Joshua 24:16-33
Joshua 24:16-33 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Ipapo vanhu vakapindura vachiti, “Ngazvive kure nesu kuti tisiye Jehovha kuti tishumire vamwe vamwari! Jehovha Mwari wedu pachake, ndiye akatibudisa isu namadzibaba edu kubva muIjipiti, nyika youranda, uye akaita zviratidzo zvikuru zvatakaona. Akatidzivirira parwendo rwedu rwose rwatakafamba pakati pendudzi dzose dzatakapfuura nokwadziri. Uye Jehovha akadzinga pamberi pedu ndudzi dzose pamwe chete navaAmori vakanga vagere munyika ino. Nesuwo tichashumira Jehovha, nokuti ndiye Mwari wedu.” Joshua akapindura vanhu achiti, “Hamungagoni kushumira Jehovha. NdiMwari mutsvene; ndiMwari ane godo. Haangakukanganwirei kumumukira kwenyu nezvivi zvenyu. Kana mukarasa Jehovha, mukashumira vamwari vavatorwa, iye achakupindukirai agouyisa njodzi pamusoro penyu agokuparadzai.” Asi vanhu vakati kuna Joshua, “Kwete! Isu tichashumira Jehovha.” Ipapo Joshua akati, “Ndimi zvapupu zvezvamaita kuti masarudza kushumira Jehovha.” Ivo vakapindura vachiti: “Hongu, tiri zvapupu.” Joshua akati, “Naizvozvo rasai vamwari vavatorwa vari pakati penyu murerekere mwoyo yenyu kuna Jehovha Mwari waIsraeri.” Vanhu vakati kuna Joshua, “Tichashumira Jehovha Mwari wedu, uye tichamuteerera.” Pazuva iro Joshua akaitira vanhu sungano, akavadzikira mitemo nemirayiro ipapo paShekemu. Joshua akanyora mashoko aya mubhuku romurayiro waMwari. Ipapo akatora ibwe guru akariisa pasi pomuouki, pedyo nenzvimbo tsvene yaJehovha. Akati kuvanhu vose, “Tarirai! Ibwe iri richava chapupu pamusoro pedu. Ranzwa mashoko ose ataurwa naJehovha kwatiri. Richava chapupu pamusoro penyu kana musina kutendeka kuna Mwari wenyu.” Ipapo Joshua akaendesa vanhu, mumwe nomumwe kunhaka yake. Mushure mezvinhu izvi Joshua mwanakomana waNuni, muranda waJehovha, akafa ava namakore zana negumi. Uye vakamuviga munyika yenhaka yake, paTimunati Sera, munyika yamakomo yaEfuremu, nechokumusoro kweGomo reGaashi. VaIsraeri vakashumira Jehovha nguva dzose dzoupenyu hwaJoshua, uye napamazuva ose avakuru vakasara vari vapenyu Joshua afa, avo vakaona zvinhu zvose zvakanga zvaitirwa Israeri naJehovha. Mapfupa aJosefa, ayo akanga auyiwa nawo navana vaIsraeri kubva kuIjipiti, akavigwa paShekemu, munzvimbo yakanga yatengwa naJakobho kuvanakomana vaHamori, baba vaShekemu, nezana remari yesirivha. Iyi yakava nhaka yezvizvarwa zvaJosefa. Uye Ereazari mwanakomana waAroni akafa, akavigwa paGibhea munzvimbo yakanga yapiwa mwanakomana wake Finehasi, munyika yamakomo yaEfuremu.
Joshua 24:16-33 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Ipapo vanhu vakapindura vakati, “Mwari atibatsire, kuti tirege kurasha Jehovha tichishumira vamwe vamwari. Nokuti Jehovha Mwari wedu, ndiye wakatibudisa panyika yeIjipiti, isu namadzibaba edu, paimba youranda; ndiye wakaita zviratidzo zvikuru tichizviona, akatichengeta panzira yose yatakafamba nayo, napakati pendudzi dzose dzatakapfuura nokwadziri. Jehovha ndiye wakadzinga ndudzi dzose pamberi pedu, ivo vaAmori vakanga vagere munyika ino; naizvozvo nesuo tichashumira Jehovha, nokuti ndiye Mwari wedu.” Zvino Joshua akati kuvanhu, “Hamungagoni kushumira Jehovha, nokuti ndiMwari mutsvene, ndiMwari une godo, haangakukanganwiriyi kudarika kwenyu nezvivi zvenyu. Kana mukarasha Jehovha, mukashumira vamwari vavatorwa, iye uchakushandukirai nokukuitirai zvakaipa, nokukuparadzai, ambokuitirai zvakanaka.” Ipapo vanhu vakati kuna Joshua, “Kwete, asi tichashumira Jehovha.” Joshua akati kuvanhu, “Munozvipupurira kuti makatsaura Jehovha kuti mumushumirei. Ivo vakati, ‘Tiri zvapupu hedu.’ “Naizvozvo zvino rashai vamwari vavatorwa vari pakati penyu murerekere mwoyo yenyu kuna Jehovha Mwari waIsiraeri.” Vanhu vakati kuna Joshua, “Jehovha Mwari wedu ndiye watichashumira, tichateerera izwi rake.” Naizvozvo Joshua akaita sungano navanhu musi iwoyo, akavasimbisira mutemo nomurayiro. Joshua akanyora mashoko iwayo mubhuku yomurayiro waMwari, akatora ibwe guru, akarimisa pasi pomuouki, wakanga uri paimba tsvene yaJehovha. Joshua akati kuvanhu vose, “Tarirai, ibwe iri richakupupurirai, nokuti rakanzwa mashoko ose atakataura naJehovha; naizvozvo richakupupurirai, kuti murege kuzoramba Mwari wenyu.” Naizvozvo Joshua akaendisa vanhu, mumwe nomumwe akaenda kunhaka yake. Zvino shure kwaizvozvo Joshua mwanakomana waNuni, muranda waJehovha, wakafa, ava namakore ane zana negumi. Vakamuviga panyika yanhaka yake paTimunati‐sera, panyika yamakomo yaEfuremu, nechokumusoro kwegomo reGaashi. VaIsiraeri vakashumira Jehovha mazuva ose aJoshua, namazuva ose avakuru vakanga vachiri vapenyu Joshua atofa, ivo vakanga vakaziva mabasa ose akanga aitirwa vaIsiraeri naJehovha. Mapfupa aJosefa, akanga auya navana vaIsiraeri pakubuda kwavo Ijipiti, vakaaviga paShekemu, panzvimbo yenyika yakanga yatengwa naJakobho kuvana vaHamori, baba vaShekemu, nezana remari; ikazova nhaka yavana vaJosefa. Zvino Ereazari, mwanakomana waAroni, akafa, vakamuviga muchikomo chomwanakomana wake Pinehasi, chaakanga apiwa munyika yamakomo yaEfuremu.
Joshua 24:16-33 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Vanhu ndokuti, “Hatimbofa takafuratira Tenzi tichindonamata vamwe vamwari nokuti Tenzi, Mwari wedu ndiye akatiburitsa isu namadzibaba edu munyika yeIjipiti muuranda, akaita zviratidzo zvikuru zviya tichiona nameso edu. Akatichengeta murwendo rwedu rwose nomukati memarudzi mataipfuura namo. Tenzi akafanotidzingira marudzi ose navaAmoriwo vaigara munyika ino. Naizvozvo kana nesuwo tichanamata Tenzi nokuti ndiye Mwari wedu.” Asi Joshuwa akavati, “Hamungambokwanisi kushandira Tenzi imi nokuti iye ndiMwari mutsvene. NdiMwari weshanje. Haazokuregererai zvikanganiso nezvitadzo zvenyu. Chandinodariro ndechokuti mukazofuratira Tenzi mondonamata vamwari vasirivo achakupindukirai wokuitirai zvakaipa achakuparadzai iye ambenge achikukuitirai zvakanaka.” Vanhu vakati kuna Joshuwa, “Kwete. Tenzi ndiye watichanamata.” Joshuwa ndokuti kwavari, “Iyemi ndimi matova zvapupu zvokuzvipupurira pachenyu kuti masarudza kuti Tenzi ndiye wamuchanamata.” Vakati, “Hongu ndisu zvapupu zvacho.” Joshuwa ndokuti, “Saka chirasai vamwari vasirivo vamunavo, muise mwoyo wenyu kuna Tenzi, Mwari wavaIsiraeri.” Vanhu vakati kuna Joshuwa, “Tenzi Mwari wedu ndiye watichanamata, izwi rake ndiro ratichateerera.” Naizvozvo Joshuwa akaita chitenderano navanhu musi iwoyo, akavapa mitemo nemirao kuShikemu. Ipapo Joshuwa akanyora zvinhu izvozvi mubhuku romutemo waMwari. Akatora zidombo guru akaridzimikira pasi pomuti womuoku, pedyo nenzvimbo yaTenzi inoera. Joshuwa akataurira vanhu vose achiti, “Chionai, zidombo iri richava chapupu chokutipisa mhosva nokuti ranzwa zvose zvataurwa naTenzi kwatiri. Naizvozvo richava chapupu chokukupisai mhosva zvimwe mungadaro mukazoita zvokunyengedza Mwari wenyu.” Joshuwa akazoti vanhu vachienda zvavo kunyika dzenhaka dzavo vachiti uyu kwake uyu kwake. Mushure mezvinhu izvi, Joshuwa mwanakomana waNuni muranda waTenzi akafa ava nezana ramakore rina makore gumi. Vakamuviga munyika yenhaka yake kuTimunatisera munyika yaEfuraimu yemakomo kuchamhembe kwegomo reGaashi. VaIsiraeri vakanamata Tenzi panguva yose yaJoshuwa, napamazuva avakuru vakuru vakasiirwa naJoshuwa variko, vakanga vaona basa rose rakanga raitirwa vaIsiraeri naTenzi. Mapfupa aJosefi akanga aunzwa navaIsiraeri pavakabva kuIjipiti vakaaviga kuShikemu munzvimbo yakatengwa naJokobho kuna vaHamori baba waShikemu nezana remari yesirivha. Nzvimbo yacho yakazova nhaka yezvizvarwa zvokwaJosefi. Ereazari mwanakomana waAroni akafawo, vakamuviga kuGibhea muguta raFinehasi mwanakomana wake raakapiwa munyika yemakomo yeEfuraimu.
Joshua 24:16-33 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Ipapo ʋanhu ʋakapindura ʋakati: Mŋari atiɓatsire, kuti tirege kurasha Jehova ticishumira ʋamŋe ʋamŋari. Nokuti Jehova Mŋari weɗu, ndiye wakatiɓuɗisa panyika yeEgipita, isu namadziɓaɓa eɗu, paimba yoʋuranda; ndiye wakaita ɀiratidzo ɀikuru ticiɀiʋona, akaticeŋgeta panzira yose yatakafamba nayo, napakati pendudzi dzose dzatakapfuʋura nokwadziri. Jehova ndiye wakadziŋga ndudzi dzose pamberi peɗu, iʋo ʋaAmori ʋakaŋga ʋagere munyika ino; naiɀoɀo nesu ʋo ticashumira Jehova, nokuti ndiye Mŋari weɗu. Ɀino Joshua akati kuʋanhu: Hamuŋgagoni kushumira Jehova, nokuti ndiMŋari mutȿene, ndiMŋari unegoɗo, haaŋgakukaŋganwiriyi kuɗarika kwenyu neɀiʋi ɀenyu. Kana mukarasha Jehova, mukashumira ʋamŋari ʋaʋatorwa, iye ucakushandukirai nokukuitirai ɀakaipa, nokukuparadzai, ambokuitirai ɀakanaka. Ipapo ʋanhu ʋakati kunaJoshua: Kwete, asi ticashumira Jehova. Joshua akati kuʋanhu: Munoɀipupurira kuti makatsaura Jehova kuti mumushumirei. Iʋo ʋakati: Tiri ɀapupu heɗu. Naiɀoɀo ɀino rashai ʋamŋari ʋaʋatorwa ʋari pakati penyu, murerekere mŋoyo yenyu kunaJehova Mŋari waIsraeri. Ʋanhu ʋakati kunaJoshua: Jehova Mŋari weɗu ndiye waticashumira, ticaterera inzwi rake. Naiɀoɀo Joshua akaita suŋgano naʋanhu musi iwoyo, akaʋasimbisira mutemo nomurairo paShekemi. Joshua akanyora mashoko iwayo mubuku yomurairo waMŋari, akatora ibge guru, akarimisa pasi pomuouki, wakaŋga uri paimba tȿene yaJehova. Joshua akati kuʋanhu ʋose: Tarirai, ibge iri ricakupupurirai, nokuti rakanzwa mashoko ose atakataura naJehova; naiɀoɀo ricakupupurirai, kuti murege kuzoramba Mŋari wenyu. Naiɀoɀo Joshua akaendisa ʋanhu, mumŋe nomumŋe akaenda kunhaka yake. Ɀino shure kwaiɀoɀo Joshua mŋanakomana waNuni, muranda waJehova, wakafa, aʋa namakore anezana negumi. Ʋakamuʋiga panyika yenhaka yake paTimnati‐sera, panyika yamakomo yaEfraimi, necokumsoro kwegomo reGaashi. ƲaIsraeri ʋakashumira Jehova mazuʋa ose aJoshua, namazuʋa ose aʋakuru ʋakaŋga ʋaciri ʋapenyu Joshua atofa, iʋo ʋakaŋga ʋakaziʋa maɓasa ose akaŋga aitirwa ʋaIsraeri naJehova. Mafupa aJosefa, akaŋga aʋuya naʋana ʋaIsraeri pakuɓuɗa kwaʋo Egipita, ʋakaaʋiga paShekemi, panɀimbo yenyika yakaŋga yateŋgwa naJakobo kuʋana ʋaHamori, ɓaɓa ʋaShekemi, nezana remari; ikazoʋa nhaka yaʋana ʋaJosefa. Ɀino Ereazari, mŋanakomana waAroni, akafa, ʋakamuʋiga mucikomo comŋanakomana wake Pinehasi, caakaŋga apiwa munyika yamakomo yaEfraimi.
Joshua 24:16-33 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)