Vatongi 19
19
2. MHOSVA YEGIBIA NOKURWISWA KWEVOKWABHENJAMINI
Munhu wokwaEfuraimu nomurongo wake
1Mazuva iwayo pakanga muIsiraeri musina mambo, mumwe muRevhi aigara kumuchetocheto kwenyika yamakomo yokwaEfuraimu, akaparika mumwe mukadzi wokuBheterehemu rokwaJudha. 2Murongo uyu akashatirirwa murume wake akapomoka pamurume akaenda kumusha kwababa wake kuBheterehemu rokwaJudha, akagarako mwedzi mina. 3Murume wake akasimuka akamutevera kundomunyengetedza kuti adzoke. Zvaakamutevera aiva nomuranda wake namadhongi maviri. Akasvika kwavatezvara vake. Vatezvara vake pavakamuona, vakamuchingura norufaro. 4Vatezvara vake, baba womusikana uyu vakati mukuwasha wavo ambogara zvake navo. Mukuwasha uyu ndokumbogarawo zvake mazuva naye. Saka vakambodya zvavo vachinwa vachirarapo kwamazuva. 5Pazuva rechina vakafumomuka, mukuwasha uyu ndokugadzirira kuenda, asi baba vomusikana uyu vakati kumukuwasha wavo, “Madii mambowana kachingwa kwokukanda mukanwa mudzore mwoyo, mugoti moenda zvenyu.”
6Saka varume ava vari vaviri vakagara zvavo pasi vakadya vakanwa pamwechete. Baba womusikana uyu vakati kumukuwasha wavo, “Dai wachirara zvako pano uchifara.” 7Ava mangwana acho, mukuwasha paakamuka oda kuenda, vatezvara vake vakamugombedzera kudzamara ararapo zvakare. 8Pazuva rechishanu akafumomukazve mangwanani kuti aende, ndokubva baba vomusikana uyu vati, “Dai mambowana chokudya mudzore mwoyo muchimbomirira kuti zuva rirereke. Saka vakadya zvavo vari vose.” 9Paakati achipinda munzira pamwechete nomukadzi wake nomuranda wake, vatezvara vake, baba vomusikana uyu vakati, “Chitarisai muone kunze kwaendaka uku. Zuva rava kutodoka iri. Chirarai zvenyu pano mupedzere usiku huno pano muchifara. Mangwana mofumomuka muchipinda zvenyu murwendo rwenyu muchienda kumusha kwenyu.” 10Murume uyu haana kuda kuzoita humwe usiku aripo. Akasimuka ndokupinda munzira. Akasvika pakatarisana neguta reJebhusi (ndiro Jerusaremu.) Aiva nomurongo wake namadhongi maviri akanga aine zvityaro.
Mhosva yavanhu veGibhea
11Pavakanga vava padyo neguta reJebhusi, zuva rakanga rava kutodoka. Muranda akati kuna tenzi wake, “Tadii kuchitsaukira zvedu muguta revaJebhusi iri tiraremo.” 12Tenzi wake akati kwaari, “Aiwa, hatingatsaukire muguta ravatorwa vasiri vaIsiraeri, saka ngatipfuurirei kuGibhea.” 13Akati kumuranda wake, “Uya tiende uku kune dzimwe nzvimbo tindorara tava kuGibhea kana kuti kuRama.” 14Saka vakapfuurira vakazodokerwa nezuva vava pedyo neGibhea riri munyika yokwaBenjamini. 15Ndimo mavakazotsaukira vorara. Akaenda akandogara panze panhandare. Hapana akanga avatorawo kundovapa pokurara kumba kwake. 16Ndipo pakazotiwo nepo tutururu imwe harahwa ichibva kumunda kwayo manheru. Harahwa iyoyi yaibva kunyika yamakomo yokwaEfuraimu aitova muuyi zvake kuGibhea. Asi vanhu vomo vaiva vedzinza rokwaBenjamini. 17Harahwa iyi yakatarisa ikaona murume uyu aiva parwendo ari panze zvapo panhandare ikati, “Uri kuenda kupi? Unobva kupiko?” 18Akati kwaari, “Tiri kupfuurawo zvedu tichibva kuBheterehemu rokwaJudha, tiri murwendo kuenda kumuchetocheto kwenyika yamakomo yokwaEfuraimu kwandinobva. Rwanga ruri rwendo rwokuenda kuBheterehemu rokwaJudha, zvino ndava kuenda kumba kwangu.#19:18 Kwangu: ChiHebheru chino kwaTenzi. Asi iye zvino hapana atipinzawo mumba make. 19Uswa nechokudya chamadhongi edu tinazvo. Tine chingwawo newaini. Isu varanda venyu zviri zvokudya tinazvo zvinokwanira ini nemwanasikana wenyu nejaya iri ratinaro. Hapana chatisina.” 20Harahwa iya ndokuti, “A zvakanaka wani. Iniwo ndichakupai zvose zvamungadaro musina. Chete, zvokuti murare panze pano apa panhandare aiwa.” 21Nokudaro akaenda navo kumba kwake, akapa madhongi zvokudya, ivo vakashamba makumbo avo vakadya vakamwa.
22Pavaingunofara zvavo ndokubva madzenga avanhu asvika ndokukomba imba iyi vachigogodza pamusuo ndokuti kuharahwa iya, muridzi vemba, “Buritsa pano panze murume apinda mumba mako, timuite mukadzi wedu.” 23Murume uyu, muridzi wemba, akabuda panze pavaiva akavati, “Aiwaka, hama dzangu regai kuita chakaipa chikadaro, zvamunongoonawo kuti muenzi auya muimba mangu. Regai kushinhwa zvakadai. 24Chinzwaika, pane mwana wangu achiri mhandara nomukadzi womurume iyeyo ndovondoburitsa panze iye zvino, muite zvenyu chakaipa navo chamunoda. Asi kune murume uyu regai kuita unzenza hwakadaro.”
25Asi varume vacho vakaramba kumunzwa. Murume uyu akati murongo wake ndu, ndiye sunde panze kwavari. Vakamubata chibharo vachiita kwaari zvavaida usiku hwose kusvikira mangwanani. Kuzoti ava mambakwedza ndopavakazomurega kuti aende zvake.
26Kwava kuti ngu-u kuedza mukadzi uya akasvikowira pasi pamusuo wemba iya maiva natenzi wake. Akaramba akati rapata ipapo kusvikira zuva rabuda. 27Tenzi wake akamuka mangwanani ndokuzarura misuo yemba iye ava kuda kupinda murwendo wanei murongo wake akati rapata pamuso wemba ipapo, maoko ake ari pachiguvare. 28Akati kwaari, “Simuka tiende.” Asi haana kudaira. Murume uyu akamuisa padhongi ndokusimuka oenda kumusha kwake. 29Murume uyu akati apinda mumba make akatora banga ndokucheka-cheka mukadzi wake iyeyu, muzvidimbu gumi nezviviri, ndokutumira kumativi ose eIsiraeri. 30Vose zvavo vakazviona vakati, “Zvinhu zvakadai hazvisati zvamboitika kana kumbooneka muIsiraeri kubvira zuva rakabuda vaIsiraeri munyika yeIjipiti kusvikira nhasi uno. Nyatsozvifungai, murangane zvokuita mutiudze.”
Zvasarudzwa nguva ino
Vatongi 19: SCLB
Sarudza vhesi
Pakurirana nevamwe
Sarudza zvinyorwa izvi
Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda
Shona Common Language Bible © Bible Society of Zimbabwe, 2008.