Vanhu ndokuti, “Hatimbofa takafuratira Tenzi tichindonamata vamwe vamwari nokuti Tenzi, Mwari wedu ndiye akatiburitsa isu namadzibaba edu munyika yeIjipiti muuranda, akaita zviratidzo zvikuru zviya tichiona nameso edu. Akatichengeta murwendo rwedu rwose nomukati memarudzi mataipfuura namo. Tenzi akafanotidzingira marudzi ose navaAmoriwo vaigara munyika ino. Naizvozvo kana nesuwo tichanamata Tenzi nokuti ndiye Mwari wedu.” Asi Joshuwa akavati, “Hamungambokwanisi kushandira Tenzi imi nokuti iye ndiMwari mutsvene. NdiMwari weshanje. Haazokuregererai zvikanganiso nezvitadzo zvenyu. Chandinodariro ndechokuti mukazofuratira Tenzi mondonamata vamwari vasirivo achakupindukirai wokuitirai zvakaipa achakuparadzai iye ambenge achikukuitirai zvakanaka.” Vanhu vakati kuna Joshuwa, “Kwete. Tenzi ndiye watichanamata.” Joshuwa ndokuti kwavari, “Iyemi ndimi matova zvapupu zvokuzvipupurira pachenyu kuti masarudza kuti Tenzi ndiye wamuchanamata.” Vakati, “Hongu ndisu zvapupu zvacho.” Joshuwa ndokuti, “Saka chirasai vamwari vasirivo vamunavo, muise mwoyo wenyu kuna Tenzi, Mwari wavaIsiraeri.” Vanhu vakati kuna Joshuwa, “Tenzi Mwari wedu ndiye watichanamata, izwi rake ndiro ratichateerera.” Naizvozvo Joshuwa akaita chitenderano navanhu musi iwoyo, akavapa mitemo nemirao kuShikemu. Ipapo Joshuwa akanyora zvinhu izvozvi mubhuku romutemo waMwari. Akatora zidombo guru akaridzimikira pasi pomuti womuoku, pedyo nenzvimbo yaTenzi inoera. Joshuwa akataurira vanhu vose achiti, “Chionai, zidombo iri richava chapupu chokutipisa mhosva nokuti ranzwa zvose zvataurwa naTenzi kwatiri. Naizvozvo richava chapupu chokukupisai mhosva zvimwe mungadaro mukazoita zvokunyengedza Mwari wenyu.” Joshuwa akazoti vanhu vachienda zvavo kunyika dzenhaka dzavo vachiti uyu kwake uyu kwake. Mushure mezvinhu izvi, Joshuwa mwanakomana waNuni muranda waTenzi akafa ava nezana ramakore rina makore gumi. Vakamuviga munyika yenhaka yake kuTimunatisera munyika yaEfuraimu yemakomo kuchamhembe kwegomo reGaashi. VaIsiraeri vakanamata Tenzi panguva yose yaJoshuwa, napamazuva avakuru vakuru vakasiirwa naJoshuwa variko, vakanga vaona basa rose rakanga raitirwa vaIsiraeri naTenzi. Mapfupa aJosefi akanga aunzwa navaIsiraeri pavakabva kuIjipiti vakaaviga kuShikemu munzvimbo yakatengwa naJokobho kuna vaHamori baba waShikemu nezana remari yesirivha. Nzvimbo yacho yakazova nhaka yezvizvarwa zvokwaJosefi. Ereazari mwanakomana waAroni akafawo, vakamuviga kuGibhea muguta raFinehasi mwanakomana wake raakapiwa munyika yemakomo yeEfuraimu.
Verenga chikamu Joshuwa 24
Pakurirana nevamwe
Enzanisa mhando yose: Joshuwa 24:16-33
Chengetedza mavhesi, verenga usiri pamasaisai, wona mavhidhiyo ezvidzidzo uye zvakawanda!
Pekutangira
Bhaibheri
Zvirongwa
Mavideo