VaIsiraeri vakaita zvakare zvakaipa zvisingadiwe naTenzi. Tenzi akavaisa mumaoko avaFirisitia kwamakore makumi mana. Kwaiva nomumwewo murume ainzi Manoa wedzinza rokwaDhani aigara muguta reZora. Aiva momudzimai akanga asina mbereko, asina mwana. Mutumwa waTenzi akazviratidza kwaari akati, “Chinzwa, iwe hauna mbereko, hauna mwana, asi uchazova napamuviri, ugobereka mwana mukomana. Naizvozvo uchenjerere kuti usanwe waini kana doro, uregewo kudya chinhu chakan'ora, nokuti uchava napamuviri, ugobereka mwana mukomana. Haafaniri kumbofa akaveurwa vhudzi rake, nokuti achava muNaziri waMwari kubvira pakuberekwa kwake. Achatanga kununura vaIsiraeri mumaoko avaFirisitia.”
Verenga chikamu Vatongi 13
Pakurirana nevamwe
Enzanisa mhando yose: Vatongi 13:1-5
Chengetedza mavhesi, verenga usiri pamasaisai, wona mavhidhiyo ezvidzidzo uye zvakawanda!
Pekutangira
Bhaibheri
Zvirongwa
Mavideo