Isaya 53:1-7
Isaya 53:1-7 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Ndianiko akatenda zvatakaparidza, uye ruoko rwaJehovha rwakaratidzwa kuna aniko? Akamera pamberi pake sebukira nyoro, uye somudzi pavhu rakaoma. Akanga asina runako kana chimiro choumambo kuti atikwezve kwaari, hapana chatingada pakuratidzika kwake. Akazvidzwa uye akarambwa navanhu, murume wokusuwa, uye anoziva kutambudzika. Somunhu anovanzirwa chiso navanhu, akazvidzwa, uye isu hatina kumukudza. Zvirokwazvo akatakura matenda edu, uye akatakura kurwadziswa kwedu; asi isu takafunga kuti akarohwa naMwari, akarohwa naye uye akarwadziswa. Asi akabayiwa nokuda kwokudarika kwedu, akakuvadzwa nokuda kwezvakaipa zvedu; kurohwa kwakativigira rugare kwaiva pamusoro pake, uye namavanga ake takaporeswa. Isu tose takanga takarasika samakwai, mumwe nomumwe nenzira yake, asi Jehovha akaisa pamusoro pake kuipa kwedu tose. Akamanikidzwa uye akarwadziswa, asi haana kushamisa muromo wake; akatungamirirwa segwayana riri kundobayiwa, uye sokunyarara kwegwai pamberi pomuveuri waro, saizvozvo haana kushamisa muromo wake.
Isaya 53:1-7 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Ndianiko akatenda zvatakaparidzirwa? Ruoko rwaJehovha rwakaratidzwa kuna ani? Nokuti akamera pamberi pake sebukira nyoro, somudzi unobuda pavhu rakaoma; haane chimiro kana umambo; kana tichimuona, haana kunaka kuti timude. Akazvidzwa, nokuraswa navanhu, munhu wokurwadziwa, akaziva urwere, somunhu anovanzirwa navanhu zviso zvavo; akazvidzwa nesu hatina kumukudza. Zvirokwazvo, akatakura matenda edu, nokusimudza kurwadziwa kwedu; asi isu takati akatambudzwa, akarohwa naMwari nokumanikidzwa. Asi akakuvadzwa nokuda kwokudarika kwedu, akarwadziwa nokuda kwezvakaipa zvedu; kurohwa kwakativigira rugare kwakanga kuri pamusoro pake, takaporeswa namavanga ake. Isu tose takanga takarasika samakwai, takatsauka mumwe nomumwe nenzira yake; asi Jehovha akaisa pamusoro pake kuipa kwedu tose. Akamanikidzwa, kunyange zvakadaro akazvininipisa, akasashamisa muromo wake; segwayana rinoiswa kundobayiwa uye segwai risingachemi pamberi pavaveuri varo, saizvozvo haana kushamisa muromo wake.
Isaya 53:1-7 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
“Ndiani angatende rondedzero yezvatakaudzwa? Uye ndiani akaratidzwa simba roruoko rwaTenzi? Pamusana pokuti akakura pana Mwari sebukira romuti uye somudzi unotungira pavhu rakaoma. Akanga asisina chimiro, chokuti munhu kana kwavo nechingayemurike paari, zvokuti tingambotarisawo zvedu kwaari, asisina kana runako rwokuti tiitewo mwoyo wokumuda. Akashorwa akarambidzanwa navanhu iye munhu wokutambura munhu anoziva nhamo uye somunhu wokuti vanhu vakamutarisa vanotofuratira zvavo. Akazvidzwa tikatadza kumuyemura. “Asi chaizvoizvo, nhamo dzaakatakura, dzaiva nhamo dzedu uyewo matambudziko aakatakurana nawo aiva matambudziko edu. Asi isu takatomuona somunhu ari kuzvamburwa nokurohwa naMwari achitambudzwa. “Akabayirwa zvitadzo zvedu akakuvadzirwa uipi hwedu, kurangwa kwaakaitwa ndokwakatiponesa, shamhu dzaakarohwa dzakaporesa isu. Tose zvedu takanga taita sehwai dzakarasika mumwe nomumwe wedu atetereka nenzira yake, Tenzi akaisa zvitadzo zvedu zvose paari. Akaoneswa nhamo akabatiswa ndondo, asi haana kana kumboti muromo bufu; sehwayana akatungamidzwa kundourayiwa sokunyarara kwehwai inenge ichivewurwa makushe saizvozvowo haana zvake kumboti muromo bufu.
Isaya 53:1-7 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Ndianiko wakatenda ɀatakaparidzirwa? Ruʋoko rwaJehova rwakaratidzwa kunani? Nokuti wakamera pamberi pake seɓukira nyoro, somudzi unoɓuɗa pavu rakawoma; haanecimiro kana ʋumambo; kana ticimuʋona, hakunokunaka kuti timuɗe. Wakaɀidzwa, nokurashwa naʋanhu, munhu wokurwadziwa, wakaziʋa ʋurwere, somunhu unoʋanzirwa naʋanhu ɀiso ɀaʋo; wakaɀidzwa, nesu hatina‐kumukudza. Ɀirokwaɀo, wakatakura matenda eɗu, nokusimudza kurwadziwa kweɗu; asi isu takati wakatambudzwa, wakarobga naMŋari nokumanikidzwa. Asi wakakuʋadzwa nokuɗa kwokuɗarika kweɗu, wakarwadziwa nokuɗa kweɀakaipa ɀeɗu; kurobga kwakatiʋigira rugare kwakaŋga kuri pamsoro pake, takaporeswa namaʋaŋga ake. Isu tose takaŋga takarashika samakwai, takatsauka mumŋe nomumŋe nenzira yake; asi Jehova wakaisa pamsoro pake kuipa kweɗu tose. Wakamanikidzwa, kunyaŋge ɀakaɗaro wakaɀininipisa, akasashamisa muromo wake; segwaiana rinoiswa kundoɓayiwa, ʋuye segwai risiŋgacemi pamberi paʋaʋeʋuri ʋaro, saiɀoɀo haana‐kushamisa muromo wake.
Isaya 53:1-7 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)