Naizvozvo zvino chitorai nzombe nomwe namakondobwe namanomwe, muende kumuranda wangu Jobho, muzvipisire chipiriso chinopiswa; zvino muranda wangu Jobho achakunyengetererai; nokuti ndichamugamuchira iye, kuti ndirege kukuitirai zvakaenzana nohupenzi hwenyu; nokuti imi hamuna kutaura pamusoro pangu zakarurama, sezvakaita muranda wangu Jobho.” Zvino Erifazi muTemani, naBhiridhadhi muShuhi, naZofari muNaamati, vakandoita sezvakarairwa naJehovha; Jehovha akagamuchira Jobho. Jehovha akashandura kutapwa kwaJobho nguva yaakanyengeterera shamwari dzake; Jehovha akapa Jobho zvaakanga anazvo pakutanga kaviri.
Verenga chikamu Jobho 42
Pakurirana nevamwe
Enzanisa mhando yose: Jobho 42:8-10
Chengetedza mavhesi, verenga usiri pamasaisai, wona mavhidhiyo ezvidzidzo uye zvakawanda!
Pekutangira
Bhaibheri
Zvirongwa
Mavideo