Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Isaya 45:1-7

Isaya 45:1-7 SCLB

Tenzi ari kutaurira muzodzwa wake Sairasi wandakabatana ruoko rwerudyi zvokuti ndinofanokurira marudzi avanhu mberi kwake nokushayisa madzimambo simba nokufanozarura makonhi mberi kwake kuitira kuti misuo mikuru irege kupfigwa achiti, “Ndichafanoenda mberi kwako ndichifanoita kuti nzvimbo dzakatunhumara dziti chechetere, ndichipaza kuti mwarara makonhi endarira ndichidimura zvihuri zvesimbi. Ndichakupa upfumi hwomurima hwakavigwa munzvimbo dzechivande kuti uzive kuti ini ndini Tenzi Mwari weIsiraeri ari kukudoma nezita. Chandiri kuitira muranda wangu Jakobho, naIsiraeri wandakasarudza. Ndinokudoma nezita ndichikudaidza nezita redzinza rako kunyange zvako usingandizivi. Ndini Tenzi hakuna mumwe, hakuna mumwe Mwari kunze kwangu anokupa simba ndini kunyange usingandizivi kuitira kuti kubvira kumabuda zuva kusvikira kumadokero vanhu vagoziva kuti hakuna mumwe kunze kwangu. Ndini Tenzi hakuna mumwe. Ndini ndinoita kuti chiedza chivepo ndichisikawo rima. Ndini ndinoita kuti kuve nokugarika. Ndini ndinounza pfumvu. Ndini iyeni Tenzi ndinoita zvinhu zvese izvozvi.

Verenga chikamu Isaya 45