Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Joshua 10:1-14

Joshua 10:1-14 SNA2002

Zvino Adhoni‐zedheki, mambo weJerusaremu, wakati achinzwa kuti Joshua wakakunda Ai, akariparadza chose, uye kuti wakaitira Ai namambo waro sezvaakaitira Jeriko namambo waro, uye kuti vanhu veGibheoni vakanga vayanana navaIsiraeri, vakagara pakati pavo; vakatya kwazvo, nokuti Gibheoni rakanga riri guta guru, rakanga rakaita somumwe wemizinda yamambo; uye nokuti rakanga riri guru kupfuura Ai, navarume varo vose vakanga vane simba. Naizvozvo Adhoni‐zedheki, mambo weJerusaremu, akatuma nhume kuna Hohami, mambo weHebhuroni, nokuna Pirami, mambo weJarimuti, nokuna Jafia, mambo weRakishi, nokuna Dhebhiri, mambo weEgironi, akati, “Kwirai kwandiri, mundibatsire, tirwe navaGibheoni, nokuti vakayanana naJoshua navana vaIsiraeri.” Naizvozvo madzimambo mashanu avaAmori, vaiti mambo weJerusaremu, namambo weHebhuroni, namambo weJarimuti, namambo weRakishi, namambo weEgironi vakaungana, vakaenda ivo nehondo dzavo dzose, vakavaka misasa yavo pamberi peGibheoni, vakarwa naro. Ipapo varume veGibheoni vakatuma nhume kuna Joshua kumisasa yakanga iri paGirigari, vakati, “Musaregerera henyu varanda venyu; kurumidzai mukwire kwatiri, mutirwire nokutibatsira, nokuti madzimambo ose avaAmori vagere munyika yamakomo vakatiunganira kuzorwa nesu.” Ipapo Joshua akakwira achibva Girigari, iye navanhu vose vehondo vaakanga anavo, navarume vose vaiva nesimba noumhare. Jehovha akati kuna Joshua, “Usavatya, nokuti ndavaisa mumaoko ako; hakuna munhu uchagona kumira pamberi pako.” Naizvozvo Joshua akavarwira pakarepo; akafamba usiku hwose achibva Girigari. Zvino Jehovha akavavhundusa pamberi paIsiraeri, akavauraya nokuuraya kukuru paGibheoni, akavadzingirira nenzira yaikwira Bheti‐horoni, akavaparadza kusvikira Azeka, nokusvikira Makedha. Zvino vakati vachitiza pamberi pavaIsiraeri, vari pamatenusirwa anoburukira Bheti‐horoni, Jehovha akakanda pamusoro pavo mabwe makuru akanga achibva kudenga, kusvikira Azeka, vakafa; ivo, vakafa nechimvuramabwe, vakanga vari vazhinji kuna vakaurawa neminondo navana vaIsiraeri. Zvino Joshua akataura naJehovha nomusi Jehovha waakaisa vaAmori mumaoko avana vaIsiraeri, akati pamberi pavaIsiraeri, “Iwe zuva mira pamusoro peGibheoni, Newe mwedzi pamupata weAjaroni.” Zuva rikamira, nomwedzi ukarambirapo, Kusvikira rudzi rwatsiva vavengi varwo. Izvi hazvina kunyorwa here mubhuku yaJashari? Zuva rikaramba rimire pakati pedenga, rikasakurumidza kuvira nguva yakaita sezuva rose. Hakuna kumbova nezuva rakadaro kubva pakutanga kana shure kwaro, kuti Jehovha wakateerera izwi romunhu; nokuti Jehovha wakarwira vaIsiraeri.

Verenga chikamu Joshua 10