“Asi kunyange nazvino,
ndozviri kutaura TENZI
dzokerai kwandiri
nomwoyo wenyu wose
muchitsanya nokuhwihwidza nokuungudza.
Uye bvarurai mwoyo yenyu
kwete hanzu dzenyu.
Dzokerai kuna TENZI Mwari wenyu
nokuti iye ane nyasha netsitsi.
Haakurumidzi kushatirwa
uye azere nomwoyochena,
anozvidzora orega kuita zvakaipa.”
Ndiani angazive,
zvimwe angapinduke
akazvidzora zvake
achibva azosiya makomborero
mushure make,
zvokuti vanhu vanogona kupira
mupiro wembesanwa
nomupiro wokuteura kuna
TENZI, Mwari wenyu?
Ridzai hwamanda muguta reZioni,
tsaurai zuva rokutsanya,
kokerai musangano wezvokunamata,
unganidzai vanhu,
chenurai gungano ravanhu
unganidzai vakuru vakuru,
kokorodzai vana,
kunyangewo vacheche vachiri kuyamwa.
Chikomba ngachisiye gota racho
mwenga asiyewo nhanga yake.
Pakati pekamba kepamusuo neatari,
vapristi, vashandiri vaTENZI
ngavahwihwidze kuchema vari ipapo
vachiti, “TENZI we-e regai
vanhu venyu vari vapenyu
musaite kuti nhaka yenyu ive chiseko zvacho,
kana kuva dimikira pakati pamarudzi.
Madirei kuti marudzi ataurirane kuti,
‘Mwari wavo aripi?’ ”
Ipapo TENZI akaita shungu
nenyika yake,
akanzwira vanhu vake urombo.
TENZI akapindura vanhu vake achiti,
“Chinzwai, ndava kukutumirai
mbesanwa newaini namafuta eorivhi
zvokuti muchaguta
uye handichazombokuitazve kuti
muve chiseko chenyika
pakati pamarudzi avanhu.
Ndichaendesa wokuchamhembe kure nemi
ndigomudzingira murenje zvaro renyika,
nhungamiri dzake dzavarwi
ndidziti rororo mugungwa rokumabvazuva,
varwi vake vokutsigira shure
ndichivati ririri mugungwa rokumadokero.
Gutukutu rokunhuwa kwake richasumuka,
nokuti yaakapara ihuru.
“Iwe nyika rega zvako kutya!
Fara upembere nokuti
TENZI akaita zvinhu zvikuru!
Imi mhuka dzesango
regai henyu kutya
nokuti mafuro okurenje
asvibirira ruswiswi,
miti inobereka michero yayo
muonde nomugirepisi,
yanyatsobereka michero yakakwana.
“Farai henyu imi vana veguta reZioni
mupembere kufara naTENZI,
Mwari wenyu, nokuti
akakunayisirai mvura yomunhuruka
achiita zviri pamwero akakuwodzvorerai
mvura yomunhuruka neyamatsutso sakare.
Maware achazara nembesanwa
mokusvinira muchifashuka
waini namafuta eorivhi.
Ndichakudzoserai zvinotsivana namakore
okudyirwa nemhashu dzegute
nehwiza dzegwatakwata
uye neemhashu dzinorozva nedzomuteteni,
hondo yangu huru yandakatumira pakati penyu.
Muchadya zvakawanda zvokutoguta
muchirumbidza zita raTENZI,
Mwari wenyu anenge akuitirai zvishamiso.
Nezvo vanhu vangu havazofa vakanyadziswazve.
Ndipo pamuchazoziva kuti
ndiri mukati meIsiraeri
uye kuti ini,
TENZI ndini Mwari wenyu,
hakuna mumwe uye vanhu vangu havazombofa
vakanyadziswazve.
“Mushure mezvo zvichazoitika kuti
ndichadururira Mweya wangu
pamusoro pavanhu vose.
Vanakomana venyu navanasikana venyu
vachaporofita,
vakwegura venyu vacharotswa hope,
vechidiki venyu vachaona zviratidzo.
Kunyange pavaranda zvavo
vechirume nevechikadzi,
mumazuva iwayo,
ndichadururirawo Mweya wangu pavari.
“Ndichaita zviratidzo mumatenga napanyika zvokudeuka kweropa nemoto nebwititi routsi. Zuva richasandurwa kuva rima, mwedzi ugoita ropa, zuva guru raTENZI rinotyisa kwazvo risati rasvika. Zvichaitika kuti ani naani anodana zita raTENZI achaponeswa nokuti muGomo reZioni nomuJerusaremu muchava navanhu vanopunyuka sokutaura kwakaitawo TENZI uye mukati mevanenge vapunyuka muchava navanhu vakadaidzwa naTENZI.”