Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Joshuwa 24

24
C: MUSANGANO MUKURU WEZVOKUNAMATA KUSHIKEMU
1Joshuwa akaunganidza madzinza ose avaIsiraeri kuShikemu. Akadaidzawo vakuru vakuru vavo navatungamiriri vavo navatongi namachinda eIsiraeri, vakauya pana Mwari. 2Joshuwa akataurira vanhu vose ivava achiti, “Zvanzi naTenzi Mwari wavaIsiraeri, ‘Madzitateguru enyu aigara kumhiri kwaYufuratesi, Tera baba waAbhurahamu naNahori vainamata vamwe vamwari. 3Ndakazotora tateguru wenyu Abhurahamu kumhiri kwerwizi ndikamufambisa nenyika yose yeKanani ndikamupa vana vakawanda. Ndakamupa Isaki, 4Isaki ndikamupawo Jakobho naEsau. Ndakapa nyika yeSeiri yamakomo kuna Esau kuti ive yake, asi Jakobho navana vake vakadzika kuIjipiti. 5Ndakatumirako Mosesi naAroni, ndikaonesa Ijipiti nhamo nezvandakaita mukati mayo shure kwaizvozvo, ndikazokuburitsaiko. 6Ndakaburitsa madzibaba enyu muIjipiti mukasvika kugungwa. VaIjipiti vakaronda madzibaba enyu nengoro dzavo dzehondo dzamabhiza navachairi vadzo kusvikira kugungwa Dzvuku. 7Vakachema kuna Tenzi kuti avabatsire, akabva aisa rima rakati ndo-o pakati penyu navaIjipiti. Akaunza gungwa akavafushira naro. Imi nameso enyu makaona zvandakaita kuIjipiti. Makazogara murenje kwenguva ndefu. 8Ndakakuunzai kunyika yavaAmori vaigara kumhiri kwaJorodhani. Vakakurwisai, asi ndakavaisa mumaoko enyu, ndakakuparadzirai vanhu ivavo, imi mukavatorera nyika yavo kuti ive yenyu. 9Kwakazomuka mambo weMoabhu, Bharaki mwanakomana wavaZipori akarwisa vaIsiraeri akatumira nhume kundodaidza Bhiriamu mwanakomana waBheori kuti arengererei rushambwa. 10Asi ndakaramba kuteerera Bhiriamu, akatokukomborerai kwazvo kwazvo ndikakununurai mumaoko ake. 11Makazoyambuka Jorodhani mukasvika kuJeriko. Machinda okuJeriko akakurwisai sezvakazoitwawo navaAmori navaPerizi navaKanani navaHiti navaGirigashi navaHivhi navaJebhusi ndakavaisa mumaoko enyu. 12Ndakafanotumira madzimambo maviri aya avaAmori mweya wokutyai imi samago, vakafanokutizai. Haasi mapakatwa enyu kana miseve yenyu yakaita izvozvi. 13Ndakakupai minda yamusina kumbounda namaguta amusina kuvaka mamugere, muchidya zvenyu michero yeminda yemigirepisi neyemiorivhi yamusina kumbosima.’
14“Saka zvino ityai Tenzi mumunamate nomwoyo wose muchokwadi, rasai vamwari vainamatwa namadzitateguru enyu kumhiri kwerwizi kuya nokuIjipiti, munamate Tenzi. 15Kana imi musingadi kunamata Tenzi chisarudzai nhasi uno wamunoda kunamata pana vamwari vainamatwa namadzibaba enyu kumhiri kwerwizi kana vamwari vavaAmori vomunyika ino yamugere. Asi ini nemhuri yangu tichanamata Tenzi.”
16Vanhu ndokuti, “Hatimbofa takafuratira Tenzi tichindonamata vamwe vamwari 17nokuti Tenzi, Mwari wedu ndiye akatiburitsa isu namadzibaba edu munyika yeIjipiti muuranda, akaita zviratidzo zvikuru zviya tichiona nameso edu. Akatichengeta murwendo rwedu rwose nomukati memarudzi mataipfuura namo. 18Tenzi akafanotidzingira marudzi ose navaAmoriwo vaigara munyika ino. Naizvozvo kana nesuwo tichanamata Tenzi nokuti ndiye Mwari wedu.” 19Asi Joshuwa akavati, “Hamungambokwanisi kushandira Tenzi imi nokuti iye ndiMwari mutsvene. NdiMwari weshanje. Haazokuregererai zvikanganiso nezvitadzo zvenyu. 20Chandinodariro ndechokuti mukazofuratira Tenzi mondonamata vamwari vasirivo achakupindukirai wokuitirai zvakaipa achakuparadzai iye ambenge achikukuitirai zvakanaka.”
21Vanhu vakati kuna Joshuwa, “Kwete. Tenzi ndiye watichanamata.”
22Joshuwa ndokuti kwavari, “Iyemi ndimi matova zvapupu zvokuzvipupurira pachenyu kuti masarudza kuti Tenzi ndiye wamuchanamata.” Vakati, “Hongu ndisu zvapupu zvacho.”
23Joshuwa ndokuti, “Saka chirasai vamwari vasirivo vamunavo, muise mwoyo wenyu kuna Tenzi, Mwari wavaIsiraeri.”
24Vanhu vakati kuna Joshuwa, “Tenzi Mwari wedu ndiye watichanamata, izwi rake ndiro ratichateerera.”
25Naizvozvo Joshuwa akaita chitenderano navanhu musi iwoyo, akavapa mitemo nemirao kuShikemu. 26Ipapo Joshuwa akanyora zvinhu izvozvi mubhuku romutemo waMwari. Akatora zidombo guru akaridzimikira pasi pomuti womuoku, pedyo nenzvimbo yaTenzi inoera. 27Joshuwa akataurira vanhu vose achiti, “Chionai, zidombo iri richava chapupu chokutipisa mhosva nokuti ranzwa zvose zvataurwa naTenzi kwatiri. Naizvozvo richava chapupu chokukupisai mhosva zvimwe mungadaro mukazoita zvokunyengedza Mwari wenyu.” 28Joshuwa akazoti vanhu vachienda zvavo kunyika dzenhaka dzavo vachiti uyu kwake uyu kwake.
Rufu rwaJoshuwa norwaEreazari
29Mushure mezvinhu izvi, Joshuwa mwanakomana waNuni muranda waTenzi akafa ava nezana ramakore rina makore gumi. 30Vakamuviga munyika yenhaka yake kuTimunatisera munyika yaEfuraimu yemakomo kuchamhembe kwegomo reGaashi. 31VaIsiraeri vakanamata Tenzi panguva yose yaJoshuwa, napamazuva avakuru vakuru vakasiirwa naJoshuwa variko, vakanga vaona basa rose rakanga raitirwa vaIsiraeri naTenzi.
32Mapfupa aJosefi akanga aunzwa navaIsiraeri pavakabva kuIjipiti vakaaviga kuShikemu munzvimbo yakatengwa naJokobho kuna vaHamori baba waShikemu nezana remari yesirivha. Nzvimbo yacho yakazova nhaka yezvizvarwa zvokwaJosefi.
33Ereazari mwanakomana waAroni akafawo, vakamuviga kuGibhea muguta raFinehasi mwanakomana wake raakapiwa munyika yemakomo yeEfuraimu.

Zvasarudzwa nguva ino

Joshuwa 24: SCLBD

Sarudza vhesi

Pakurirana nevamwe

Sarudza zvinyorwa izvi

None

Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda