“Mwoyo yenyu ngairenge kutambudzika tendai muna Mwari mutendewo mandiri. Mumba maBaba vangu kune dzimba dzakawanda dai kwakanga kusina ndingadai ndakakuudzai. Ndiri kuendako kundokugadzirirai pokugara. Kana ndandokugadzirirai pokugara ndichauyazve ndozokutorai kuti kwandichange ndiri, imi muvekowo. Nzira yokwandinoenda munoiziva.” Tomasi akati kwaari, “Tenzi hatizivi kwamuri kuenda tingazive sei nzira yoko?” Jesu akamuti kwaari, “Ndini nzira nechokwadi noupenyu. Hapana anosvika kuna Baba asina kuuya nokwandiri. Dai maindiziva maizivawo Baba vangu asi kubvira zvino mavakuvaziva uye makavaona.” Firipi akati, “Tenzi tiratidzei Baba tinobva tagutsikana.” Jesu akati kwaari, “Nhai Firipi, ko zvandagarazve nguva ndefu yakadai nemi, nanhasi wose haundizivi? Inga wani akaona ini akaona Baba. Zvino ungagoti seiko tiratidzei Baba? Haudaviri here kuti ndiri muna Baba uye kuti Baba vari mandiri. Zvandinotaura kwamuri hazvisi zvomusoro wangu asi kuti Baba vanogara mandiri ndivo vanenge vachiita mabasa avo. Nditendei kuti ini ndiri muna Baba uye kuti Baba vari mandiri kana kuti nditendei nokuda kwamabasa pachawo. “Zvechokwadi chokwadi ndinoti kwamuri, anotenda mandiri achaitawo mabasa andinoita uye achaita mabasa akatokura kupinda aya nokuti ndava kuenda kuna Baba. Chiri chose chamunokumbira muzita rangu ndichachiita kuti Baba varumbidzwe muMwanakomana. Kana mukakumbira chii zvacho muzita rangu ini ndichachiita.
Verenga chikamu Johani 14
Pakurirana nevamwe
Enzanisa mhando yose: Johani 14:1-14
Chengetedza mavhesi, verenga usiri pamasaisai, wona mavhidhiyo ezvidzidzo uye zvakawanda!
Pekutangira
Bhaibheri
Zvirongwa
Mavideo