Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Joshua 10:1-14

Joshua 10:1-14 SUB1949

Ɀino Adoni‐zedeki, mambo weJerusarema, wakati acinzwa kuti Joshua wakakunda Ai, akariparadza cose, ʋuye kuti wakaitira Ai namambo waro seɀaakaitira Jeriko namambo waro, ʋuye kuti ʋanhu ʋeGibeoni ʋakaŋga ʋayanana naʋaIsraeri, ʋakagara pakati paʋo; ʋakatya kwaɀo, nokuti Gibeoni rakaŋga riri guta guru, rakaŋga rakaita somumŋe wemizinda yamambo; ʋuye nokuti rakaŋga riri guru kupfuʋura Ai, naʋarume ʋaro ʋose ʋakaŋga ʋanesimba. Naiɀoɀo Adoni‐zedeki, mambo weJerusarema, akatuma nhume kunaHohami, mambo weHebroni, nokunaPirami, mambo weJarmuti, nokunaJafia, mambo weRakishi, nokunaDebiri, mambo weEgroni, akati: Kwirai kwandiri, mundiɓatsire, tirwe naʋaGibeoni, nokuti ʋakayanana naJoshua naʋana ʋaIsraeri. Naiɀoɀo madzimambo mashanu aʋaAmori, ʋaiti mambo weJerusarema, namambo weHebroni, namambo weJarmuti, namambo weRakishi, namambo weEgroni ʋakaʋuŋgana, ʋakaenda iʋo nehondo dzaʋo dzose, ʋakaʋaka misasa yaʋo pamberi peGibeoni, ʋakarwa naro. Ipapo ʋarume ʋeGibeoni ʋakatuma nhume kunaJoshua kumisasa yakaŋga iri paGirgari, ʋakati: Musaregerera henyu ʋaranda ʋenyu; kurumidzai mukwire kwatiri, mutirwire nokutiɓatsira, nokuti madzimambo ose aʋaAmori ʋagere munyika yamakomo ʋakatiʋuŋganira kuzorwa nesu. Ipapo Joshua akakwira acibva Girgari, iye naʋanhu ʋose ʋehondo ʋaakaŋga anaʋo, naʋarume ʋose ʋaiʋa nesimba noʋumhare. Jehova akati kunaJoshua: Usaʋatya, nokuti ndaʋaisa mumaʋoko ako; hakunomunhu ucagona kumira pamberi pako. Naiɀoɀo Joshua akaʋarwira pakarepo; akafamba ʋusiku bgose acibva Girgari. Ɀino Jehova akaʋavundusa pamberi paIsraeri, akaʋaʋuraya nokuʋuraya kukuru paGibeoni, akaʋadziŋgirira nenzira yaikwira Beti‐horoni, akaʋaparadza kuȿikira Azeka, nokuȿikira Makeda. Ɀino ʋakati ʋacitiza pamberi paʋaIsraeri, ʋari pamatenusirwa anoɓurukira Beti‐horoni, Jehova akakanda pamsoro paʋo mabge makuru akaŋga acibva kuɗeŋga, kuȿikira Azeka, ʋakafa; iʋo, ʋakafa necimvuramabge, ʋakaŋga ʋari ʋazhinji kunaʋakaʋurawa neminondo naʋana ʋaIsraeri. Ɀino Joshua akataura naJehova nomusi Jehova waakaisa ʋaAmori mumaʋoko aʋana ʋaIsraeri, akati pamberi paʋaIsraeri: Iwe zuʋa mira pamsoro peGibeoni, Newe mŋedzi pamupata weAjaroni. Zuʋa rikamira, nomŋedzi ukarambira’po, Kuȿikira rudzi rwatsiʋa ʋaʋeŋgi ʋarwo. Iɀi haɀina‐kunyorwa here mubuku yaJashari? Zuʋa rikaramba rimire pakati peɗeŋga, rikasakurumidza kuʋira ŋguʋa yakaita sezuʋa rose. Hakuna‐kumboʋa nezuʋa rakaɗaro kubva pakutaŋga kana shure kwaro, kuti Jehova wakaterera inzwi romunhu; nokuti Jehova wakarwira Israeri.

Verenga chikamu Joshua 10