Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Jobhu 42

42
Kupinduka kwaJobhu
1Jobhu akapindura Tenzi achiti,
2“Ndinoziva kuti munokwanisa kuita zvinhu zvose
uye kuti pazvinhu zvose hapana chingakudzivisei
kuita zvamunenge muchida kuita.
3Munobvunza kuti ndianiwo zvake iyeyu anovandisa
urongwa nokutaura kwake kusina ruzivo?
Ichokwadi kuti ndakataura ndisina runzwisiso,
zvinhu zvakadzamisisa kwazvo kwandiri zvandanga ndisizingazivi
4chiteererai ndichitaura
ndichakubvunzai imi munditaurire.
5Ndakanga ndichingokunzwai nenzeve
asi zvino ndinokuonai namaziso.
6Naizvozvo zvose zvandakataura
ndiri kutonyara nazvo uye ndinopinduka
ndiri muhuruva namadota.”
Mazwi okupedzisa
7Kuzoti Tenzi apedza kutaura mazwi aya kuna Jobhu akati kuna Erifasi Mutemani, “Ndinokuvirukirai nehasha iwe neshamwari dzako mbiri nokuti hamuna kutaura zvakarurama nezvangu sezvakaitwa nomuranda wangu Jobhu. 8Chitotorai zvenyu handira nomwe nohondohwe nomwe muende nadzo kumuranda wangu Jobhu muzvipirire mupiro wokupisa. Muranda wangu Jobhu achakunamatirai nokuti munamato wake ndichaugamuchira kuti ndirege kukuitirai zvinowirirana noupenzi hwenyu nokuti imi hamuna kutaura zvakarurama nezvangu somuranda wangu Jobhu.” 9Naizvozvo Erifasi Mutemani, naBhiridhadhi muShuhi, naZofa muNaamati vakaenda vakandoita zvavakaudzwa naTenzi. Tenzi akagamuchira munamato waJobhu.
Jobhu akadzorerwa zvinhu zvake zvose
10Tenzi akadzorera Jobhu upfumi hwake paakanamatira shamwari dzake. Tenzi akapa Jobhu zvakapetwa kaviri pane zvaakanga anazvo. 11Vakomanavanun'una vake nehanzvadzi dzake navamwe vose vaimuziva vakauya kwaari kuzodya naye. Vakamunzwira urombo vakamunyaradza pane zvakaipa zvose zvakanga zvaunzwa naTenzi pavari. Mumwe nomumwe wavo akavapa mari neringi rendarama. 12Tenzi akakomborera mazuva aJobhu omushure kutokunda okutanga. Akazova nehwai zvihuru gumi nezvina, nengamera zvihuru zvitanhatu, nezvipani zvenzombe churu, namadhongi makadzi churu. 13Akaita vana vakomana vanomwe navasikana vatatu. 14Akatumidza wokutanga zita rokuti Jemima, wechipiri akamuti Keziya, wechitatu akamupa zita rokuti Kerenihapuku. 15Pasi pakanga pasina vakadzi vakanaka uso kudarika vanasikana vaJobhu. Baba vakavapa mugove pamwechete nehanzvadzi dzavo. 16Mushure maizvozvi Jobhu akagara zana namakumi mana amakore. Akaona vana vake, navana vavana vake kusvika kuchizvarwa chechina. 17Jobhu akazofa achembera anyatsokwegura.

Zvasarudzwa nguva ino

Jobhu 42: SCLB

Sarudza vhesi

Pakurirana nevamwe

Sarudza zvinyorwa izvi

None

Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda