Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Johani 8:37-59

Johani 8:37-59 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)

Ndinoziva kuti muri zvizvarwa zvaAbhurahama. Asi munotsvaka kundiuraya, nokuti shoko rangu harina nzvimbo mamuri. Ndiri kukuudzai zvandakaona pamberi paBaba vangu, uye imi munoita zvamakanzwa kuna baba venyu.” Ivo vakati, “Abhurahama ndivo baba vedu.” Jesu akati, “Dai maiva vana vaAbhurahama, maidai muchiita zvinhu zvakanga zvichiitwa naAbhurahama. Izvozvi muri kutsvaka kundiuraya, munhu akuudzai chokwadi chandakanzwa kuna Mwari. Abhurahama haana kuita zvinhu zvakadai. Muri kuita zvinhu zvinoitwa nababa venyu.” Vakapindura vakati, “Isu hatisi vana vakaberekwa muupombwe. Baba vatinavo isu ndiye Mwari bedzi.” Jesu akati kwavari, “Dai Mwari aiva Baba venyu, mungadai maindida, nokuti ndakabva kuna Mwari uye iye zvino ndiri pano. Handina kungouya pachangu; asi ndivo vakandituma. Seiko musinganzwisisi kutaura kwangu? Nokuti hamugoni kunzwa zvandinotaura. Imi muri vababa venyu, dhiabhori, uye munoda kuita kuda kwababa venyu. Akanga ari muurayi kubva pakutanga, haamiri muzvokwadi, nokuti maari hamuna zvokwadi. Kana achireva nhema, ndiwo mutauro wokwake iwoyo, nokuti ndiye murevi wenhema uye Baba vadzo. Asi nokuda kwokuti ndinotaura chokwadi, imi hamutendi kwandiri! Ndiani pakati penyu angaratidza kukanganisa kwangu? Kana ndichitaura chokwadi, seiko musinganditendi? Uyo ari waMwari anonzwa zvinorehwa naMwari. Chinoita kuti murege kunzwa ndechokuti imi hamusi vaMwari.” VaJudha vakamupindura vakati, “Hatina kutaura chokwadi here patakati uri muSamaria uye kuti une dhimoni?” Jesu akati, “Handina kubatwa nedhimoni ini, asi ndinokudza Baba vangu uye imi munondizvidza. Handizvitsvakiri kukudzwa; asi aripo mumwe anotsvaka kukudzwa, uye ndiye mutongi. Ndinokuudzai chokwadi, kana munhu akachengeta shoko rangu, haangatongooni rufu.” Ipapo vaJudha vakati kwaari, “Tinoziva zvino kuti une dhimoni iwe! Abhurahama akafa navaprofita vakafawo, asi iwe unoti kana munhu akachengeta shoko rako, haangatongoraviri rufu. Ko, iwe uri mukuru kuna baba vedu Abhurahama here? Ivo vakafa, uye vaprofita vakafawo. Unofunga kuti iwe ndiwe ani?” Jesu akapindura akati, “Kana ini ndichizvirumbidza, kuzvikudza kwangu hakuna maturo. Baba vangu, avo vamunoti ndivo Mwari wenyu, ndivo vanondikudza. Kunyange musingavazivi, ini ndinovaziva. Dai ndanga ndati handivazivi, ndingadai ndava murevi wenhema semi, asi ndinovaziva uye ndinochengeta shoko ravo. Baba venyu Abhurahama vakafara pavakafunga kuti vachaona zuva rangu; vakariona uye vakafara.” VaJudha vakati, “Iwe hausati watombova namakore makumi mashanu okuzvarwa, asi unoti iwe wakaona Abhurahama!” Jesu akapindura akati, “Ndinokuudzai chokwadi, Abhurahama asati azvarwa ini ndiripo!” Ipapo, vakanonga matombo kuti vamutake, asi Jesu akazvivanza, akabuda mutemberi.

Pakurirana nevamwe
Verenga chikamu Johani 8

Johani 8:37-59 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)

Ndinoziva kuti muri rudzi rwaAbhurahamu; asi munotsvaka kundiuraya, nokuti shoko rangu hariwani nzvimbo mamuri. “Ini ndinotaura zvandakaona kuna baba vangu; imi munoitawo zvamanzwa kuna baba venyu.” Vakapindura, vakati kwaari, “Baba vedu ndiAbhurahamu.” Jesu akati kwavari, “Dai maiva vana vaAbhurahamu, maiita mabasa aAbhurahamu. Asi zvino munotsvaka kundiuraya, ini munhu wakakuudzai chokwadi, chandakanzwa kuna Mwari. Abhurahamu haana kuita izvozvo. Imi munoita mabasa ababa venyu.” Vakati kwaari, “Hatina kuberekwa noupombwe; tina baba vamwechete, iye Mwari.” Jesu akati kwavari, “Dai Mwari aiva baba venyu, maindida ini; nokuti ndakabuda, ndikabva kuna Mwari. Nokuti handina kuuya nokuda kwangu ini, asi ndiye akandituma. Hamunzwisisi seiko kutaura kwangu? Nokuti hamugoni kunzwa shoko rangu. Imi muri vababa venyu Dhiabhori, munoda kuita kuda kwakaipa kwababa venyu. Iye akanga ari muurayi kubva pakutanga; haamiri muchokwadi, nokuti maari hamuna chokwadi. Kana achireva nhema, anoreva zvake, nokuti ndiye wenhema, uye baba vadzo. Asi ini, zvandinoreva chokwadi, hamunditendi. Ndianiko kwamuri angakonese kuti ndine zvivi? Kana ndichireva chokwadi, munoregereiko kunditenda? Ari waMwari, anonzwa mashoko aMwari; imi hamunzwi nemhaka iyi, nokuti hamusiri muri vaMwari.” VaJudha vakapindura, vakati kwaari, “Hatina kureva here, tichiti, uri muSamaria, une mweya wakaipa?” Jesu akapindura, akati, “Handina mweya wakaipa, asi ndinokudza baba vangu, zvino imi mondizvidza. Ini handitsvaki kuti ndikudzwe; ariko mumwe anozvitsvaka, achitonga. Zvirokwazvo, zvirokwazvo, ndinoti kwamuri, kana munhu akachengeta shoko rangu, haangatongooni rufu.” VaJudha vakati kwaari, “Tinoziva zvino kuti unemweya wakaipa; Abhurahamu akafa, navaporofitawo; zvino iwe unoti, kana munhu akachengeta shoko rangu, haangatongooni rufu. “Ko iwe uri mukuru kuna baba vedu Abhurahamu, vakafa, kanhi? Navaporofita vakafa? Unozviita aniko?” Jesu akapindura, akati, “Kana ini ndichizvikudza, kuzvikudza kwangu hakuna maturo; anondikudza ndivo baba, avo vamunoti ndiMwari wenyu. Hamuna kuvaziva imi, asi ini ndinovaziva; kana ini ndikati handivazivi, ndava murevi wenhema semi; asi ndinovaziva ini, ndinochengeta shoko ravo. “Abhurahamu, baba venyu, vakafara, vachiti, vachaona zuva rangu; vakariona, vakafara.” Ipapo vaJudha vakati kwaari, “Iwe ugere kusvika makore ana makumi mashanu, wakaona Abhurahamu sei?” Jesu akati kwavari, “Zvirokwazvo, zvirokwazvo, ndinoti kwamuri, ‘Abhurahamu asati avapo, ini ndaivapo.’ ” Ipapo vakanonga mabwe kuti vamutake nawo; asi Jesu akazvivanza, akabuda mutemberi.

Pakurirana nevamwe
Verenga chikamu Johani 8

Johani 8:37-59 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)

Ndinozviziva kuti muri zvizvarwa zvaAbhurahamu, asi munoda kundiuraya nokuti izwi rangu hariwani nzvimbo mamuri. Ini ndinotaura zvandakaona kuna Baba vangu. Imiwo munoita zvamakanzwa kunababa venyu.” Vakamupindurawo vachiti, “Abhurahamu ndivo Baba vedu.” Jesu akavati, “Dai muri vana vaAbhurahamu mungadai muchiita zvaiitwa naAbhurahamu. Asi zvino munoda kundiuraya; ini ndiri munhu akakutaurirai chokwadi chandakanzwa kuna Mwari. Izvi hazvisirizvo zvaiitwa naAbhurahamu. Imi munoita zvinoitwa nababa venyu.” Ivo vakati kwaari, “Isu hatisi vana vomusango. Tina Baba mumwechete, iye Mwari pachake.” Jesu wakavati, “Dai Mwari ari Baba venyu mungadai muchindida nokuti Mwari ndiye dzinde rokwandinobva. Handina kungouyawo zvomusoro wangu asi iye ndiye akandituma. Hamunzwisisi sei zvandinotaura? Chikonzero ndechokuti imi hamudi kunzwa zvandinoreva. Imi muri vana vababa venyu Dhiabhori uye chamakasarudza, kuita zvinodiwa nababa venyu. Iye akanga ari mhondi kubvira pakutanga, uye haanei nechokwadi nokuti maari hamuna chokwadi. Kana achireva nhema, ari kutotaura maererano nezvaari nokuti iye munyepi uye ndibaba wamanyepo. Pamusana pokuti ndinotaura chokwadi, hamunditendi. Ndiani pakati penyu anganditi ndine mhosva yechitadzo? Ko zvino kana ndichitaura chokwadi ngei musingatendi mandiri. Munhu waMwari anonzwa zvinotaurwa naMwari nezvo imi hamuzvinzwi nokuti hamusi vanhu vaMwari.” VaJudha vakamupindura vachiti, “Hatina kutaura chokwadi here isu kuti iwe uri muSamaria, uye kuti una mweya wakaipa?” Jesu akapindura achiti, “Ini handina mweya wakaipa. Ini ndinoremekedza Baba vangu asi imi munondishora. Asi ini handitsvaki mbiri yangu asi aripo mumwe anonditsvakira iyeyo ndiye achava mutongi. Zvechokwadi chokwadi ndinoti kwamuri munhu akachengeta shoko rangu haambofa akaona rufu.” VaJudha vakati kwaari, “Zvino tava kuziva kuti une mweya wakaipa Abhurahamu; akafa vaporofitawo vakafa; asi iwe unoti munhu akachengeta shoko rangu haambofa akaona rufu. Uri mukuru here pana baba vedu Abhurahamu akafa iwe uye vaporofita vakafa? Unozviti ani iwe?” Jesu akati, “Ini ndikazvirumbidza mbiri yangu haina maturo, Baba vangu ndivo vanondirumbidza, ivo vamunoti ndivo Mwari wenyu. Imi hamundizivi asi ini ndinovaziva. Kana ndikati handizivi, ndingatova munyepi semi; asi ini ndinovaziva uye ndinochengeta izwi ravo. Tateguru venyu Abhurahamu vakafarira kuti dai aizongoonawo nguva yangu akaiona akafara.” VaJudha vakati kwaari, “Iwe hausati wava namakore makumi mashanu ndopaungati wakaona Abhurahamu iwe?” Jesu akavati, “Zvechokwadi chaizvo Abhurahamu asati ambovapo INI NDIRI.” Naizvozvo vakanonga matombo kuti vamutake nawo asi Jesu akavanda akabva abuda muTemberi.

Pakurirana nevamwe
Verenga chikamu Johani 8

Johani 8:37-59 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)

Ndinoziʋa kuti muri rudzi rwaAbrahama; asi munotȿaka kundiʋuraya, nokuti shoko raŋgu hariendiki mukati menyu. Ini ndinoreʋa iɀo ɀandakaʋona kunaƂaɓa ʋaŋgu; imi munoita ʋo ɀamanzwa kunaɓaɓa ʋenyu. Ʋakapindura, ʋakati kwaari: Ƃaɓa ʋeɗu ndiAbrahama. Jesu akati kwaʋari: Ƌai maiʋa ʋana ʋaAbrahama, maiita maɓasa aAbrahama. Asi ɀino munotȿaka kundiʋuraya, ini munhu wakakuʋudzai ɀokwaɗi, yandakanzwa kunaMŋari. Abrahama haana‐kuita iɀoɀo. Imi munoita maɓasa aɓaɓa ʋenyu. Ʋakati kwaari: Hatina‐kuɓerekwa noʋupombge; tinaƂaɓa ʋamŋe, iye Mŋari. Jesu akati kwaʋari: Ƌai Mŋari aiʋa Ƃaɓa ʋenyu, maindiɗa ini; nokuti Ndakaɓuɗa, ndikabva kunaMŋari. Nokuti handina‐kuɀiʋuyira ini ndimene, asi ndiye wakandituma. Hamunzwisisi seiko kutaura kwaŋgu? Nokuti hamugoni kunzwa shoko raŋgu. Imi muri ʋaɓaɓa ʋenyu Diaborosi, munoɗa kuita kuɗa kwakaipa kwaɓaɓa ʋenyu. Iye wakaŋga ari muʋurayi kubva pakutaŋga; haamiri muɀokwaɗi, nokuti maari hamuneɀokwaɗi. Kana acireʋa nhema, unoreʋa ɀake, nokuti ndiye wenhema, ʋuye ɓaɓa ʋadzo. Asi ini, ɀandinoreʋa ɀokwaɗi, hamunditendi. Ndianiko kwamuri uŋganditendisa kuti ndineɀiʋi? Kana ndicireʋa ɀokwaɗi, munoregereiko kunditenda? Uri waMŋari, unonzwa mashoko aMŋari; imi hamunzwi nemhaka iyi, nokuti hamuzati muri ʋaMŋari. ƲaJuda ʋakapindura, ʋakati kwaari: Hatinakureʋa kwaɀo here, ticiti: Uri muSamaria, unomŋeya wakaipa? Jesu akapindura, akati: Handinomŋeya wakaipa, asi ndinokudza Ƃaɓa ʋaŋgu, ɀino imi mondiɀidza. Ini handitȿaki kuti ndikudzwe; uri’ko mumŋe unoɀitȿaka, acitoŋga. Ɀirokwaɀo, ɀirokwaɀo, ndinoti kwamuri: Kana munhu akaceŋgeta shoko raŋgu, haaŋgatoŋgoʋoni rufu. ƲaJuda ʋakati kwaari: Tinoziʋa ɀino kuti unomŋeya wakaipa; Abrahama wakafa, naʋaprofita ʋo; ɀino iwe unoti: Kana munhu akaceŋgeta shoko raŋgu, haaŋgatoŋgoʋoni rufu. Ko iwe uri mukuru kunaɓaɓa ʋeɗu Abrahama, ʋakafa, kanhi? naʋaprofita ʋakafa? Unoɀiita aniko? Jesu akapindura, akati: Kana ini ndiciɀikudza, kuɀikudza kwaŋgu hakunamaturo; unondikudza ndiʋo Ƃaɓa, aʋo ʋamunoti ndiMŋari wenyu. Hamuna‐kuʋaziʋa imi, asi ini ndinoʋaziʋa; kana ini ndikati handiʋaziʋi, ndaʋa mureʋi wenhema semi; asi ndinoʋaziʋa ini, ndinoceŋgeta shoko raʋo. Abrahama, ɓaɓa ʋenyu, ʋakafara, ʋaciti ʋacaʋona zuʋa raŋgu; ʋakariʋona, ʋakafara. Ipapo ʋaJuda ʋakati kwaari: Iwe ugere kuȿika makore anamakumi mashanu, wakaʋona Abrahama sei? Jesu akati kwaʋari: Ɀirokwaɀo, ɀirokwaɀo, ndinoti kwamuri: Abrahama asati aʋa’po, ini ndaiʋa’po. Ipapo ʋakanoŋga mabge kuti ʋamutake nawo; asi Jesu wakaɀiʋanza, akaɓuɗa mutembere.

Pakurirana nevamwe
Verenga chikamu Johani 8

Johani 8:37-59 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)