Vatongi 21
21
Mazano okuwanira vokwaBhenjamini vakadzi
1KuMizipa, vaIsiraeri vakanga vapika kuti, “Hapana mumwe wedu acharoodza mwana wake kune vokwaBhenjamini.”
2Zvino vaIsiraeri vakaenda kuBhetieri vakaswera vagere pana Mwari kusvikira manheru vachiridza mhere 3vachiti, “Nhai Tenzi, Mwari wavaIsiraeri zvamboitika seiko izvi muvaIsiraeri kuti rimwe dzinza ravaIsiraeri ritsakatike nhasi uno?”
4Mangwana acho vakafumomuka vakavaka atari vakapira mipiro yokupisa nemipiro yokuwadzana. 5VaIsiraeri vakati, “Ndiani pakati pamadzinza avaIsiraeri asina kuuya kuna Tenzi kumusangano?” Vakadaro nokuti vakanga vanyatsosimbisisa kupika nezvomunhu anenge asina kuuya kuna Tenzi kuMizipa vachiti, “Anofanira kutourayiwa chete.” 6VaIsiraeri vakanga vonzwira urombo hama dzavo dzokwaBhenjamini, voti, “Inga nhasi uno rimwe dzinza ratotsakatika muIsiraeri. 7Ko zvatakapika naTenzi kuti hatiroodzi vana vedu kwavari, zvino tichagoita sei kuti vaya vakasara vawane vakadzi?”
Vasikana vokuJabhesi vanopiwa kune vokwaBhenjamini
8Vakati, “Nderipiko dzinza ravaIsiraeri risina kuuya kuna Tenzi kuMizipa? Zvakabuda pachena kuti hakuna vokuJabheshigireadhi akanga auya kumusangano, 9nokuti pakaverengwa vanhu kwakabva kwaoneka kuti hakuna wokuJabheshigireadhi vose navakadzi navana. 10Naizvozvo gungano rakatumira zviuru gumi nezviviri nemvumba dzavo dzavarwi vachivati endai mundouraya vagari vekuJabheshigireadhi namapakatwa uye vakadzi navana. 11Zvamuchaita ndezvizvi, urayayi varume vose mugourayawo mukadzi wose akambozivana nomurume.” 12Pavagari vose vomuJabheshigireadhi vakawana kune mazana mana emhandara dzisati dzazivana nomurume vakauya nadzo kumatendhe avo kuShiro munyika yeKanani.
13Gungano rose rakatuma kune vokwaBhenjamini kubako rakwaRimoni shoko rokuti pachiva nokunzwanana navo. 14Panguva iyoyo vokwaBhenjamini vakadzoka ndokuvapa vakadzi vaye vavasina kuuraya kuJabheshigireadhi, asi havana kuvawanira vanokwanirana navo. 15VaIsiraeri vakanzwira vokwaBenjamini urombo nokuti pakanga pava nevende pamadzinza avaIsiraeri.
Zano rokuwanira naro vokwaBhenjamini mukadzi
16Vakuru vakuru vegungano ndokuti, “Vakadzi vomudzinza rokwaBhenjamini zvavakapera kufa, zvino tichagoita sei kuti varume vasara ava vawanewo vakadzi?” 17Vakati, “Padzinza iri rokwaBhenjamini panofanira kuva navana vanoita kuti dzinza iri riendere mberi rigorega kutsakatika muIsiraeri. 18Asi isu hatingagone kuroodza vana vedu kwavari kuti vave vakadzi vavo.” VaIsiraeri vakadaro nokuti vakanga vapika kuti, “Anenge angoroodza mwana wake kune vokwaBhenjamini, ngaawirwe norushambwa.” 19Saka vakati, “Inga kune zuva guru wani rokupemberera Tenzi rinochengetwa gore negore kuShiro kuchamhembe kweBhetieri kumabvazuva pedyo nomugwagwa mukuru unobva kuBhetieri uchienda kuShikemu kuri kumaodzanyemba kweRebhona.” 20Vakaudza vokwaBhenjamini vaya kuti, “Chiendai mundohwandira muri muminda yamagirepisi, 21mugaririre. Kana vasikana vokuShiro ivavo vobuda kuzotamba mudariro imi ibvai mabuda muminda yamagirepisi mumwe nomumwe wenyu atore mukadzi pavasikana ivavo vokuShiro, aende kunyika yokwaBhenjamini.” 22Madzibaba avo kana kuti hanzvadzi dzavo dzikauya kuzomhan'ara kwatiri, isu tichati kwavari, “Tapota vedu we-e! Chingotiitiraiwo mwoyochena mutipewo zvenyu nokuti vanhu ava hatina kuvawanira vakadzi kuhondo, nemiwo hamuna kuita zvokuvapa, dai makadaro mungadai muine mhosva.”
23VokwaBhenjamini vakaita izvozvo, vakandozvitorera vakadzi zvakangoenzanirana nokuwanda kwavo muvasikana vaitamba vakaenda navo. Vakaenda vodzokera kunyika yenhaka yavo. Vakavakazve maguta vakagaramo. 24Munguva iyoyo vaIsiraeri vakapararana, munhu wese akaenda kudzinza rake kumhuri yake. Vakabva ipapo mumwe nomumwe achienda kunyika yenhaka yake.
25Panguva iyoyo muIsiraeri makanga musina mambo yaingova njake njake, munhu wose achingoita zvake zvomusoro wake.
Zvasarudzwa nguva ino
Vatongi 21: SCLB
Sarudza vhesi
Pakurirana nevamwe
Sarudza zvinyorwa izvi
Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda
Shona Common Language Bible © Bible Society of Zimbabwe, 2008.