Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Johani 8:37-59

Johani 8:37-59 SCLB

Ndinozviziva kuti muri zvizvarwa zvaAbhurahamu, asi munoda kundiuraya nokuti izwi rangu hariwani nzvimbo mamuri. Ini ndinotaura zvandakaona kuna Baba vangu. Imiwo munoita zvamakanzwa kunababa venyu.” Vakamupindurawo vachiti, “Abhurahamu ndivo Baba vedu.” Jesu akavati, “Dai muri vana vaAbhurahamu mungadai muchiita zvaiitwa naAbhurahamu. Asi zvino munoda kundiuraya; ini ndiri munhu akakutaurirai chokwadi chandakanzwa kuna Mwari. Izvi hazvisirizvo zvaiitwa naAbhurahamu. Imi munoita zvinoitwa nababa venyu.” Ivo vakati kwaari, “Isu hatisi vana vomusango. Tina Baba mumwechete, iye Mwari pachake.” Jesu wakavati, “Dai Mwari ari Baba venyu mungadai muchindida nokuti Mwari ndiye dzinde rokwandinobva. Handina kungouyawo zvomusoro wangu asi iye ndiye akandituma. Hamunzwisisi sei zvandinotaura? Chikonzero ndechokuti imi hamudi kunzwa zvandinoreva. Imi muri vana vababa venyu Dhiabhori uye chamakasarudza, kuita zvinodiwa nababa venyu. Iye akanga ari mhondi kubvira pakutanga, uye haanei nechokwadi nokuti maari hamuna chokwadi. Kana achireva nhema, ari kutotaura maererano nezvaari nokuti iye munyepi uye ndibaba wamanyepo. Pamusana pokuti ndinotaura chokwadi, hamunditendi. Ndiani pakati penyu anganditi ndine mhosva yechitadzo? Ko zvino kana ndichitaura chokwadi ngei musingatendi mandiri. Munhu waMwari anonzwa zvinotaurwa naMwari nezvo imi hamuzvinzwi nokuti hamusi vanhu vaMwari.” VaJudha vakamupindura vachiti, “Hatina kutaura chokwadi here isu kuti iwe uri muSamaria, uye kuti una mweya wakaipa?” Jesu akapindura achiti, “Ini handina mweya wakaipa. Ini ndinoremekedza Baba vangu asi imi munondishora. Asi ini handitsvaki mbiri yangu asi aripo mumwe anonditsvakira iyeyo ndiye achava mutongi. Zvechokwadi chokwadi ndinoti kwamuri munhu akachengeta shoko rangu haambofa akaona rufu.” VaJudha vakati kwaari, “Zvino tava kuziva kuti une mweya wakaipa Abhurahamu; akafa vaporofitawo vakafa; asi iwe unoti munhu akachengeta shoko rangu haambofa akaona rufu. Uri mukuru here pana baba vedu Abhurahamu akafa iwe uye vaporofita vakafa? Unozviti ani iwe?” Jesu akati, “Ini ndikazvirumbidza mbiri yangu haina maturo, Baba vangu ndivo vanondirumbidza, ivo vamunoti ndivo Mwari wenyu. Imi hamundizivi asi ini ndinovaziva. Kana ndikati handizivi, ndingatova munyepi semi; asi ini ndinovaziva uye ndinochengeta izwi ravo. Tateguru venyu Abhurahamu vakafarira kuti dai aizongoonawo nguva yangu akaiona akafara.” VaJudha vakati kwaari, “Iwe hausati wava namakore makumi mashanu ndopaungati wakaona Abhurahamu iwe?” Jesu akavati, “Zvechokwadi chaizvo Abhurahamu asati ambovapo INI NDIRI.” Naizvozvo vakanonga matombo kuti vamutake nawo asi Jesu akavanda akabva abuda muTemberi.

Verenga chikamu Johani 8