Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Joshua 10:1-14

Joshua 10:1-14 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)

Zvino Adhoni-Zedheki mambo weJerusarema akanzwa kuti Joshua akanga atora Ai akariparadza zvachose, akaitira Ai namambo waro sezvaakanga aitira Jeriko namambo wayo, uye kuti vanhu veGibheoni vakanga vaita sungano yorugare navaIsraeri uye kuti vaigara pedyo navo. Iye navanhu vake vakavhundutswa kwazvo nazvo, nokuti Gibheoni rakanga riri guta guru, rakaita serimwe ramaguta oumambo; rakanga riri guru kupfuura Ai, uye varume varo vose vaiva mhare pakurwa. Naizvozvo Adhoni-Zedheki mambo weJerusarema akatuma nhume kuna Hohani mambo weHebhuroni, nokuna Piramu mambo weJarumuti, nokuna Jafia mambo weRakishi nokuna Dhebhiri mambo weEgironi. Akati, “Uyai kuno mundibatsire kurwisa Gibheoni, nokuti vakaita sungano yorugare naJoshua navaIsraeri.” Ipapo madzimambo mashanu avaAmori, madzimambo eJerusarema, neHebhuroni, neJarumuti, neRakishi neEgironi, vakaunganidza varwi vavo. Vakaenda nehondo dzavo dzose vakavaka musasa pamberi peGibheoni, vakairwisa. Zvino vaGibheoni vakatuma nhume kuna Joshua kumusasa waiva paGirigari, vachiti, “Musasiya henyu varanda venyu. Uyai kuno kwatiri nokukurumidza muzotiponesa! Tibatsirei, nokuti madzimambo ose avaAmori vanogara munyika yamakomo vaungana kuti vatirwise.” Naizvozvo Joshua akafamba achibva paGirigari, iye navarwi vose vaaiva navo, navarume vose vesimba noumhare. Jehovha akati kuna Joshua, “Usavatya; ndavaisa mumaoko ako. Hapana kana mumwe wavo achagona kumira pamberi pako.” Naizvozvo Joshua akavarwisa vasingafungiri, shure kwokunge afamba achibva kuGirigari usiku hwose. Zvino Jehovha akaita kuti vavhunduke pamberi pavaIsraeri, avo vakavauraya nokuuraya kukuru paGibheoni, vakavadzingirira nenzira inoenda kuBheti Horoni, vakavaparadza kusvikira kuAzeka nokuMakedha. Pavaitiza pamberi pavaIsraeri nenzira yaidzika kubva kuBheti Horoni ichienda kuAzeka, Jehovha akakanda pamusoro pavo matombo makuru akanga achibva kudenga, vazhinji vavo vakafa nechimvuramabwe kupfuura avo vakaurayiwa neminondo yavaIsraeri. Pazuva iro Jehovha akapa vaAmori kuvaIsraeri, Joshua akati kuna Jehovha pamberi pavaIsraeri: “Iwe zuva, mira pamusoro peGibheoni, Iwe mwedzi, pamusoro pemupata weAijaroni.” Naizvozvo zuva rakamira, nomwedziwo ukamira, kusvikira rudzi rwatsiva vavengi varwo, sezvazvakanyorwa muBhuku raJashari. Zuva rakamira pakati pedenga rikanonoka kuvira kwenguva ingaita zuva rose. Hakuna kumboita zuva rakaita seiri nguva yakapfuura kana yakatevera, pazuva iri Jehovha akateerera munhu. Zvirokwazvo Jehovha akanga achirwira Israeri!

Pakurirana nevamwe
Verenga chikamu Joshua 10

Joshua 10:1-14 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)

Zvino Adhoni‐zedheki, mambo weJerusaremu, wakati achinzwa kuti Joshua wakakunda Ai, akariparadza chose, uye kuti wakaitira Ai namambo waro sezvaakaitira Jeriko namambo waro, uye kuti vanhu veGibheoni vakanga vayanana navaIsiraeri, vakagara pakati pavo; vakatya kwazvo, nokuti Gibheoni rakanga riri guta guru, rakanga rakaita somumwe wemizinda yamambo; uye nokuti rakanga riri guru kupfuura Ai, navarume varo vose vakanga vane simba. Naizvozvo Adhoni‐zedheki, mambo weJerusaremu, akatuma nhume kuna Hohami, mambo weHebhuroni, nokuna Pirami, mambo weJarimuti, nokuna Jafia, mambo weRakishi, nokuna Dhebhiri, mambo weEgironi, akati, “Kwirai kwandiri, mundibatsire, tirwe navaGibheoni, nokuti vakayanana naJoshua navana vaIsiraeri.” Naizvozvo madzimambo mashanu avaAmori, vaiti mambo weJerusaremu, namambo weHebhuroni, namambo weJarimuti, namambo weRakishi, namambo weEgironi vakaungana, vakaenda ivo nehondo dzavo dzose, vakavaka misasa yavo pamberi peGibheoni, vakarwa naro. Ipapo varume veGibheoni vakatuma nhume kuna Joshua kumisasa yakanga iri paGirigari, vakati, “Musaregerera henyu varanda venyu; kurumidzai mukwire kwatiri, mutirwire nokutibatsira, nokuti madzimambo ose avaAmori vagere munyika yamakomo vakatiunganira kuzorwa nesu.” Ipapo Joshua akakwira achibva Girigari, iye navanhu vose vehondo vaakanga anavo, navarume vose vaiva nesimba noumhare. Jehovha akati kuna Joshua, “Usavatya, nokuti ndavaisa mumaoko ako; hakuna munhu uchagona kumira pamberi pako.” Naizvozvo Joshua akavarwira pakarepo; akafamba usiku hwose achibva Girigari. Zvino Jehovha akavavhundusa pamberi paIsiraeri, akavauraya nokuuraya kukuru paGibheoni, akavadzingirira nenzira yaikwira Bheti‐horoni, akavaparadza kusvikira Azeka, nokusvikira Makedha. Zvino vakati vachitiza pamberi pavaIsiraeri, vari pamatenusirwa anoburukira Bheti‐horoni, Jehovha akakanda pamusoro pavo mabwe makuru akanga achibva kudenga, kusvikira Azeka, vakafa; ivo, vakafa nechimvuramabwe, vakanga vari vazhinji kuna vakaurawa neminondo navana vaIsiraeri. Zvino Joshua akataura naJehovha nomusi Jehovha waakaisa vaAmori mumaoko avana vaIsiraeri, akati pamberi pavaIsiraeri, “Iwe zuva mira pamusoro peGibheoni, Newe mwedzi pamupata weAjaroni.” Zuva rikamira, nomwedzi ukarambirapo, Kusvikira rudzi rwatsiva vavengi varwo. Izvi hazvina kunyorwa here mubhuku yaJashari? Zuva rikaramba rimire pakati pedenga, rikasakurumidza kuvira nguva yakaita sezuva rose. Hakuna kumbova nezuva rakadaro kubva pakutanga kana shure kwaro, kuti Jehovha wakateerera izwi romunhu; nokuti Jehovha wakarwira vaIsiraeri.

Pakurirana nevamwe
Verenga chikamu Joshua 10

Joshua 10:1-14 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)

Adhonizedheki mambo weJerusaremu akanzwawo kuti Joshuwa akatora guta reAi rikava mumaoko ake, uye kuti akanga anyatsoriparadza achinzwawo kuti Joshuwa akaita kuguta reAi namambo waro zvaakanga aita kuguta reJeriko namambo waro. Akanzwawo kuti vanhu vokuGibheoni vakanga vava kutowirirana zvavo navaIsiraeri uye kuti vava kutogarisana navo savavakidzani. Zvakamutyisa zvikuru nokuti guta reGibheoni raiva guta guru kwazvo, rakatoita seguta guru ramambo, rakakura zvokupfuura guta reAi. Varume vose vomo vakanga vari mvumba chaidzo dzokurwa hondo. Naizvozvo Adhonizedheki mambo weJerusaremu akatuma nhume kuna Hohamu, mambo weHebhuroni, nokuna Piramu, mambo weJarimuti, nokuna Jafia, mambo weRakishi, nokuna Dhebhiri, mambo weEgironi achiti, “Uyai muzondibatsirawo tirwise guta reGibheoni nokuti rakatowirirana zvaro naJoshuwa navaIsiraeri.” Madzimambo mashanu iwaya avaAmori aiti mambo weJerusaremu namambo weHebhuroni, namambo weJarimuti namambo weRakishi namambo weEgironi vakaunganidzana ndokukwira nehondo dzavo dzose kundokomberana kurwisa guta reGibheoni. Vanhu vokuGibheoni vakatuma nhume kuna Joshuwa kuGirigari kwavakanga vakadzika matendhe vachiti, “Matiregerera kuno isu varanda venyu. Uyai kuno nokukurumidza muzotinunura, mutibatsirewo nokuti madzimambo ose avaAmori vanogara munyika yamakomo vakokorodzana kuzotirwisa.” Joshuwa akabva kuGirigari akakwira ikoko. Akaendako nehondo yake yose, varume vose vaya vaiva mvumba dzokurwa hondo. Tenzi akati kuna Joshuwa, “Usambovatya zvako nokuti ndatovaisa mumaoko ako. Hakuna nomumwe wavo achagona kumirisana newe.” Joshuwa akaerekana ati pfacha kusvika pavari, avavinga kubva kuGirigari nousiku. Tenzi akavapinza mweya wokutya vaIsiraeri. VaIsiraeri vakavaita murakatira kuuraya paGibheoni ipapo vakavadzingirira kusvikira kumukwidza weBhetihoroni vachingovakatakazha kudzamara vasvika kuAzeka nokuMakedha. Pavaingunotiza vaIsiraeri kudai, voteremuka zvino nomutenure weBhetihoroni, Tenzi akanayisa mhitsa dzechivhuramahwe pavari kusvikira kuAzeka, vakafa. Vanhu vakaurayiwa nechivhuramahwe ichi vakanga vakawanda kupfuura vanhu vakaurayiwa navaIsiraeri namapakatwa. Pazuva iroro rakaiswa vaAmori mumaoko avaIsiraeri naTenzi, Joshuwa akataurira Tenzi vaIsiraeri vachinzwa achiti, “Iwe zuva pano paGibheoni iti mbikiti kumira, newe mwedzi iti ndi kumira padunhu rino reAjaroti. Zuva rakati mbikiti kumirapo. Mwedzi ukatiwo ndi kumira kusvikira vaIsiraeri vapedza vavengi vavo kutsividza.” Handiti izvozvi zvakanyorwa muBhuku raJashari here? Zuva rakaramba rakati mbikiti panguva yarinorova nhongonya, rikarega kukurumidza kudoka, kwezuva rose. Hakuna kumbova nezuva rakadai kubvira pasi chigare kana shure kwaizvozvo rokuti Tenzi akateerera munhu, nokuti Tenzi akarwira vaIsiraeri.

Pakurirana nevamwe
Verenga chikamu Joshua 10

Joshua 10:1-14 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)

Ɀino Adoni‐zedeki, mambo weJerusarema, wakati acinzwa kuti Joshua wakakunda Ai, akariparadza cose, ʋuye kuti wakaitira Ai namambo waro seɀaakaitira Jeriko namambo waro, ʋuye kuti ʋanhu ʋeGibeoni ʋakaŋga ʋayanana naʋaIsraeri, ʋakagara pakati paʋo; ʋakatya kwaɀo, nokuti Gibeoni rakaŋga riri guta guru, rakaŋga rakaita somumŋe wemizinda yamambo; ʋuye nokuti rakaŋga riri guru kupfuʋura Ai, naʋarume ʋaro ʋose ʋakaŋga ʋanesimba. Naiɀoɀo Adoni‐zedeki, mambo weJerusarema, akatuma nhume kunaHohami, mambo weHebroni, nokunaPirami, mambo weJarmuti, nokunaJafia, mambo weRakishi, nokunaDebiri, mambo weEgroni, akati: Kwirai kwandiri, mundiɓatsire, tirwe naʋaGibeoni, nokuti ʋakayanana naJoshua naʋana ʋaIsraeri. Naiɀoɀo madzimambo mashanu aʋaAmori, ʋaiti mambo weJerusarema, namambo weHebroni, namambo weJarmuti, namambo weRakishi, namambo weEgroni ʋakaʋuŋgana, ʋakaenda iʋo nehondo dzaʋo dzose, ʋakaʋaka misasa yaʋo pamberi peGibeoni, ʋakarwa naro. Ipapo ʋarume ʋeGibeoni ʋakatuma nhume kunaJoshua kumisasa yakaŋga iri paGirgari, ʋakati: Musaregerera henyu ʋaranda ʋenyu; kurumidzai mukwire kwatiri, mutirwire nokutiɓatsira, nokuti madzimambo ose aʋaAmori ʋagere munyika yamakomo ʋakatiʋuŋganira kuzorwa nesu. Ipapo Joshua akakwira acibva Girgari, iye naʋanhu ʋose ʋehondo ʋaakaŋga anaʋo, naʋarume ʋose ʋaiʋa nesimba noʋumhare. Jehova akati kunaJoshua: Usaʋatya, nokuti ndaʋaisa mumaʋoko ako; hakunomunhu ucagona kumira pamberi pako. Naiɀoɀo Joshua akaʋarwira pakarepo; akafamba ʋusiku bgose acibva Girgari. Ɀino Jehova akaʋavundusa pamberi paIsraeri, akaʋaʋuraya nokuʋuraya kukuru paGibeoni, akaʋadziŋgirira nenzira yaikwira Beti‐horoni, akaʋaparadza kuȿikira Azeka, nokuȿikira Makeda. Ɀino ʋakati ʋacitiza pamberi paʋaIsraeri, ʋari pamatenusirwa anoɓurukira Beti‐horoni, Jehova akakanda pamsoro paʋo mabge makuru akaŋga acibva kuɗeŋga, kuȿikira Azeka, ʋakafa; iʋo, ʋakafa necimvuramabge, ʋakaŋga ʋari ʋazhinji kunaʋakaʋurawa neminondo naʋana ʋaIsraeri. Ɀino Joshua akataura naJehova nomusi Jehova waakaisa ʋaAmori mumaʋoko aʋana ʋaIsraeri, akati pamberi paʋaIsraeri: Iwe zuʋa mira pamsoro peGibeoni, Newe mŋedzi pamupata weAjaroni. Zuʋa rikamira, nomŋedzi ukarambira’po, Kuȿikira rudzi rwatsiʋa ʋaʋeŋgi ʋarwo. Iɀi haɀina‐kunyorwa here mubuku yaJashari? Zuʋa rikaramba rimire pakati peɗeŋga, rikasakurumidza kuʋira ŋguʋa yakaita sezuʋa rose. Hakuna‐kumboʋa nezuʋa rakaɗaro kubva pakutaŋga kana shure kwaro, kuti Jehova wakaterera inzwi romunhu; nokuti Jehova wakarwira Israeri.

Pakurirana nevamwe
Verenga chikamu Joshua 10

Joshua 10:1-14 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)