Joere 2:12-32
Joere 2:12-32 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)
“Asi kunyange nazvino, ndozviri kutaura TENZI dzokerai kwandiri nomwoyo wenyu wose muchitsanya nokuhwihwidza nokuungudza. Uye bvarurai mwoyo yenyu kwete hanzu dzenyu. Dzokerai kuna TENZI Mwari wenyu nokuti iye ane nyasha netsitsi. Haakurumidzi kushatirwa uye azere nomwoyochena, anozvidzora orega kuita zvakaipa.” Ndiani angazive, zvimwe angapinduke akazvidzora zvake achibva azosiya makomborero mushure make, zvokuti vanhu vanogona kupira mupiro wembesanwa nomupiro wokuteura kuna TENZI, Mwari wenyu? Ridzai hwamanda muguta reZioni, tsaurai zuva rokutsanya, kokerai musangano wezvokunamata, unganidzai vanhu, chenurai gungano ravanhu unganidzai vakuru vakuru, kokorodzai vana, kunyangewo vacheche vachiri kuyamwa. Chikomba ngachisiye gota racho mwenga asiyewo nhanga yake. Pakati pekamba kepamusuo neatari, vapristi, vashandiri vaTENZI ngavahwihwidze kuchema vari ipapo vachiti, “TENZI we-e regai vanhu venyu vari vapenyu musaite kuti nhaka yenyu ive chiseko zvacho, kana kuva dimikira pakati pamarudzi. Madirei kuti marudzi ataurirane kuti, ‘Mwari wavo aripi?’ ” Ipapo TENZI akaita shungu nenyika yake, akanzwira vanhu vake urombo. TENZI akapindura vanhu vake achiti, “Chinzwai, ndava kukutumirai mbesanwa newaini namafuta eorivhi zvokuti muchaguta uye handichazombokuitazve kuti muve chiseko chenyika pakati pamarudzi avanhu. Ndichaendesa wokuchamhembe kure nemi ndigomudzingira murenje zvaro renyika, nhungamiri dzake dzavarwi ndidziti rororo mugungwa rokumabvazuva, varwi vake vokutsigira shure ndichivati ririri mugungwa rokumadokero. Gutukutu rokunhuwa kwake richasumuka, nokuti yaakapara ihuru. “Iwe nyika rega zvako kutya! Fara upembere nokuti TENZI akaita zvinhu zvikuru! Imi mhuka dzesango regai henyu kutya nokuti mafuro okurenje asvibirira ruswiswi, miti inobereka michero yayo muonde nomugirepisi, yanyatsobereka michero yakakwana. “Farai henyu imi vana veguta reZioni mupembere kufara naTENZI, Mwari wenyu, nokuti akakunayisirai mvura yomunhuruka achiita zviri pamwero akakuwodzvorerai mvura yomunhuruka neyamatsutso sakare. Maware achazara nembesanwa mokusvinira muchifashuka waini namafuta eorivhi. Ndichakudzoserai zvinotsivana namakore okudyirwa nemhashu dzegute nehwiza dzegwatakwata uye neemhashu dzinorozva nedzomuteteni, hondo yangu huru yandakatumira pakati penyu. Muchadya zvakawanda zvokutoguta muchirumbidza zita raTENZI, Mwari wenyu anenge akuitirai zvishamiso. Nezvo vanhu vangu havazofa vakanyadziswazve. Ndipo pamuchazoziva kuti ndiri mukati meIsiraeri uye kuti ini, TENZI ndini Mwari wenyu, hakuna mumwe uye vanhu vangu havazombofa vakanyadziswazve. “Mushure mezvo zvichazoitika kuti ndichadururira Mweya wangu pamusoro pavanhu vose. Vanakomana venyu navanasikana venyu vachaporofita, vakwegura venyu vacharotswa hope, vechidiki venyu vachaona zviratidzo. Kunyange pavaranda zvavo vechirume nevechikadzi, mumazuva iwayo, ndichadururirawo Mweya wangu pavari. “Ndichaita zviratidzo mumatenga napanyika zvokudeuka kweropa nemoto nebwititi routsi. Zuva richasandurwa kuva rima, mwedzi ugoita ropa, zuva guru raTENZI rinotyisa kwazvo risati rasvika. Zvichaitika kuti ani naani anodana zita raTENZI achaponeswa nokuti muGomo reZioni nomuJerusaremu muchava navanhu vanopunyuka sokutaura kwakaitawo TENZI uye mukati mevanenge vapunyuka muchava navanhu vakadaidzwa naTENZI.”
Joere 2:12-32 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Jehovha anoti, “Kunyange zvino, tendeukirai kwandiri nemwoyo yenyu yose muchitsanya, muchichema uye muchiungudza.” Bvarurai mwoyo yenyu, kwete nguo dzenyu. Dzokerai kuna Jehovha Mwari wenyu, iye ane nyasha uye ane tsitsi, anononoka kutsamwa uye ane rudo rukuru; anozvidzora pakutumira vanhu njodzi. Ndiani anoziva? Anogona kupinduka agonzwa tsitsi, uye agokusiyirai mukomborero wezvipiriso zvezviyo nezvipiriso zvokunwa zvinoitirwa Jehovha Mwari wenyu. Ridzai hwamanda muZioni. Sarudzai zuva rokutsanya kutsvene, danai vanhu kuungano tsvene. Unganidzai vanhu, munatse ungano iyi, unganidzai pamwe chete vakuru, unganidzai vana, vachiri kuyamwa. Vachangowanana, murume ngaabude muimba yake nomwenga muimba yake. Vaprista vanoshumira pamberi paJehovha ngavacheme vari pakati pebiravira retemberi nearitari. Ngavati, “Musaparadza vanhu venyu, imi Jehovha. Musaita kuti nhaka yenyu ive chinhu chinosekwa, chirevo pakati pendudzi. Vachataurirei pakati pamarudzi vachiti, ‘Mwari wavo aripiko?’ ” Ipapo Jehovha achava negodo pamusoro penyika yake, uye achanzwira vanhu vake tsitsi. Jehovha achavapindura achiti, “Ndava kukutumirai zviyo, waini itsva namafuta, zvakawanda zvokuti muchaguta kwazvo, handichazokuitai zvakare chiseko chendudzi. “Ndichadzingira kure nemi hondo yokumusoro, ndichaidzingira kunyika yakaoma isina chibereko, dziya dziri mberi dzichawira mugungwa rokumabvazuva, uye dziya dziri shure dzichawira mugungwa rokumadokero. Uye kunhuhwa kwadzo kuchakwira; kunhuhwa kwadzo kukuru kuchakwira.” Zvirokwazvo akaita zvinhu zvikuru. Usatya iwe nyika; fara zvako upembere. Zvirokwazvo Jehovha aita zvinhu zvikuru. Musatya, imi mhuka dzesango, nokuti mafuro ava kusvibira. Miti yava kubereka michero yayo; mionde nemizambiringa zvichabereka kwazvo. Farai imi vanhu veZioni, farai muna Jehovha Mwari wenyu, nokuti akakupai mvura yokupedzisira mukururama. Anokupai mvura yakawanda, yokupedzisira neyebumharutsva sakare. Mapuriro enyu achazara nezviyo, uye zvisviniro zvenyu zvichazara newaini itsva namafuta. “Ndichakuripirai makore ose amakadyirwa nemhashu: mhashu dzemagutaguta nedzegwatakwata, dzimwe mhashu nefararira remhashu; hondo yangu huru yandinotuma pakati penyu. Muchava nezvokudya zvakawanda kusvikira maguta, ipapo mucharumbidza zita raJehovha Mwari wenyu, uyo akakuitirai zvishamiso; vanhu vangu havachazonyadziswi zvakare. Ipapo muchazoziva kuti ndirimo muIsraeri, uye kuti ndini Jehovha Mwari wenyu, uyewo kuti hakuna mumwe; vanhu vangu havachazonyadziswi zvakare. “Uye mushure maizvozvo, ndichadururira Mweya wangu pamusoro pavanhu vose. Vanakomana navanasikana venyu vachaprofita, vatana venyu vacharota hope, majaya enyu achaona zviratidzo. Kunyange pamusoro pavaranda vangu, zvose varume navakadzi, ndichadururira Mweya wangu mumazuva iwayo. Ndicharatidza zvishamiso kudenga napanyika, ropa nomoto neshongwe dzoutsi. Zuva richashanduka rigova rima, uye mwedzi uchava ropa, zuva guru raJehovha rinotyisa risati rasvika. Uye ani naani anodana kuzita raJehovha achaponeswa; nokuti paGomo reZioni nomuJerusarema muchava noruponeso, sezvakataurwa naJehovha, pakati pavanopunyuka, avo vachadanwa naJehovha.
Joere 2:12-32 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Kunyange zvakadaro ndizvo zvinotaura Jehovha nazvino tendeukirai kwandiri nomwoyo yenyu yose, muchizvinyima zvokudya, muchichema nokuungudza; bvarurai mwoyo yenyu, murege kubvarura nguo dzenyu, mutendeukire kuna Jehovha Mwari wenyu; nokuti ane ngoni nenyasha, anononoka kutsamwa, ane tsitsi zhinji, uye anozvidemba pakuitira vanhu zvakaipa. Ndiani angaziva, zvimwe angadzoka akazvidemba, akasiya mukomborero kana achibva, zvimwe chipiriso choupfu kana chipiriso chinonwiwa zvamungavigira Jehovha Mwari wenyu? “Ridzai, hwamanda paZioni, tsaurai zuva rokuzvinyima zvokudya, danai vanhu kuungano yakatarwa; kokerai vanhu, natsai ungano, kokerai vakuru, unganidzai vana, navanomwa pamazamu; chikomba ngachibude paimba yacho nomwenga paimba yake yokuvata. Vapristi, ivo vashumiri vaJehovha, ngavacheme pakati pebiravira neatari, vati ‘Aiwa, Jehovha, regai vanhu venyu, musaisa nhaka yenyu pakushoorwa, kuti marudzi avanhu avaseke;’ vangareveiko pakati pamarudzi avanhu, vachiti, ‘Mwari wavo aripiko?’ ” Ipapo Jehovha akava negodo pamusoro penyika yake, akanzwira vanhu vake tsitsi. Jehovha akapindura, akati kuvanhu vake, “Tarirai, ndichakutumirai zviyo, newaini itsva, namafuta, mugoguta nazvo; handichakuitiyi chinhu chinoshoorwa pakati pamarudzi; asi ndichabvisa kure nemi hondo inobva kurutivi rwokumusoro, ndichiidzingira kunyika yakaoma yakaparadzwa, rutivi rwayo pamberi rwakatarira kugungwa rokumabvazuva, norutivi rwayo rweshure kugungwa rokumavirazuva; kunhuwa kwayo kuchakwira, norwema rwayo rwakaipa ruchakwira, nokuti yakaita zvinhu zvikuru. Rega hako kutya, iwe nyika, fara ufarisise; nokuti Jehovha akaita zvinhu zvikuru. Regai kutya, imi mhuka dzesango; nokuti mafuro erenje anobukira, nokuti miti inobereka zvibereko zvayo, mionde nemizambiringa zvinovigira vanhu simba razvo. Naizvozvo farai, imi vana veZioni, mufarisise muna Jehovha Mwari wenyu; nokuti anokupai mudzidzisi wokururama, uye anokunisirai mvura, mvura yokutanga nemvura yokuteverera, nomwedzi wokutanga. Mapuriro achazara nezviyo, uye zvisviniro zvichapafuma waini namafuta. Ndichakudzoseraizve makore amakadyirwa nemhashu, negwatakwata, nomupedzachose, nomuteteni, iyo hondo yangu huru yandakatuma pakati penyu. Muchadya zvakawanda, mukarumbidza zita raJehovha Mwari wenyu, wakakuitirai zvinoshamisa; vanhu vangu havangatongonyadziswi nokusingaperi. Ipapo muchaziva kuti ndiri pakati paIsiraeri, kuti ndini Jehovha Mwari wenyu, uye kuti hakuna mumwe; vanhu vangu havangatongonyadziswi nokusingaperi. “Zvino shure kwaizvozvo ndichadurura Mweya wangu pamusoro penyama yose; vanakomana venyu navanasikana venyu vachaporofita, vatana venyu vacharota hope, namajaya enyu achaona zviratidzo; ndichadururawo Mweya wangu pamusoro pavaranda napamusoro pavashandiri namazuva iwayo. Ndicharatidza zvishamiso kudenga napanyika, zvinoti: Ropa nomoto neshongwe dzoutsi. Zuva richashanduka rima, mwedzi uchashanduka ropa, zuva guru raJehovha rinotyisa risati rasvika. Zvino ani naani anodana zita raJehovha acharwirwa; nokuti pagomo reZioni napaJerusaremu ndipo pachava navakapukunyuka, sezvakataura Jehovha, napakati pavakasara ndipo pachava vakadanwa naJehovha.
Joere 2:12-32 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
“Asi kunyange nazvino, ndozviri kutaura TENZI dzokerai kwandiri nomwoyo wenyu wose muchitsanya nokuhwihwidza nokuungudza. Uye bvarurai mwoyo yenyu kwete hanzu dzenyu. Dzokerai kuna TENZI Mwari wenyu nokuti iye ane nyasha netsitsi. Haakurumidzi kushatirwa uye azere nomwoyochena, anozvidzora orega kuita zvakaipa.” Ndiani angazive, zvimwe angapinduke akazvidzora zvake achibva azosiya makomborero mushure make, zvokuti vanhu vanogona kupira mupiro wembesanwa nomupiro wokuteura kuna TENZI, Mwari wenyu? Ridzai hwamanda muguta reZioni, tsaurai zuva rokutsanya, kokerai musangano wezvokunamata, unganidzai vanhu, chenurai gungano ravanhu unganidzai vakuru vakuru, kokorodzai vana, kunyangewo vacheche vachiri kuyamwa. Chikomba ngachisiye gota racho mwenga asiyewo nhanga yake. Pakati pekamba kepamusuo neatari, vapristi, vashandiri vaTENZI ngavahwihwidze kuchema vari ipapo vachiti, “TENZI we-e regai vanhu venyu vari vapenyu musaite kuti nhaka yenyu ive chiseko zvacho, kana kuva dimikira pakati pamarudzi. Madirei kuti marudzi ataurirane kuti, ‘Mwari wavo aripi?’ ” Ipapo TENZI akaita shungu nenyika yake, akanzwira vanhu vake urombo. TENZI akapindura vanhu vake achiti, “Chinzwai, ndava kukutumirai mbesanwa newaini namafuta eorivhi zvokuti muchaguta uye handichazombokuitazve kuti muve chiseko chenyika pakati pamarudzi avanhu. Ndichaendesa wokuchamhembe kure nemi ndigomudzingira murenje zvaro renyika, nhungamiri dzake dzavarwi ndidziti rororo mugungwa rokumabvazuva, varwi vake vokutsigira shure ndichivati ririri mugungwa rokumadokero. Gutukutu rokunhuwa kwake richasumuka, nokuti yaakapara ihuru. “Iwe nyika rega zvako kutya! Fara upembere nokuti TENZI akaita zvinhu zvikuru! Imi mhuka dzesango regai henyu kutya nokuti mafuro okurenje asvibirira ruswiswi, miti inobereka michero yayo muonde nomugirepisi, yanyatsobereka michero yakakwana. “Farai henyu imi vana veguta reZioni mupembere kufara naTENZI, Mwari wenyu, nokuti akakunayisirai mvura yomunhuruka achiita zviri pamwero akakuwodzvorerai mvura yomunhuruka neyamatsutso sakare. Maware achazara nembesanwa mokusvinira muchifashuka waini namafuta eorivhi. Ndichakudzoserai zvinotsivana namakore okudyirwa nemhashu dzegute nehwiza dzegwatakwata uye neemhashu dzinorozva nedzomuteteni, hondo yangu huru yandakatumira pakati penyu. Muchadya zvakawanda zvokutoguta muchirumbidza zita raTENZI, Mwari wenyu anenge akuitirai zvishamiso. Nezvo vanhu vangu havazofa vakanyadziswazve. Ndipo pamuchazoziva kuti ndiri mukati meIsiraeri uye kuti ini, TENZI ndini Mwari wenyu, hakuna mumwe uye vanhu vangu havazombofa vakanyadziswazve. “Mushure mezvo zvichazoitika kuti ndichadururira Mweya wangu pamusoro pavanhu vose. Vanakomana venyu navanasikana venyu vachaporofita, vakwegura venyu vacharotswa hope, vechidiki venyu vachaona zviratidzo. Kunyange pavaranda zvavo vechirume nevechikadzi, mumazuva iwayo, ndichadururirawo Mweya wangu pavari. “Ndichaita zviratidzo mumatenga napanyika zvokudeuka kweropa nemoto nebwititi routsi. Zuva richasandurwa kuva rima, mwedzi ugoita ropa, zuva guru raTENZI rinotyisa kwazvo risati rasvika. Zvichaitika kuti ani naani anodana zita raTENZI achaponeswa nokuti muGomo reZioni nomuJerusaremu muchava navanhu vanopunyuka sokutaura kwakaitawo TENZI uye mukati mevanenge vapunyuka muchava navanhu vakadaidzwa naTENZI.”
Joere 2:12-32 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Kunyaŋge ɀakaɗaro — ndiɀo ɀinotaura Jehova — naɀino tendeʋukirai kwandiri nemŋoyo yenyu yose, muciɀinyima ɀokudya, mucicema nokuwuŋgudza; bvarurai mŋoyo yenyu, murege kubvarura ŋguʋo dzenyu, mutendeʋukire kunaJehova Mŋari wenyu; nokuti uneŋgoni nenyasha, unononoka kutsamŋa, unetsitsi zhinji, ʋuye unoɀiɗemba pakuitira ʋanhu ɀakaipa. Ndiani uŋgaziʋa, ɀimŋe uŋgadzoka akaɀiɗemba, akasiya mukomborero kana acibva, ɀimŋe cipiriso coʋupfu kana cipiriso cinonwiwa ɀamuŋgaʋigira Jehova Mŋari wenyu? Ridzai hwamanda paZioni, tsaurai zuʋa rokuɀinyima ɀokudya, ɗanai ʋanhu kuʋuŋgano yakatarwa; kokerai ʋanhu, natsai ʋuŋgano, kokerai ʋakuru, ʋuŋganidzai ʋana, naʋanomna pamazamu; cikomba ŋgaciɓuɗe paimba yaco nomŋeŋga paimba yake yokuʋata. Ʋaprista, iʋo ʋashumiri ʋaJehova, ŋgaʋaceme pakati peɓiraʋira neartari, ʋati: Haiwa, Jehova, regai ʋanhu ʋenyu, musaisa nhaka yenyu pakushoʋorwa, kuti marudzi aʋanhu aʋaseke; ʋaŋgareʋereiko pakati pamarudzi aʋanhu, ʋaciti: Mŋari waʋo uripiko? Ipapo Jehova akaʋa negodo pamsoro penyika yake, akanzwira ʋanhu ʋake tsitsi. Jehova akapindura, akati kuʋanhu ʋake: Tarirai, ndicakutumirai ɀiyo, newaini itȿa, namafuta, mugoguta naɀo; handicakuitiyi cinhu cinoshoʋorwa pakati pamarudzi; asi ndicabvisa kure nemi hondo inobva kurutiʋi rwokumsoro, ndiciidziŋgira kunyika yakawoma yakaparadzwa, rutiʋi rwayo rwapamberi rwakatarira kuguŋgwa rokumabvazuʋa, norutiʋi rwayo rweshure kuguŋgwa rokumaʋirazuʋa; kunhuwa kwayo kucakwira, norwema rwayo rwakaipa rucakwira, nokuti yakaita ɀinhu ɀikuru. Rega hako kutya, iwe nyika, fara ufarisise; nokuti Jehova wakaita ɀinhu ɀikuru. Regai kutya, imi mhuka dzesaŋgo; nokuti mafuro erenje anoɓukira, nokuti miti inoɓereka ɀiɓereko ɀayo, miʋonde nemizambiriŋga ɀinoʋigira ʋanhu simba raɀo. Naiɀoɀo farai, imi ʋana ʋeZioni, mufarisise munaJehova Mŋari wenyu; nokuti unokupai mudzidzisi wokururama, ʋuye unokunisirai mvura, mvura yokutaŋga nemvura yokuteʋerera, nomŋedzi wokutaŋga. Mapuriro acazara neɀiyo, ʋuye ɀiȿiniro ɀicapafuma waini namafuta. Ndicakudzoserai ɀe makore amakadyirwa nemhashu, negwatakwata, nomupedzacose, nomuteteni, iyo hondo yaŋgu huru yandakatuma pakati penyu. Mucadya ɀakawanda, mukaguta, mukarumbidza zita raJehova Mŋari wenyu, wakakuitirai ɀinoshamisa; ʋanhu ʋaŋgu haʋaŋgatoŋgonyadziswi nokusiŋgaperi. Ipapo mucaziʋa kuti ndiri pakati paIsraeri, kuti ndini Jehova Mŋari wenyu, ʋuye kuti hakunomumŋe; ʋanhu ʋaŋgu haʋaŋgatoŋgonyadziswi nokusiŋgaperi. Ɀino shure kwaiɀoɀo ndicaɗurura Mŋeya waŋgu pamsoro penyama yose; ʋanakomana ʋenyu naʋanasikana ʋenyu ʋacaprofita, ʋatana ʋenyu ʋacarota hope, namajaya enyu acaʋona ɀiratidzo; ndicaɗurura ʋo Mŋeya waŋgu pamsoro paʋaranda napamsoro paʋashandiri namazuʋa iwayo. Ndicaratidza ɀishamiso kuɗeŋga napanyika, ɀinoti: Ropa nomŋoto neshoŋgwe dzoʋutsi. Zuʋa ricashanduka rima, mŋedzi ucashanduka ropa, zuʋa guru raJehova rinotyisa risati raȿika. Ɀino aninani unoɗana zita raJehova ucarwirwa; nokuti pagomo reZioni napaJerusarema ndi’po pacaʋa naʋakapukunyuka, seɀakataura Jehova, napakati paʋakasara ndi’po pacaʋa ʋakaɗanwa naJehova.