Ndinoziva kuti muri rudzi rwaAbhurahamu; asi munotsvaka kundiuraya, nokuti shoko rangu hariwani nzvimbo mamuri.
“Ini ndinotaura zvandakaona kuna baba vangu; imi munoitawo zvamanzwa kuna baba venyu.”
Vakapindura, vakati kwaari, “Baba vedu ndiAbhurahamu.” Jesu akati kwavari, “Dai maiva vana vaAbhurahamu, maiita mabasa aAbhurahamu. Asi zvino munotsvaka kundiuraya, ini munhu wakakuudzai chokwadi, chandakanzwa kuna Mwari. Abhurahamu haana kuita izvozvo. Imi munoita mabasa ababa venyu.” Vakati kwaari, “Hatina kuberekwa noupombwe; tina baba vamwechete, iye Mwari.”
Jesu akati kwavari, “Dai Mwari aiva baba venyu, maindida ini; nokuti ndakabuda, ndikabva kuna Mwari. Nokuti handina kuuya nokuda kwangu ini, asi ndiye akandituma. Hamunzwisisi seiko kutaura kwangu? Nokuti hamugoni kunzwa shoko rangu. Imi muri vababa venyu Dhiabhori, munoda kuita kuda kwakaipa kwababa venyu. Iye akanga ari muurayi kubva pakutanga; haamiri muchokwadi, nokuti maari hamuna chokwadi. Kana achireva nhema, anoreva zvake, nokuti ndiye wenhema, uye baba vadzo. Asi ini, zvandinoreva chokwadi, hamunditendi. Ndianiko kwamuri angakonese kuti ndine zvivi? Kana ndichireva chokwadi, munoregereiko kunditenda? Ari waMwari, anonzwa mashoko aMwari; imi hamunzwi nemhaka iyi, nokuti hamusiri muri vaMwari.”
VaJudha vakapindura, vakati kwaari, “Hatina kureva here, tichiti, uri muSamaria, une mweya wakaipa?”
Jesu akapindura, akati, “Handina mweya wakaipa, asi ndinokudza baba vangu, zvino imi mondizvidza. Ini handitsvaki kuti ndikudzwe; ariko mumwe anozvitsvaka, achitonga. Zvirokwazvo, zvirokwazvo, ndinoti kwamuri, kana munhu akachengeta shoko rangu, haangatongooni rufu.”
VaJudha vakati kwaari, “Tinoziva zvino kuti unemweya wakaipa; Abhurahamu akafa, navaporofitawo; zvino iwe unoti, kana munhu akachengeta shoko rangu, haangatongooni rufu.
“Ko iwe uri mukuru kuna baba vedu Abhurahamu, vakafa, kanhi? Navaporofita vakafa? Unozviita aniko?”
Jesu akapindura, akati, “Kana ini ndichizvikudza, kuzvikudza kwangu hakuna maturo; anondikudza ndivo baba, avo vamunoti ndiMwari wenyu. Hamuna kuvaziva imi, asi ini ndinovaziva; kana ini ndikati handivazivi, ndava murevi wenhema semi; asi ndinovaziva ini, ndinochengeta shoko ravo.
“Abhurahamu, baba venyu, vakafara, vachiti, vachaona zuva rangu; vakariona, vakafara.”
Ipapo vaJudha vakati kwaari, “Iwe ugere kusvika makore ana makumi mashanu, wakaona Abhurahamu sei?”
Jesu akati kwavari, “Zvirokwazvo, zvirokwazvo, ndinoti kwamuri, ‘Abhurahamu asati avapo, ini ndaivapo.’ ”
Ipapo vakanonga mabwe kuti vamutake nawo; asi Jesu akazvivanza, akabuda mutemberi.