“Mwoyo yenyu irege kumanikidzwa; tendai kuna Mwari, mutendewo kwandiri. Mumba mababa vangu mune nzvimbo zhinji dzokugara; dai kusaiva kudaro, ndingadai ndaikuudzai; nokuti ndinoenda kundokugadzirirai pokugara.
“Kana ndaenda kundokugadzirirai pokugara, ndinozouyazve, ndikugamuchirei kwandiri; kuti apo pandiri, nemi mugovapowo. Napandinoendanapo, imi munoziva nzira.”
Tomasi akati kwaari, “Ishe, hatizivi pamunoenda; nzira tingaiziva seiko?”
Jesu akati kwaari, “Ndini nzira, nechokwadi, noupenyu; hapana munhu unouya kuna baba, asi nokwandiri. Dai makanga muchindiziva mungadai maizivawo baba vangu; kubva zvino munovaziva, makavaona.”
Firipi akati kwaari, “Ishe, tiratidzei baba zvigotiringana.”
Jesu akati kwaari, “Ndakava nemi nguva refu yakadai, ko hausati wandiziva here, Firipi? Andiona ini, aona baba; zvino unoreva seiko, uchiti, ‘Tiratidzei baba?’ Hautendi here kuti ndiri muna baba nababa vari mandiri? Mashoko andinoreva kwamuri, handiarevi pachangu; asi baba, vanogara mandiri, ndivo vanoita mabasa avo. Nditendei kuti ndiri munababa, nababa vari mandiri; kana kusi kudaro, nditendei nokuda kwamabasa amene. Zvirokwazvo, zvirokwazvo, ndinoti kwamuri, Anotenda kwandiri, mabasa andinoita, iye achaaitawo, achaita makuru kunaawa; nokuti ndinoenda kuna baba. Chinhu chipi nechipi chamunokumbira muzita rangu, ndichachiita, kuti baba vakudzwe muMwanakomana. Kana muchikumbira chinhu kwandiri muzita rangu, ndichachiita.