Vatongi 13:1-5
Vatongi 13:1-5 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
VaIsraeri vakaitazve zvakaipa pamberi paJehovha, saka Jehovha akavaisa mumaoko avaFiristia kwamakore makumi mana. Mumwe murumwe weZora ainzi Manoa, aibva muimba yavaDhani, akanga ane mukadzi akanga asingabereki, asina mwana. Mutumwa waJehovha akazviratidza kwaari uye akati, “Iwe haubereki uye hauna mwana, asi uchava nemimba uye ugova nomwanakomana. Zvino uone kuti warega kunwa waini kana zvimwe zvokunwa zvakaviriswa uye kuti urege kudya chinhu chipi zvacho chisina kuchena, nokuti uchava nemimba uye uchabereka mwanakomana. Chisvo hachifaniri kuveura musoro wake, nokuti mukomana anofanira kuva muNaziri, akatsaurirwa kuna Mwari kubva pakuzvarwa kwake, uye ndiye achatanga kusunungura vaIsraeri kubva mumaoko avaFiristia.”
Vatongi 13:1-5 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)
VaIsiraeri vakaita zvakare zvakaipa zvisingadiwe naTenzi. Tenzi akavaisa mumaoko avaFirisitia kwamakore makumi mana. Kwaiva nomumwewo murume ainzi Manoa wedzinza rokwaDhani aigara muguta reZora. Aiva momudzimai akanga asina mbereko, asina mwana. Mutumwa waTenzi akazviratidza kwaari akati, “Chinzwa, iwe hauna mbereko, hauna mwana, asi uchazova napamuviri, ugobereka mwana mukomana. Naizvozvo uchenjerere kuti usanwe waini kana doro, uregewo kudya chinhu chakan'ora, nokuti uchava napamuviri, ugobereka mwana mukomana. Haafaniri kumbofa akaveurwa vhudzi rake, nokuti achava muNaziri waMwari kubvira pakuberekwa kwake. Achatanga kununura vaIsiraeri mumaoko avaFirisitia.”
Vatongi 13:1-5 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Zvino vana vaIsiraeri vakaitazve zvakaipa pamberi paJehovha, Jehovha akavaisa mumaoko avaFirisitia makore ana makumi mana. Zvino kwakanga kuno mumwe murume weZora, weimba yaDhani, wainzi Manoa; mukadzi wake wakanga asina mwanakomana, asingabereki. Mutumwa waJehovha akazviratidza kumukadzi uyu, akati kwaari, “Tarira zvino, iwe haubereki, hauno mwana; asi uchava nemimba, nokubereka mwanakomana. Naizvozvo zvino chichenjera hako kuti urege kunwa waini, kana zvimwe zvinobata, kana kudya chinhu chisina kunaka; nokuti tarira, uchava nemimba, nokubereka mwanakomana; musoro wake haufaniri kuveurwa nechisvo, nokuti mwana uyu anofanira kuva muNaziri waMwari kubva padumbu ramai vake; iye uchatanga kuponesa Isiraeri pamaoko avaFirisitia.”

Vatongi 13:1-5 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
VaIsiraeri vakaita zvakare zvakaipa zvisingadiwe naTenzi. Tenzi akavaisa mumaoko avaFirisitia kwamakore makumi mana. Kwaiva nomumwewo murume ainzi Manoa wedzinza rokwaDhani aigara muguta reZora. Aiva momudzimai akanga asina mbereko, asina mwana. Mutumwa waTenzi akazviratidza kwaari akati, “Chinzwa, iwe hauna mbereko, hauna mwana, asi uchazova napamuviri, ugobereka mwana mukomana. Naizvozvo uchenjerere kuti usanwe waini kana doro, uregewo kudya chinhu chakan'ora, nokuti uchava napamuviri, ugobereka mwana mukomana. Haafaniri kumbofa akaveurwa vhudzi rake, nokuti achava muNaziri waMwari kubvira pakuberekwa kwake. Achatanga kununura vaIsiraeri mumaoko avaFirisitia.”
Vatongi 13:1-5 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Ɀino ʋana ʋaIsraeri ʋakaita ɀe ɀakaipa pamberi paJehova, Jehova akaʋaisa mumaʋoko aʋaFiristia makore anamakumi manna. Ɀino kwakaŋga kunomumŋe murume weZora, weimba yaDani, wainzi Manoa; mukadzi wake wakaŋga asinomŋanakomana, asiŋgaɓereki. Mutumŋa waJehova akaɀiratidza kumukadzi uyu, akati kwaari: Tarira ɀino, iwe hauɓereki, haunomŋana; asi ucaʋa nemimba, nokuɓereka mŋanakomana. Naiɀoɀo ɀino cicenjera hako kuti urege kunwa waini, kana ɀimŋe ɀinoɓata, kana kudya cinhu cisina‐kunaka; nokuti tarira, ucaʋa nemimba, nokuɓereka mŋanakomana; musoro wake haufaniri kuʋeʋurwa neciȿo, nokuti mŋana uyu unofanira kuʋa muNaziri waMŋari kubva paɗumbu ramai ʋake; iye ucataŋga kuponesa Israeri pamaʋoko aʋaFiristia.