Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Isaya 53:1-7

Isaya 53:1-7 SNA2002

Ndianiko akatenda zvatakaparidzirwa? Ruoko rwaJehovha rwakaratidzwa kuna ani? Nokuti akamera pamberi pake sebukira nyoro, somudzi unobuda pavhu rakaoma; haane chimiro kana umambo; kana tichimuona, haana kunaka kuti timude. Akazvidzwa, nokuraswa navanhu, munhu wokurwadziwa, akaziva urwere, somunhu anovanzirwa navanhu zviso zvavo; akazvidzwa nesu hatina kumukudza. Zvirokwazvo, akatakura matenda edu, nokusimudza kurwadziwa kwedu; asi isu takati akatambudzwa, akarohwa naMwari nokumanikidzwa. Asi akakuvadzwa nokuda kwokudarika kwedu, akarwadziwa nokuda kwezvakaipa zvedu; kurohwa kwakativigira rugare kwakanga kuri pamusoro pake, takaporeswa namavanga ake. Isu tose takanga takarasika samakwai, takatsauka mumwe nomumwe nenzira yake; asi Jehovha akaisa pamusoro pake kuipa kwedu tose. Akamanikidzwa, kunyange zvakadaro akazvininipisa, akasashamisa muromo wake; segwayana rinoiswa kundobayiwa uye segwai risingachemi pamberi pavaveuri varo, saizvozvo haana kushamisa muromo wake.

Verenga chikamu Isaya 53