Mŋoyo yenyu irege kumanikidzwa; tendai kunaMŋari, mutende ʋo kwandiri. Mumba maƂaɓa ʋaŋgu munenɀimbo zhinji dzokugara; ɗai kusaiʋa kuɗaro, ndiŋgaɗai ndaikuʋudzai; nokuti ndinoenda kundokugadzirirai pokugara. Kana ndaenda kundokugadzirirai pokugara, ndinozoʋuya ɀe, ndikugamucirei kwandiri; kuti apo pandiri, nemi mugoʋa’po ʋo. Napandinoenda’po, imi munoziʋa nzira. Tomasi akati kwaari: Ishe, hatiziʋi pamunoenda; nzira tiŋgaiziʋa seiko? Jesu akati kwaari: Ndini nzira, neɀokwaɗi, noʋupenyu; hapanomunhu unoʋuya kunaƂaɓa, asi nokwandiri. Ƌai makaŋga mucindiziʋa, muŋgaɗai maiziʋa ʋo Ƃaɓa ʋaŋgu; kubva ɀino munoʋaziʋa, makaʋaʋona. Firipo akati kwaari: Ishe, tiratidzei Ƃaɓa ɀigotiriŋgana. Jesu akati kwaari: Ndakaʋa nemi ŋguʋa refu yakaɗai, ko hauzati wandiziʋa here, Firipo? Wandiʋona ini, waʋona Ƃaɓa; ɀino unoreʋa seiko, uciti: Tiratidzei Ƃaɓa? Hautendi here kuti ndiri munaƂaɓa naƂaɓa ʋari mandiri? Mashoko andinoreʋa kwamuri, handiareʋi pacaŋgu; asi Ƃaɓa, ʋanogara mandiri, ndiʋo ʋanoita maɓasa aʋo. Nditendei kuti ndiri munaƂaɓa, naƂaɓa ʋari mandiri; kana kusi kuɗaro, nditendei nokuɗa kwamaɓasa amene. Ɀirokwaɀo, ɀirokwaɀo, ndinoti kwamuri: Unotenda kwandiri, maɓasa andinoita, iye ucaaita ʋo, ucaita makuru kunawawa; nokuti ndinoenda kunaƂaɓa. Cinhu cipi necipi camunokumbira muzita raŋgu, ndicaciita, kuti Ƃaɓa ʋakudzwe muMŋanakomana. Kana mucikumbira cinhu kwandiri muzita raŋgu, ndicaciita.