Adhonizedheki mambo weJerusaremu akanzwawo kuti Joshuwa akatora guta reAi rikava mumaoko ake, uye kuti akanga anyatsoriparadza achinzwawo kuti Joshuwa akaita kuguta reAi namambo waro zvaakanga aita kuguta reJeriko namambo waro. Akanzwawo kuti vanhu vokuGibheoni vakanga vava kutowirirana zvavo navaIsiraeri uye kuti vava kutogarisana navo savavakidzani. Zvakamutyisa zvikuru nokuti guta reGibheoni raiva guta guru kwazvo, rakatoita seguta guru ramambo, rakakura zvokupfuura guta reAi. Varume vose vomo vakanga vari mvumba chaidzo dzokurwa hondo. Naizvozvo Adhonizedheki mambo weJerusaremu akatuma nhume kuna Hohamu, mambo weHebhuroni, nokuna Piramu, mambo weJarimuti, nokuna Jafia, mambo weRakishi, nokuna Dhebhiri, mambo weEgironi achiti, “Uyai muzondibatsirawo tirwise guta reGibheoni nokuti rakatowirirana zvaro naJoshuwa navaIsiraeri.” Madzimambo mashanu iwaya avaAmori aiti mambo weJerusaremu namambo weHebhuroni, namambo weJarimuti namambo weRakishi namambo weEgironi vakaunganidzana ndokukwira nehondo dzavo dzose kundokomberana kurwisa guta reGibheoni.
Vanhu vokuGibheoni vakatuma nhume kuna Joshuwa kuGirigari kwavakanga vakadzika matendhe vachiti, “Matiregerera kuno isu varanda venyu. Uyai kuno nokukurumidza muzotinunura, mutibatsirewo nokuti madzimambo ose avaAmori vanogara munyika yamakomo vakokorodzana kuzotirwisa.”
Joshuwa akabva kuGirigari akakwira ikoko. Akaendako nehondo yake yose, varume vose vaya vaiva mvumba dzokurwa hondo. Tenzi akati kuna Joshuwa, “Usambovatya zvako nokuti ndatovaisa mumaoko ako. Hakuna nomumwe wavo achagona kumirisana newe.” Joshuwa akaerekana ati pfacha kusvika pavari, avavinga kubva kuGirigari nousiku. Tenzi akavapinza mweya wokutya vaIsiraeri. VaIsiraeri vakavaita murakatira kuuraya paGibheoni ipapo vakavadzingirira kusvikira kumukwidza weBhetihoroni vachingovakatakazha kudzamara vasvika kuAzeka nokuMakedha. Pavaingunotiza vaIsiraeri kudai, voteremuka zvino nomutenure weBhetihoroni, Tenzi akanayisa mhitsa dzechivhuramahwe pavari kusvikira kuAzeka, vakafa. Vanhu vakaurayiwa nechivhuramahwe ichi vakanga vakawanda kupfuura vanhu vakaurayiwa navaIsiraeri namapakatwa.
Pazuva iroro rakaiswa vaAmori mumaoko avaIsiraeri naTenzi, Joshuwa akataurira Tenzi vaIsiraeri vachinzwa achiti,
“Iwe zuva pano paGibheoni iti mbikiti kumira,
newe mwedzi iti ndi kumira padunhu rino reAjaroti.
Zuva rakati mbikiti kumirapo.
Mwedzi ukatiwo ndi kumira
kusvikira vaIsiraeri vapedza
vavengi vavo kutsividza.”
Handiti izvozvi zvakanyorwa muBhuku raJashari here? Zuva rakaramba rakati mbikiti panguva yarinorova nhongonya, rikarega kukurumidza kudoka, kwezuva rose. Hakuna kumbova nezuva rakadai kubvira pasi chigare kana shure kwaizvozvo rokuti Tenzi akateerera munhu, nokuti Tenzi akarwira vaIsiraeri.