Zvino akati achinyengetera pane imwe nzvimbo, apedza, mumwe wavadzidzi vake akati kwaari, “Ishe, tidzidzisei kunyengeterawo Johani sezvaakadzidzisa vadzidzi vakewo.”
Akati kwavari, “Kana muchinyengetera, muti, ‘Baba, zita renyu ngarikudzwe nohutsvene; ushe hwenyu ngahuuye; mutipe zuva rimwe nerimwe zvokudya zvedu zvinotiringana; mutikanganwire zvivi zvedu, nokuti nesu tinokanganwira vose vane mhosva nesu; musatiisa mukuedzwa.’ ”
Akati kwavari, “Ndianiko kwamuri angava neshamwari; akaenda kwaari pakati pousiku, akati kwaari, ‘Shamwari ndiposewo zvingwa zvitatu; nokuti shamwari yangu iri parwendo yakasvika kwandiri, zvino handina chandingamupakurira.’ Ari mukati akapindura, akati, ‘Usandinetsa; musuo watopfigwa, navana vangu vava neni panhoo; handingamuki ndikakupa.’
“Ndinoti kwamuri, kunyange asingamuki akamupa, nokuda kwokuti ishamwari yake, achamuka, akamupa zvose zvaanoshaiwa nokusa kwokutsungirira kwake. Ndinoti kwamuri, kumbirai, muchapiwa; tsvakai, muchawana; gogodzai, muchazarurirwa.
“Nokuti mumwe nomumwe anokumbira, anopiwa; anotsvaka, anowana; neanogogodza, anozarurirwa. Ndavapiko baba pakati penyu, kana mwanakomana achikumbira chingwa, vangamupa ibwe here? Kana hove, vangamupa nyoka panzvimbo yehove here? Kana akakumbira zai, vangamupa chinyavada here? Naizvozvo kana imi makaipa muchiziva kupa vana venyu zvipo zvakanaka, Baba venyu vari kudenga vachapa zvikuru sei Mweya Mutsvene vanokumbira kwaari.”
Zvino akanga achibudisa mweya wakaipa, waiva mbeveve; mweya wakaipa ukati wabva, mbeveve ikataura, vanhu vazhinji vakashamiswa. Asi vamwe vavo vakati, “Anobudisa mweya yakaipa naBheerizebhuri, mukuru wemweya yakaipa.”
Asi vamwe vakamuedza, vakakumbira chiratidzo kwaari chinobva kudenga. Zvino iye akati achiziva kufunga kwavo, akati kwavari, “Ushe humwe nohumwe hunozvipesanisa, hunoparadzwa; neimba inopesana neimba, inowa. NaSatani, kana achizvipesanisa, ushe hwake hungamiri seiko, zvamunoti, ndinobudisa mweya yakaipa naBheerizebhuri? Kana ini ndichibudisa mweya yakaipa naBheerizebhuri, ko vanakomana venyu vanoibudisa nani? Naizvozvo ivo vachava vatongi venyu.
“Asi kana ndichibudisa mweya yakaipa nomunwe waMwari, ipapo ushe hwaMwari hwasvika kwamuri.
“Kana munhu ane simba, akashonga nhumbi dzokurwa, achirinda imba yake, nhumbi dzake dzinochengeteka. Asi kana mumwe anomupfuura nesimba akamuvamba, akamukunda, ipapo achamutorera nhumbi dzose dzokurwa, dzaakanga achivimba nadzo, ndokugovera izvo zvaapamba.
“Asi neni, anopesana neni, noasingaunganidzi neni, anoparadza.
“Mweya wakaipa kana wabuda kumunhu, anopota nenzvimbo dzakaoma, achitsvaka zororo; kana ukashaiwa, unoti, ‘Ndichadzokera kumba kwangu kwandabuda.’ Kana wasvika, unoiwana yatsvairwa, yanatswa. Ipapo unoenda, ndokundotora mimwe mweya minomwe inoukunda nokuipa, ndokupinda, ndokugaramo; kuguma kwomunhu uyo kwakaipa kupfuura kutanga kwake.”
Akati areva izvozvo, mumwe mukadzi pakati pavanhu vazhinji akadanidzira, akati kwaari, “Rakaropafadzwa dumbu rakakutakurai, namazamu amakayamwa.”
Asi iye akati, “Hongu, zvikuru vakaropafadzwa vanonzwa shoko raMwari, vachirichengeta.”