Johani 14:1-14
Johani 14:1-14 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
“Mwoyo yenyu ngairege kutambudzika. Tendai kuna Mwari; mutendewo kwandiri. Mumba maBaba vangu mune nzvimbo zhinji dzokugara; dai zvaiva zvisizvo, ndingadai ndakuudzai. Ndiri kuenda ikoko kundokugadzirirai nzvimbo. Uye kana ndikaenda kundokugadzirirai nzvimbo, ndichadzoka ndozokutorai kuti muve neni, kuti nemiwo mugova kwandinenge ndiri. Imi munoziva nzira yokuenda nayo kunzvimbo yandiri kuenda.” Tomasi akati kwaari, “Ishe hatizivi kwamuri kuenda, saka nzira yacho tingaiziva seiko?” Jesu akapindura akati, “Ndini nzira nechokwadi uye noupenyu. Hakuna munhu angauya kuna Baba kana asina kupfuura napandiri. Dai maindiziva chaizvo mungadai maizozivawo Baba vangu. Kubvira zvino, munovaziva uye makavaona.” Firipi akati, “Ishe, tiratidzei Baba kuti zvigotiringana.” Jesu akapindura akati, “Firipi, haundizivi iwe here, kunyange ndanga ndiri pakati penyu kwenguva refu yakadai? Ani naani aona ini aona Baba. Unoreva seiko zvaunoti, ‘Tiratidzei Baba’ Hamutendi here kuti ini ndiri muna Baba, uye Baba vari mandiri? Mashoko andinotaura kwamuri haasi angu ndoga. Asi, ndeaBaba, vanogara mandiri, avo vari kuita basa ravo. Nditendei pandinenge ndichiti, ini ndiri muna Baba uye Baba vari mandiri; kana kuti mutende zviratidzo zvamunoona. Ndinokuudzai kuti, ani naani anotenda kwandiri achaita zvandanga ndichiita. Achaita kunyange zvinhu zvikuru kupfuura izvi, nokuti ndiri kuenda kuna Baba. Uye ndichaita zvose zvamunokumbira muzita rangu, kuitira kuti Mwanakomana avigire Baba kukudzwa. Kana mukakumbira chinhu chipi zvacho muzita rangu, ndichachiita.
Johani 14:1-14 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
“Mwoyo yenyu irege kumanikidzwa; tendai kuna Mwari, mutendewo kwandiri. Mumba mababa vangu mune nzvimbo zhinji dzokugara; dai kusaiva kudaro, ndingadai ndaikuudzai; nokuti ndinoenda kundokugadzirirai pokugara. “Kana ndaenda kundokugadzirirai pokugara, ndinozouyazve, ndikugamuchirei kwandiri; kuti apo pandiri, nemi mugovapowo. Napandinoendanapo, imi munoziva nzira.” Tomasi akati kwaari, “Ishe, hatizivi pamunoenda; nzira tingaiziva seiko?” Jesu akati kwaari, “Ndini nzira, nechokwadi, noupenyu; hapana munhu unouya kuna baba, asi nokwandiri. Dai makanga muchindiziva mungadai maizivawo baba vangu; kubva zvino munovaziva, makavaona.” Firipi akati kwaari, “Ishe, tiratidzei baba zvigotiringana.” Jesu akati kwaari, “Ndakava nemi nguva refu yakadai, ko hausati wandiziva here, Firipi? Andiona ini, aona baba; zvino unoreva seiko, uchiti, ‘Tiratidzei baba?’ Hautendi here kuti ndiri muna baba nababa vari mandiri? Mashoko andinoreva kwamuri, handiarevi pachangu; asi baba, vanogara mandiri, ndivo vanoita mabasa avo. Nditendei kuti ndiri munababa, nababa vari mandiri; kana kusi kudaro, nditendei nokuda kwamabasa amene. Zvirokwazvo, zvirokwazvo, ndinoti kwamuri, Anotenda kwandiri, mabasa andinoita, iye achaaitawo, achaita makuru kunaawa; nokuti ndinoenda kuna baba. Chinhu chipi nechipi chamunokumbira muzita rangu, ndichachiita, kuti baba vakudzwe muMwanakomana. Kana muchikumbira chinhu kwandiri muzita rangu, ndichachiita.
Johani 14:1-14 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)
“Mwoyo yenyu ngairenge kutambudzika tendai muna Mwari mutendewo mandiri. Mumba maBaba vangu kune dzimba dzakawanda dai kwakanga kusina ndingadai ndakakuudzai. Ndiri kuendako kundokugadzirirai pokugara. Kana ndandokugadzirirai pokugara ndichauyazve ndozokutorai kuti kwandichange ndiri, imi muvekowo. Nzira yokwandinoenda munoiziva.” Tomasi akati kwaari, “Tenzi hatizivi kwamuri kuenda tingazive sei nzira yoko?” Jesu akamuti kwaari, “Ndini nzira nechokwadi noupenyu. Hapana anosvika kuna Baba asina kuuya nokwandiri. Dai maindiziva maizivawo Baba vangu asi kubvira zvino mavakuvaziva uye makavaona.” Firipi akati, “Tenzi tiratidzei Baba tinobva tagutsikana.” Jesu akati kwaari, “Nhai Firipi, ko zvandagarazve nguva ndefu yakadai nemi, nanhasi wose haundizivi? Inga wani akaona ini akaona Baba. Zvino ungagoti seiko tiratidzei Baba? Haudaviri here kuti ndiri muna Baba uye kuti Baba vari mandiri. Zvandinotaura kwamuri hazvisi zvomusoro wangu asi kuti Baba vanogara mandiri ndivo vanenge vachiita mabasa avo. Nditendei kuti ini ndiri muna Baba uye kuti Baba vari mandiri kana kuti nditendei nokuda kwamabasa pachawo. “Zvechokwadi chokwadi ndinoti kwamuri, anotenda mandiri achaitawo mabasa andinoita uye achaita mabasa akatokura kupinda aya nokuti ndava kuenda kuna Baba. Chiri chose chamunokumbira muzita rangu ndichachiita kuti Baba varumbidzwe muMwanakomana. Kana mukakumbira chii zvacho muzita rangu ini ndichachiita.
Johani 14:1-14 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)

Johani 14:1-14 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Mŋoyo yenyu irege kumanikidzwa; tendai kunaMŋari, mutende ʋo kwandiri. Mumba maƂaɓa ʋaŋgu munenɀimbo zhinji dzokugara; ɗai kusaiʋa kuɗaro, ndiŋgaɗai ndaikuʋudzai; nokuti ndinoenda kundokugadzirirai pokugara. Kana ndaenda kundokugadzirirai pokugara, ndinozoʋuya ɀe, ndikugamucirei kwandiri; kuti apo pandiri, nemi mugoʋa’po ʋo. Napandinoenda’po, imi munoziʋa nzira. Tomasi akati kwaari: Ishe, hatiziʋi pamunoenda; nzira tiŋgaiziʋa seiko? Jesu akati kwaari: Ndini nzira, neɀokwaɗi, noʋupenyu; hapanomunhu unoʋuya kunaƂaɓa, asi nokwandiri. Ƌai makaŋga mucindiziʋa, muŋgaɗai maiziʋa ʋo Ƃaɓa ʋaŋgu; kubva ɀino munoʋaziʋa, makaʋaʋona. Firipo akati kwaari: Ishe, tiratidzei Ƃaɓa ɀigotiriŋgana. Jesu akati kwaari: Ndakaʋa nemi ŋguʋa refu yakaɗai, ko hauzati wandiziʋa here, Firipo? Wandiʋona ini, waʋona Ƃaɓa; ɀino unoreʋa seiko, uciti: Tiratidzei Ƃaɓa? Hautendi here kuti ndiri munaƂaɓa naƂaɓa ʋari mandiri? Mashoko andinoreʋa kwamuri, handiareʋi pacaŋgu; asi Ƃaɓa, ʋanogara mandiri, ndiʋo ʋanoita maɓasa aʋo. Nditendei kuti ndiri munaƂaɓa, naƂaɓa ʋari mandiri; kana kusi kuɗaro, nditendei nokuɗa kwamaɓasa amene. Ɀirokwaɀo, ɀirokwaɀo, ndinoti kwamuri: Unotenda kwandiri, maɓasa andinoita, iye ucaaita ʋo, ucaita makuru kunawawa; nokuti ndinoenda kunaƂaɓa. Cinhu cipi necipi camunokumbira muzita raŋgu, ndicaciita, kuti Ƃaɓa ʋakudzwe muMŋanakomana. Kana mucikumbira cinhu kwandiri muzita raŋgu, ndicaciita.