Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Vatongi 13:1-5

Vatongi 13:1-5 SNA2002

Zvino vana vaIsiraeri vakaitazve zvakaipa pamberi paJehovha, Jehovha akavaisa mumaoko avaFirisitia makore ana makumi mana. Zvino kwakanga kuno mumwe murume weZora, weimba yaDhani, wainzi Manoa; mukadzi wake wakanga asina mwanakomana, asingabereki. Mutumwa waJehovha akazviratidza kumukadzi uyu, akati kwaari, “Tarira zvino, iwe haubereki, hauno mwana; asi uchava nemimba, nokubereka mwanakomana. Naizvozvo zvino chichenjera hako kuti urege kunwa waini, kana zvimwe zvinobata, kana kudya chinhu chisina kunaka; nokuti tarira, uchava nemimba, nokubereka mwanakomana; musoro wake haufaniri kuveurwa nechisvo, nokuti mwana uyu anofanira kuva muNaziri waMwari kubva padumbu ramai vake; iye uchatanga kuponesa Isiraeri pamaoko avaFirisitia.”

Verenga chikamu Vatongi 13