Ipapo ʋanhu ʋakapindura ʋakati: Mŋari atiɓatsire, kuti tirege kurasha Jehova ticishumira ʋamŋe ʋamŋari. Nokuti Jehova Mŋari weɗu, ndiye wakatiɓuɗisa panyika yeEgipita, isu namadziɓaɓa eɗu, paimba yoʋuranda; ndiye wakaita ɀiratidzo ɀikuru ticiɀiʋona, akaticeŋgeta panzira yose yatakafamba nayo, napakati pendudzi dzose dzatakapfuʋura nokwadziri. Jehova ndiye wakadziŋga ndudzi dzose pamberi peɗu, iʋo ʋaAmori ʋakaŋga ʋagere munyika ino; naiɀoɀo nesu ʋo ticashumira Jehova, nokuti ndiye Mŋari weɗu. Ɀino Joshua akati kuʋanhu: Hamuŋgagoni kushumira Jehova, nokuti ndiMŋari mutȿene, ndiMŋari unegoɗo, haaŋgakukaŋganwiriyi kuɗarika kwenyu neɀiʋi ɀenyu. Kana mukarasha Jehova, mukashumira ʋamŋari ʋaʋatorwa, iye ucakushandukirai nokukuitirai ɀakaipa, nokukuparadzai, ambokuitirai ɀakanaka. Ipapo ʋanhu ʋakati kunaJoshua: Kwete, asi ticashumira Jehova. Joshua akati kuʋanhu: Munoɀipupurira kuti makatsaura Jehova kuti mumushumirei. Iʋo ʋakati: Tiri ɀapupu heɗu. Naiɀoɀo ɀino rashai ʋamŋari ʋaʋatorwa ʋari pakati penyu, murerekere mŋoyo yenyu kunaJehova Mŋari waIsraeri. Ʋanhu ʋakati kunaJoshua: Jehova Mŋari weɗu ndiye waticashumira, ticaterera inzwi rake. Naiɀoɀo Joshua akaita suŋgano naʋanhu musi iwoyo, akaʋasimbisira mutemo nomurairo paShekemi.
Joshua akanyora mashoko iwayo mubuku yomurairo waMŋari, akatora ibge guru, akarimisa pasi pomuouki, wakaŋga uri paimba tȿene yaJehova. Joshua akati kuʋanhu ʋose: Tarirai, ibge iri ricakupupurirai, nokuti rakanzwa mashoko ose atakataura naJehova; naiɀoɀo ricakupupurirai, kuti murege kuzoramba Mŋari wenyu. Naiɀoɀo Joshua akaendisa ʋanhu, mumŋe nomumŋe akaenda kunhaka yake.
Ɀino shure kwaiɀoɀo Joshua mŋanakomana waNuni, muranda waJehova, wakafa, aʋa namakore anezana negumi. Ʋakamuʋiga panyika yenhaka yake paTimnati‐sera, panyika yamakomo yaEfraimi, necokumsoro kwegomo reGaashi. ƲaIsraeri ʋakashumira Jehova mazuʋa ose aJoshua, namazuʋa ose aʋakuru ʋakaŋga ʋaciri ʋapenyu Joshua atofa, iʋo ʋakaŋga ʋakaziʋa maɓasa ose akaŋga aitirwa ʋaIsraeri naJehova. Mafupa aJosefa, akaŋga aʋuya naʋana ʋaIsraeri pakuɓuɗa kwaʋo Egipita, ʋakaaʋiga paShekemi, panɀimbo yenyika yakaŋga yateŋgwa naJakobo kuʋana ʋaHamori, ɓaɓa ʋaShekemi, nezana remari; ikazoʋa nhaka yaʋana ʋaJosefa. Ɀino Ereazari, mŋanakomana waAroni, akafa, ʋakamuʋiga mucikomo comŋanakomana wake Pinehasi, caakaŋga apiwa munyika yamakomo yaEfraimi.