Ipapo vanhu vakapindura vakati, “Mwari atibatsire, kuti tirege kurasha Jehovha tichishumira vamwe vamwari. Nokuti Jehovha Mwari wedu, ndiye wakatibudisa panyika yeIjipiti, isu namadzibaba edu, paimba youranda; ndiye wakaita zviratidzo zvikuru tichizviona, akatichengeta panzira yose yatakafamba nayo, napakati pendudzi dzose dzatakapfuura nokwadziri. Jehovha ndiye wakadzinga ndudzi dzose pamberi pedu, ivo vaAmori vakanga vagere munyika ino; naizvozvo nesuo tichashumira Jehovha, nokuti ndiye Mwari wedu.”
Zvino Joshua akati kuvanhu, “Hamungagoni kushumira Jehovha, nokuti ndiMwari mutsvene, ndiMwari une godo, haangakukanganwiriyi kudarika kwenyu nezvivi zvenyu. Kana mukarasha Jehovha, mukashumira vamwari vavatorwa, iye uchakushandukirai nokukuitirai zvakaipa, nokukuparadzai, ambokuitirai zvakanaka.”
Ipapo vanhu vakati kuna Joshua, “Kwete, asi tichashumira Jehovha.”
Joshua akati kuvanhu, “Munozvipupurira kuti makatsaura Jehovha kuti mumushumirei. Ivo vakati, ‘Tiri zvapupu hedu.’
“Naizvozvo zvino rashai vamwari vavatorwa vari pakati penyu murerekere mwoyo yenyu kuna Jehovha Mwari waIsiraeri.” Vanhu vakati kuna Joshua, “Jehovha Mwari wedu ndiye watichashumira, tichateerera izwi rake.” Naizvozvo Joshua akaita sungano navanhu musi iwoyo, akavasimbisira mutemo nomurayiro.
Joshua akanyora mashoko iwayo mubhuku yomurayiro waMwari, akatora ibwe guru, akarimisa pasi pomuouki, wakanga uri paimba tsvene yaJehovha. Joshua akati kuvanhu vose, “Tarirai, ibwe iri richakupupurirai, nokuti rakanzwa mashoko ose atakataura naJehovha; naizvozvo richakupupurirai, kuti murege kuzoramba Mwari wenyu.” Naizvozvo Joshua akaendisa vanhu, mumwe nomumwe akaenda kunhaka yake.
Zvino shure kwaizvozvo Joshua mwanakomana waNuni, muranda waJehovha, wakafa, ava namakore ane zana negumi. Vakamuviga panyika yanhaka yake paTimunati‐sera, panyika yamakomo yaEfuremu, nechokumusoro kwegomo reGaashi. VaIsiraeri vakashumira Jehovha mazuva ose aJoshua, namazuva ose avakuru vakanga vachiri vapenyu Joshua atofa, ivo vakanga vakaziva mabasa ose akanga aitirwa vaIsiraeri naJehovha.
Mapfupa aJosefa, akanga auya navana vaIsiraeri pakubuda kwavo Ijipiti, vakaaviga paShekemu, panzvimbo yenyika yakanga yatengwa naJakobho kuvana vaHamori, baba vaShekemu, nezana remari; ikazova nhaka yavana vaJosefa.
Zvino Ereazari, mwanakomana waAroni, akafa, vakamuviga muchikomo chomwanakomana wake Pinehasi, chaakanga apiwa munyika yamakomo yaEfuremu.