Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Isaya 45:1-7

Isaya 45:1-7 SNA2002

Zvanzi naJehovha kumuzodzwa wake, kuna Koreshi, wandakabata ruoko rwake rworudyi, kuti ndikunde marudzi avanhu pamberi pake, ndichisunungura zviuno zvamadzimambo, ndimuzarurire misuo pamberi pake, namasuo arege kuzarirwa. “Ini ndichaenda pamberi pako, ndichienzanisa pasina kuenzana; ndichaputsa-putsa misuo yendarira, nokugura-gura mipfigo yendarama; ndichakupa pfuma iri murima, noupfumi hwakavanzwa panzvimbo dzisingazikanwi, kuti uzive kuti ndini Jehovha, Mwari waIsiraeri, anokudana nezita rako. Nokuda kwaJakobho muranda wangu, nokwaIsiraeri musanangurwa wangu, ndakakudana nezita rako, ndakakutumidza zita rakanaka, kunyange wakanga usingandizivi. Ndini Jehovha, hakuna mumwe; kunze kwangu hakuna mumwe Mwari. Ndichakusunga chiuno kunyange usina kundiziva; kuti vazive kubva kumabvazuva nokumavirazuva, kuti hakuna mumwe kunze kwangu; ndini Jehovha, hakuna mumwe. Ndini ndinoumba chiedza, nokusika rima; ndinoita rugare, nokusika njodzi; ndini Jehovha, anoita zvinhu izvi zvose.

Verenga chikamu Isaya 45