɀeɗu, nokuti nesu tinokaŋganwira ʋose ʋanemhoȿa nesu; musatiisa pakuidzwa.
Akati kwaʋari: Ndianiko kwamuri uŋgaʋa neshamŋari, akaenda kwaari pakati poʋusiku, akati kwaari: Shamŋari, ndipose ʋo ɀiŋgwa ɀitatu; nokuti shamŋari yaŋgu iri parwendo yakaȿika kwandiri, ɀino handina‐candiŋgamupakurira. Uri mukati akapindura, akati: Usandinetsa; mukoʋa watopfigwa, naʋana ʋaŋgu ʋaʋa neni panhoʋo; handiŋgamuki ndikakupa. Ndinoti kwamuri: Kunyaŋge asiŋgamuki akamupa, nokuɗa kwokuti ishamŋari yake, kunyaŋge ɀakaɗaro, nokuɗa kwokutsuŋgirira kwake, ucamuka, akamupa ɀose ɀaanoshaiwa. Ndinoti kwamuri: Kumbirai, mucapiwa; tȿakai, mucawana; gogodzai, mucazarurirwa. Nokuti mumŋe nomumŋe unokumbira, unopiwa; unotȿaka, unowana; nounogogodza, unozarurirwa. Ndaʋapiko ɓaɓa pakati penyu, kana mŋanakomana acikumbira ciŋgwa, ʋaŋgamupa ibge here? Kana hoʋe, ʋaŋgamupa nyoka panɀimbo yehoʋe here? Kana akakumbira zai, ʋaŋgamupa cinyaʋaɗa here? Naiɀoɀo kana imi makaipa muciziʋa kupa ʋana ʋenyu ɀipo ɀakanaka, Ƃaɓa ʋenyu ʋari kuɗeŋga ʋacapa ɀikuru sei Mŋeya Mutȿene ʋanokumbira kwaari.
Ɀino wakaŋga aciɓuɗisa mŋeya wakaipa, waiʋa mbeʋeʋe; mŋeya wakaipa ukati wabva, mbeʋeʋe ikataura, ʋanhu ʋazhinji ʋakashamiswa. Asi ʋamŋe ʋaʋo ʋakati: Unoɓuɗisa mŋeya yakaipa naBeerzeburi, mukuru wemŋeya yakaipa. Asi ʋamŋe ʋakamuidza, ʋakakumbira ciratidzo kwaari cinobva kuɗeŋga. Ɀino iye wakati aciziʋa kufuŋga kwaʋo, akati kwaʋari: Ʋushe bgumŋe nobgumŋe bgunoɀipesanisa, bgunoparadzwa; neimba inopesana neimba, inowa. NaSatani, kana aciɀipesanisa, ʋushe bgake bguŋgamira seiko, ɀamunoti, ndinoɓuɗisa mŋeya yakaipa naBeerzeburi? Kana ini ndiciɓuɗisa mŋeya yakaipa naBeerzeburi, ko ʋanakomana ʋenyu ʋanoiɓuɗisa nani? Naiɀoɀo iʋo ʋacaʋa ʋatoŋgi ʋenyu. Asi kana ndiciɓuɗisa mŋeya yakaipa nomunwe waMŋari, ipapo ʋushe bgaMŋari bgaȿika kwamuri. Kana munhu unesimba, wakashoŋga nhumbi dzokurwa, acirinda imba yake, nhumbi dzake dzinoceŋgeteka. Asi kana mumŋe unomupfuʋura nesimba akamuʋamba, akamukunda, ipapo ucamutorera nhumbi dzose dzokurwa, dzaakaŋga aciʋimba nadzo, ndokugoʋera iɀo ɀaapamba. Usi neni, unopesana neni, nousiŋgaʋuŋganidzi neni, unoparadza. Mŋeya wetȿina kana waɓuɗa kumunhu, unopota nenɀimbo dzakawoma, ucitȿaka zororo; kana ukashaiwa, unoti: Ndicadzokera kumba kwaŋgu kwandaɓuɗa. Kana waȿika, unoiwana yatȿairwa, yanatswa. Ipapo unoenda, ndokundotora mimŋe mŋeya minomŋe inoukunda nokuipa, ndokupinda, ndokugara’mo; kuguma kwomunhu uyo kwakaipa kupfuʋura kutaŋga kwake.
Wakati areʋa iɀoɀo, mumŋe mukadzi pakati paʋanhu ʋazhinji akaɗanidzira, akati kwaari: Rakaropafadzwa ɗumbu rakakutakurai, namazamu amakamŋa. Asi iye akati: Hoŋo, ɀikuru ʋakaropafadzwa ʋanonzwa shoko raMŋari, ʋaciriceŋgeta.