Isaya 53:1-7
Isaya 53:1-7 SUB1949
Ndianiko wakatenda ɀatakaparidzirwa? Ruʋoko rwaJehova rwakaratidzwa kunani? Nokuti wakamera pamberi pake seɓukira nyoro, somudzi unoɓuɗa pavu rakawoma; haanecimiro kana ʋumambo; kana ticimuʋona, hakunokunaka kuti timuɗe. Wakaɀidzwa, nokurashwa naʋanhu, munhu wokurwadziwa, wakaziʋa ʋurwere, somunhu unoʋanzirwa naʋanhu ɀiso ɀaʋo; wakaɀidzwa, nesu hatina‐kumukudza. Ɀirokwaɀo, wakatakura matenda eɗu, nokusimudza kurwadziwa kweɗu; asi isu takati wakatambudzwa, wakarobga naMŋari nokumanikidzwa. Asi wakakuʋadzwa nokuɗa kwokuɗarika kweɗu, wakarwadziwa nokuɗa kweɀakaipa ɀeɗu; kurobga kwakatiʋigira rugare kwakaŋga kuri pamsoro pake, takaporeswa namaʋaŋga ake. Isu tose takaŋga takarashika samakwai, takatsauka mumŋe nomumŋe nenzira yake; asi Jehova wakaisa pamsoro pake kuipa kweɗu tose. Wakamanikidzwa, kunyaŋge ɀakaɗaro wakaɀininipisa, akasashamisa muromo wake; segwaiana rinoiswa kundoɓayiwa, ʋuye segwai risiŋgacemi pamberi paʋaʋeʋuri ʋaro, saiɀoɀo haana‐kushamisa muromo wake.

