Kunyange zvakadaro ndizvo zvinotaura Jehovha nazvino tendeukirai kwandiri nomwoyo yenyu yose, muchizvinyima zvokudya, muchichema nokuungudza; bvarurai mwoyo yenyu, murege kubvarura nguo dzenyu, mutendeukire kuna Jehovha Mwari wenyu; nokuti ane ngoni nenyasha, anononoka kutsamwa, ane tsitsi zhinji, uye anozvidemba pakuitira vanhu zvakaipa. Ndiani angaziva, zvimwe angadzoka akazvidemba, akasiya mukomborero kana achibva, zvimwe chipiriso choupfu kana chipiriso chinonwiwa zvamungavigira Jehovha Mwari wenyu?
“Ridzai, hwamanda paZioni, tsaurai zuva rokuzvinyima zvokudya, danai vanhu kuungano yakatarwa; kokerai vanhu, natsai ungano, kokerai vakuru, unganidzai vana, navanomwa pamazamu; chikomba ngachibude paimba yacho nomwenga paimba yake yokuvata. Vapristi, ivo vashumiri vaJehovha, ngavacheme pakati pebiravira neatari, vati ‘Aiwa, Jehovha, regai vanhu venyu, musaisa nhaka yenyu pakushoorwa, kuti marudzi avanhu avaseke;’ vangareveiko pakati pamarudzi avanhu, vachiti, ‘Mwari wavo aripiko?’ ”
Ipapo Jehovha akava negodo pamusoro penyika yake, akanzwira vanhu vake tsitsi. Jehovha akapindura, akati kuvanhu vake, “Tarirai, ndichakutumirai zviyo, newaini itsva, namafuta, mugoguta nazvo; handichakuitiyi chinhu chinoshoorwa pakati pamarudzi; asi ndichabvisa kure nemi hondo inobva kurutivi rwokumusoro, ndichiidzingira kunyika yakaoma yakaparadzwa, rutivi rwayo pamberi rwakatarira kugungwa rokumabvazuva, norutivi rwayo rweshure kugungwa rokumavirazuva; kunhuwa kwayo kuchakwira, norwema rwayo rwakaipa ruchakwira, nokuti yakaita zvinhu zvikuru. Rega hako kutya, iwe nyika, fara ufarisise; nokuti Jehovha akaita zvinhu zvikuru. Regai kutya, imi mhuka dzesango; nokuti mafuro erenje anobukira, nokuti miti inobereka zvibereko zvayo, mionde nemizambiringa zvinovigira vanhu simba razvo. Naizvozvo farai, imi vana veZioni, mufarisise muna Jehovha Mwari wenyu; nokuti anokupai mudzidzisi wokururama, uye anokunisirai mvura, mvura yokutanga nemvura yokuteverera, nomwedzi wokutanga. Mapuriro achazara nezviyo, uye zvisviniro zvichapafuma waini namafuta. Ndichakudzoseraizve makore amakadyirwa nemhashu, negwatakwata, nomupedzachose, nomuteteni, iyo hondo yangu huru yandakatuma pakati penyu. Muchadya zvakawanda, mukarumbidza zita raJehovha Mwari wenyu, wakakuitirai zvinoshamisa; vanhu vangu havangatongonyadziswi nokusingaperi. Ipapo muchaziva kuti ndiri pakati paIsiraeri, kuti ndini Jehovha Mwari wenyu, uye kuti hakuna mumwe; vanhu vangu havangatongonyadziswi nokusingaperi.
“Zvino shure kwaizvozvo ndichadurura Mweya wangu pamusoro penyama yose; vanakomana venyu navanasikana venyu vachaporofita, vatana venyu vacharota hope, namajaya enyu achaona zviratidzo; ndichadururawo Mweya wangu pamusoro pavaranda napamusoro pavashandiri namazuva iwayo. Ndicharatidza zvishamiso kudenga napanyika, zvinoti: Ropa nomoto neshongwe dzoutsi. Zuva richashanduka rima, mwedzi uchashanduka ropa, zuva guru raJehovha rinotyisa risati rasvika. Zvino ani naani anodana zita raJehovha acharwirwa; nokuti pagomo reZioni napaJerusaremu ndipo pachava navakapukunyuka, sezvakataura Jehovha, napakati pavakasara ndipo pachava vakadanwa naJehovha.