Chitotorai zvenyu handira nomwe nohondohwe nomwe muende nadzo kumuranda wangu Jobhu muzvipirire mupiro wokupisa. Muranda wangu Jobhu achakunamatirai nokuti munamato wake ndichaugamuchira kuti ndirege kukuitirai zvinowirirana noupenzi hwenyu nokuti imi hamuna kutaura zvakarurama nezvangu somuranda wangu Jobhu.” Naizvozvo Erifasi Mutemani, naBhiridhadhi muShuhi, naZofa muNaamati vakaenda vakandoita zvavakaudzwa naTenzi. Tenzi akagamuchira munamato waJobhu. Tenzi akadzorera Jobhu upfumi hwake paakanamatira shamwari dzake. Tenzi akapa Jobhu zvakapetwa kaviri pane zvaakanga anazvo.
Verenga chikamu Jobhu 42
Pakurirana nevamwe
Enzanisa mhando yose: Jobhu 42:8-10
Chengetedza mavhesi, verenga usiri pamasaisai, wona mavhidhiyo ezvidzidzo uye zvakawanda!
Pekutangira
Bhaibheri
Zvirongwa
Mavideo