Vatongi 20
20
VaIsiraeri vanogadzirira kundoranga nzenza dzokuGibhea
1VaIsiraeri vose vakabudidzana vachibva kuDhani kusvikira kuBheerishebha pamwechetewo novokuGireadhi, gungano iri rikandoungana somunhu mumwechete pana Tenzi kuMizipa. 2Vatungamiriri vavanhu vose vamadzinza ose avaIsiraeri vakauyawo pamwechete negungano revanhu vaMwari, vari zviuru zvina zvavarume vetsoka vanorwa nomapakatwa. 3(VokwaBhenjamini vakanzwa kuti vaIsiraeri vakaenda kuMizipa.) VaIsiraeri vakati, “Tipire tinzwe kuti uhwu hwakaitika sei?”
4MuRevhi uya, murume womukadzi akaurayiwa akati, “Ini ndakasvika nokuGibhea kunyika yokwaBhenjamini kuti ini nomurongo wangu tiwane pokurara. 5Varume vokuGibhea vakandimukira vakandikomba mumba mandakanga ndiri usiku vachida kundiuraya. Vakabata murongo wangu chibharo, akafa. 6Ndakatora murongo wangu ndikamudimura-dimura, ndikatumira zvidimbu zvacho kunyika dzose dzavaIsiraeri dzenhaka yavo. Chandakadariro ndechokuti vakapara zvinonyadzisa mhosva yakaipa younzenza muIsiraeri. 7Hezvoka vaIsiraeri, muri mose zvenyu, zano renyu rinoti kudii, poitwa sei ipapa?”
8Vanhu vose vakasunga rimwe rokuti, “Pakati pedu hapana munhu achadzokera kutendhe rake, kana mumwechete zvake achadzokera kumba. 9Zvatichaita kuGibhea ndezvizvi, tichasarudza nechin'ange vanhu vachandorirwisa. 10Pazana roga roga ravanhu, mudzinza nedzinza ravaIsiraeri tichasarudza gumi ravarume, pachiuru tichisarudza zana, pagumi rezviuru tichisarudza chiuru. Ndovachaigira vanhu zvokudya. Kana ngavatsividze kuGibhea kwaBhenjamini votsividza mhosva inonyadzisa yakaparwa muIsiraeri.” 11Saka varume vose veIsiraeri vakaunganidzana vakaita chirwirangwe kurwisa guta irori.
Kuomesa musoro kwavanhu vokwaBhenjamini
12Madzinza avaIsiraeri akatuma nhume kudzinza rose rokwaBhenjimini kundoti, “Kushinhwai kwakaitwa pakati penyu? 13Zvino unzai vanamatatapure vokuGibhea ivavo vasina musoro tivauraye, tibvise uipi hwakadai uhwu muIsiraeri.” Asi vokwaBhenjamini havana kumboteerera zvavo zvakanga zvataurwa nehama dzavo vaIsiraeri. 14Asi kutoti vokwaBhenjamini ava vakabva mumaguta avo ose vakaunganidzana kuGibhea kuti varwe navaIsiraeri. 15Pamusoro pamazana manomwe avarwi vokurwa namapakatwa vakanga vaitwa zvokusarudzwa kuGibhea, vokwaBhenjamini vakaunganidzawo makumi maviri ezviuru nezviuru zvitanhatu zvavarwi vakanga vatoitwa zvokutosarudzwa mumaguta avo, nguva iyoyo. 16Mukati mevose ivava makanga muine mazana manomwe avarwi vaiva namaboshwe vasina mhosva vaigona kukanda dombo kuruvhudzi rumwechete vachirutema. 17Tisingaverenge vedzinza rokwaBhenjamini, vaIsiraeri vakaunganidza mazana mana avarume vokurwa namapakatwa vari varwi vehondo vose.
Hondo yavaIsiraeri nevokwaBhenjamini
18VaIsiraeri vakakwira kuenda kuBhetieri kundobvunza Tenzi kuti, “Nderipi dzinza redu richatanga kundorwisa vokwaBhenjamini?” Tenzi akati, “VokwaJudha ndovachatanga kuenda.” 19Mangwana acho vaIsiraeri vakamuka mangwanani vakandodzika matendhe avo pedyo neGibhea. 20VaIsiraeri vakasimuka kurwisana nevokwaBhenjamini. VaIsiraeri vakarongana kurwisa Gibhea. 21VokwaBhenjamini vakavabudira muGibhea, vakarakatisa kuuraya vaIsiraeri zviuru zviviri musi iwoyo. 22Zvakadaro zvazvo, vaIsiraeri vakazvisimbaradza vakaronga hondo zvakare panzvimbo yakare yavakanga vakaronga zuva rokutanga. 23VaIsiraeri vakaenda kuna Tenzi vakachema kwaari kudzamara ava manheru. Vakabvunza Tenzi kuti, “Toendazve here kundorwa nehama dzedu dzokwaBhenjamini?” Tenzi ndokuti, “Endai mundovarwisa.”
24Zuva rechipiri vaIsiraeri vakasebera kuzorwisana novokwaBhenjamini. 25VokwaBhenjamini vakavabudira muGibhea zuva rechipiri irori, vakarakatisa varume gumi rezviuru nezviuru zvisere zvavaIsiraeri, ivava vose vakanga vari varwi vokurwa namapakatwa. 26Ipapo vaIsiraeri vose, hondo yavo yose zvayo, vakaenda kuBhetieri vakachema. Vakagara pana Tenzi, vakatsanya kusvikira manheru zuva iroro. Vakaita mipiro yokupisa neyokuwadzana kuna Tenzi. 27VaIsiraeri vakabvunza Tenzi zvokuita nokuti mazuva iwayo bhokisi raMwari rechitenderano ndoparaiva. 28Finehasi mwanakomana waEreazari mwana waAroni ndiye aiita basa roupristi ipapo. VaIsiraeri vakabvunza kuti, “Ko tingaendezve here kundorwisana nehama dzedu dzokwaBhenjamini, kana kuti kwete?” Tenzi ndokuti, “Endai nokuti mangwana ndinovaisa mumaoko enyu.”
29VaIsiraeri vakaronga vamwe vanhu kuti vahwandire vakakomberedza Gibhea. 30VaIsiraeri vakaenda kundorwisa vokwaBhenjamini nezuva retatu. Sezvavakamboita pakutanga, vakaronganazve kurwisa Gibhea. 31VokwaBhenjamini vakavavinga, ivo ndokuvakwezvera kure neguta. Sezvavaimboita pakutanga, vakatanga kurova vachiuraya vaIsiraeri mumigwagwa inoti wokuenda kuBhetieri nowokuenda kuGibhea nomusango nomusango, kukafa vaIsiraeri makumi matatu. 32VokwaBhenjamini vakafunga kuti, “Vari kutiza sapakutanga.” Asi vaIsiraeri vaiti, “Regai titize timbovakwezvera kumigwagwa mikuru vabve muguta.” 33VaIsiraeri vose vakanyanduka vachibva pavakanga vari, vakarongana zvokuti vachirwa kuBhaaritamari. VaIsiraeri vakanga vakahwandira vakadzumbunukawo kumadokero#20:33 Kumadokero: Zviri pana apa ndizvo zviri muchiGiriki noVg asi muchiHebheru munoti kubani. kweGebha vomhanya. 34Varume vanosvika gumi rezviuru vakanga vaitwa zvokusarudzwa muIsiraeri vakanangana neGibhea kurirwisa. Kwakarwisanwa zvinotyisa, izvozvo vokwaBhenjamini vakanga vasingatomboziva zvavo kuti kwatova kuparara kwavo. 35Tenzi akaita kuti vokwaBhenjamini vakurirwe navaIsiraeri. Zuva iroro vaIsiraeri vakauraya varume makumi maviri ezviuru nezviuru zvishanu nezana rimwechete ravanhu vokwaBhenjamini ivavo vose vari varwi vokurwa namapakatwa. 36VokwaBhenjamini vakazviona kuti vatokurirwa.
Kukundwa kwakaitwa vokwaBhenjamini navaIsiraeri
VaIsiraeri vakapa vokwaBhenjamini mukana vachivimba navaya vavakanga vati vahwandire Gibhea. 37Vaya vakanga vakahwandira vakamhanya kundorwisa Gibhea. Vakanga vakahwandira ivava vakadzumbunuka vakauraya guta rose iroro namapakatwa. 38Pakanga pavimbisanwa kuti vakanga vakahwandira vaya vanofanira kuzopwititisa gore routsi muguta, 39varume veIsiraeri ndopavaizopinduka votanga kurwisa. Pakanga vokwaBhenjamini vatangisa zvino kuuraya varume makumi matatu veIsiraeri, votofunga kuti, “A-a zvino tazonyatsovakurira sezvatakambovaita pakutanga.” 40Ipapo ndopakatanga kutogoka gore routsi muguta. VokwaBhenjamini vakazoti cheu, onei guta rose rangova moto wonjenjema mudenga. 41Ndopakabva papinduka vaIsiraeri, zvikakangaidza vokwaBhenjamini nokuti vakanga votoona kuti kwava kupera uku. 42Naizvozvo vakapishinuka votiza vaIsiraeri vonanga kurenje, hondo ikagoti tsvome tsvome navo ikoko, vokomberanwa navamwe vaibva nokumaguta vachivakatakazha. 43VokwaBhenjamini vakakomberanwa zvokuti kuvaronda kwakanga kwava nyore nyore#20:43 Nyore nyore: Kana kuti kuNowa. kudzamara kuGebha kumabvazuva. 44Kwakafiwa nemikweshwa chaiyo yavarume vokwaBhenjamini, gumi rezviuru nezviuru zvisere. 45Vakapishinuka zvakare votizira kurenje kubako rokwaRimoni, vaIsiraeri vakangouraya vokungonhonga-nhongawo vanokwana zviuru zvishanu zvavarume mumigwagwamo. Vakatsikirirana navo kuvaronda kusvikira kuGidhomu vakauraya zviuru zviviri zvavanhu. 46Saka vokwaBhenjamini vakafa musi iwoyo vaikwana makumi maviri ezviuru nezviuru zvishanu zvemikweshwa yavarume vokurwa namapakatwa.
47Asi mazana matanhatu avarume vakatizira kurenje kubako rokwaRimoni, vakagara mubako rokwaRimoni iri mwedzi mina. 48VaIsiraeri vakachidzokera, vamwe vokwaBhenjamini vaiva muguta vakavauraya namapakatwa, vachiuraya vanhu nezvipfuwo nezvose zvazvo zvavaisangana nazvo. Vakapisa nomoto maguta ose avakawana acho.
Zvasarudzwa nguva ino
Vatongi 20: SCLB
Sarudza vhesi
Pakurirana nevamwe
Sarudza zvinyorwa izvi
Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda
Shona Common Language Bible © Bible Society of Zimbabwe, 2008.