“Ndiani angatende rondedzero yezvatakaudzwa? Uye ndiani akaratidzwa simba roruoko rwaTenzi? Pamusana pokuti akakura pana Mwari sebukira romuti uye somudzi unotungira pavhu rakaoma. Akanga asisina chimiro, chokuti munhu kana kwavo nechingayemurike paari, zvokuti tingambotarisawo zvedu kwaari, asisina kana runako rwokuti tiitewo mwoyo wokumuda. Akashorwa akarambidzanwa navanhu iye munhu wokutambura munhu anoziva nhamo uye somunhu wokuti vanhu vakamutarisa vanotofuratira zvavo. Akazvidzwa tikatadza kumuyemura. “Asi chaizvoizvo, nhamo dzaakatakura, dzaiva nhamo dzedu uyewo matambudziko aakatakurana nawo aiva matambudziko edu. Asi isu takatomuona somunhu ari kuzvamburwa nokurohwa naMwari achitambudzwa. “Akabayirwa zvitadzo zvedu akakuvadzirwa uipi hwedu, kurangwa kwaakaitwa ndokwakatiponesa, shamhu dzaakarohwa dzakaporesa isu. Tose zvedu takanga taita sehwai dzakarasika mumwe nomumwe wedu atetereka nenzira yake, Tenzi akaisa zvitadzo zvedu zvose paari. Akaoneswa nhamo akabatiswa ndondo, asi haana kana kumboti muromo bufu; sehwayana akatungamidzwa kundourayiwa sokunyarara kwehwai inenge ichivewurwa makushe saizvozvowo haana zvake kumboti muromo bufu.
Verenga chikamu Isaya 53
Pakurirana nevamwe
Enzanisa mhando yose: Isaya 53:1-7
Chengetedza mavhesi, verenga usiri pamasaisai, wona mavhidhiyo ezvidzidzo uye zvakawanda!
Pekutangira
Bhaibheri
Zvirongwa
Mavideo